|
| 1 |
|
| Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, |
|
| 2 |
|
| “Mwanakomana womunhu, paivapo vakadzi vaviri vaiva vana vamai vamwechete. |
|
| 3 |
|
| Vakaita unzenza muIjipiti. Vakaita ufeve hwacho vachiri vechiduku vachidzvanywa mazamu avo minyatso yavo youmhandara ichibatwa-batwa. |
|
| 4 |
|
| Mukuru wacho ainzi Ohora munun'una wake achinziwo Ohoribha. Vakava vangu vakabereka vana vakomana navasikana. Pamazita avo apa Nyadumba iSamaria, Mudumba iJerusaremu. |
|
| 5 |
|
| “Ohora akaita upfambi iye ari wangu. Mwoyo wake waidokwairira zvikomba zvake vaAsiria ivo |
|
| 6 |
|
| varwi vakapfeka hanzu dzoruvara rwohute, masadunhu navatungamiriri vakuru vehondo vose, zvavo vari majaya anoyemurika, varwi vamabhiza vanotasva mabhiza. |
|
| 7 |
|
| Akaita ufeve hwake navo ivo varume vakanakisisa veAsiria vose zvavo vachizvin'oresa nezvifananidzo zvokunamata zvomumwe nomumwe wose waaidokwairira. |
|
| 8 |
|
| Haana kumbosiyana noufeve hwaaiita mazuva aaiva muIjipiti nokuti paakanga achiri wechiduku varume vairara naye vachibata-bata nyatso dzake dzoumhandara vachipedzera shungu dzoruchiva rwavo paari. |
|
| 9 |
|
| Naizvozvo ndakamuisa mumaoko mezvikomba zvake izvozvo, mumaoko mavaAsiria vaaidokwairira vacho. |
|
| 10 |
|
| Ivava vakamupfekenura kumusiya ava mutwi. Vakabata vanakomana vake navanasikana vake. Iye vakamuuraya nebakatwa akabva ava tsumo zvayo pakati pavakadzi paakanga zvino atemerwa chirango chake. |
|
| 11 |
|
| “Munun'una wake uya, Mudumba izvozvi zvaiva mumaziso make asi akava mukadzi ane tsika dzakatonyanyisisa kuora kumudarika iye mukudokwaira mwoyo woufeve hwake hwakanga hwakatoipisisa kupfuura hwomukoma wake. |
|
| 12 |
|
| Mukadzi uyu akadokwairira vaAsiria, masadunhu acho navatungamiriri vakuru vehondo ivo varwi vakanga vakapfeka zvinhu zvokuhondo chaizvo zvakakwana vari varwi vemabhiza vachitasva mabhiza, vose vari majaya anoyemurika. |
|
| 13 |
|
| Ipapo ndakaona kuti akanga aton'oreswa uye vose vari vaviri vakanga vatora nzira imwecheteyo. |
|
| 14 |
|
| “Asi iye akatopindiridza kwazvo ufeve hwake. Akaona varume vakanzi chechetere pamadziro, mifananidzo yavanhu vechiKaridhea yakanzi kumadziro chechetere neingi tsvuku |
|
| 15 |
|
| vakasunga mindya muchiuno vaine ngundu mumusoro dzinoti rembe rembe. Vose vaitarisika savakuru vakuru uri mufananidzo zvawo wevaBhabhironi vagari venyika yeKaridhea. |
|
| 16 |
|
| Paakavaona akavadokwairira mwoyo akatumira nhume kwavari kuKaridhea. |
|
| 17 |
|
| VaBhabhironi vakauya kwaari vakaenda naye pamubhedha wezverudo vakamun'oresa nehavi dzavo. Mushure mokunge an'oreswa navo kudaro, akavaramba asviba mwoyo. |
|
| 18 |
|
| Paakanga oita ufeve hwake pasina zvokuvanza wongoita ufambi zviri pachena achizviyanika muviri wake, ndakasviba mwoyo ndikamuramba sezvandakaita mukoma wake. |
|
| 19 |
|
| Asi ufeve hwake ndipo paakatohunyanya oyeuka zvino mazuva oumhandara hwake paaiita ufeve nenyika yeIjipiti |
|
| 20 |
|
| kwaaidokwairira mhombwe dzake ikoko dzine mhuka dzinenge dzamadhongi dzinowadzura mbeu samabhiza makono. |
|
| 21 |
|
| Ndokusuwira kwawaiita kushaya hunhu pahudiki hwako zviya zvokuIjipiti kwawaibatwa-batwa minyatso yako uchidzvanywa mazamu ako akanga achiri echidiki.” |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo iwe Ohoribha zvanzi naTenzi Mwari, “Chinzwa ndichaita kuti upandukirwe navadiwa vako ivavo vawakaramba wasviba mwoyo. Zvino ndichavaunza vagokukomberana kumativi ese, |
|
| 23 |
|
| ivo vaBhabhironi navanhu vose vechiKaridhea vokuPekodhi nokuShoa nokuKoa uye nevaAsiria vose vavanavo, majaya acho anoyemurika, masadunhu navatungamiriri vakuru vehondo, vose vakuru vakuru, varwi vose zvavo vakatasva mabhiza. |
|
| 24 |
|
| “Vachakuvinga vachibva kuchamhembe vaine ngoro dzehondo nezvikochikari negurusvusvu ravanhu vamarudzi. Vacharongana kuzokurwisa kumativi ose vaine nhoo huru neduku nenguwani dzesimbi. Ndivo vandichati vakugadze dare; vachakutonga iwe maererano nematongerowo avo. |
|
| 25 |
|
| Iwewe ndiwe wandichanangana naye ndakashatirwa ivowo vagokuitira zvehasha. Vachacheka mhuno dzako nenzeve dzako, vanenge vasara vokwako vachifa nebakatwa. Vachabata vanakomana navanasikana vako. Vanenge vasara vokwako vachavaroromesa nomoto. |
|
| 26 |
|
| Vachakupfekenurawo hanzu dzako vachikutorerawo zvishongo zvako zvakanakisisa. |
|
| 27 |
|
| Saizvozvo ndichapedza kushaya kwako hunhu uye ufeve hwako hwakabva kunyika yeIjipiti zvokuti hauzombotarisa kana kuyeukazve vaIjipiti, |
|
| 28 |
|
| nokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndava kukuisa mumaoko mavavo vaunovenga mumaoko maavo vawakaramba wasviba mwoyo. |
|
| 29 |
|
| Ivo zvavachaita kwauri vachakuitira noruvengo, vachakutorera zvose zvawakawana nokushanda kwako vagokusiya wangodaro wakashama mutwi uye ufeve hwako huchasiyiwa hwava pachena. Pamusana pokushaya hunhu hwako noufeve hwako |
|
| 30 |
|
| unenge wawirwa nezvinhu izvozvi nokuti wakaita ufeve namarudzi avanhu ukazvin'oresa nezvifananidzo zvavo zvokunamata. |
|
| 31 |
|
| Wakatevedza nzira yomukoma wako, nezvo ndichaisa mukombe wake wehasha dzangu mumaoko mako.” |
|
| 32 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Unofanira kuti utonwa mukombe womukoma wako, zigombe guru chairo. Uchasekwa nokudadirwa nokuti rine zvakawanda. |
|
| 33 |
|
| “Uchanyatsoraradza zvako ugonyatsosuruvara. Mukombe unodumbirisa wokuparadza ndiwo mukombe womukoma wako Samaria. |
|
| 34 |
|
| Uchaunwa zvokuukwengura ugotobanda zvimedu zvawo wobvanzura mazamu ako nokuti ndini ndazvireva.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. |
|
| 35 |
|
| Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti wakandikanganwa ukandikanda kuseri kwako. Hezvoka worumwa nechokuchera nokushaya kwakoka hunhu nounzenza hwako. |
|
| 36 |
|
| “Tenzi akanditi iwe mwanakomana womunhu chitonga Ohora naOhoribha. Vazivise zviito zvavo zvinosemesa |
|
| 37 |
|
| nokuti vakaita ufeve uye vane ropa mumaoko. Vakaita ufeve nezvifananidzo zvavo zvokunamata vachitopira kwazviri sechokudya vana vaya vavakandiberekera. |
|
| 38 |
|
| Uyezve vakaita izvi kwandiri, vakan'oresa Nzvimbo yangu Inoera panguva imwechetewo vachin'oresa maSabata angu |
|
| 39 |
|
| nokuti pavakauraya vana vavo vachivaita chibayiro kuzvifananidzo zvavo zvokunamata pazuva rimwechetero vakauya kuNzvimbo yangu Inoera kuzoin'oresa. Hezvo, zvavakaita mumba mangu. |
|
| 40 |
|
| “Vakatotumira shoko rokukoka varume vanobva kure vakatumirwa nhume ndokubvawo vauya. Wakazvishambidza ukapenda maziso ako ukazvishongedza nezvishongo uchiitira ivo. |
|
| 41 |
|
| Wakati tendhe kugara pachigaro chaiva neteburu yakagadzikirwa zvokudya mberi kwacho pawakanga iwe waisa rusenzi rwangu namafuta angu eorivhi. |
|
| 42 |
|
| Izvozvo paiva nemheremhere yemhomho yavanhu vaiva naye uye nezvidhakwa zvamadzenga zvawo avarume vokurenje. Vakaisa tsambo mumaoko avakadzi nendaza dzakanakisa pamisoro yavo. |
|
| 43 |
|
| Ndakazoti ko zvino ivo varume havaite upombwe here kana vachiita ufeve naye? |
|
| 44 |
|
| Vakatadza naye sezvinoita varume vanotadza nepfambi. Ndiko kutadza kwavakaita naOhora naOhoribha vachiita zvisina hunhu. |
|
| 45 |
|
| Vanhu vakarurama vachavatongera mhosva youpfambi uye nemhosva yavakadzi vanodeura ropa nokuti zvifeve uye vane ropa mumaoko mavo.” |
|
| 46 |
|
| Ndinodaro nokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Vaunzire hondo kuzovarwisa uite kuti vave chinhu chinotyisa nechinhu chokupamba. |
|
| 47 |
|
| Hondo iyoyo inofanira kuvataka namabwe ivapfuudze namapakatwa ayo vachauraya vanakomana navanasikana vavo uye ichiroromesa dzimba dzavo. |
|
| 48 |
|
| Ndomapedzero andichaita kushaya hunhu munyika iyoyi kuitira kuti vakadzi vose vawane yambiro varege kuzoshaya hunhu sezvakaita imi. |
|
| 49 |
|
| Kushaya kwenyu hunhu kuchakupfukirai mugopiwa shamhu yechirango chechitadzo chenyu chokunamata zvifananidzo. Ipapo ndipo pamuchazoziva kuti ini ndini Tenzi Mwari.” |
|
|
|
|