Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Mugore rechipfumbamwe, nomwedzi wegumi pazuva regumi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, |
| 2 |
| “Mwanakomana womunhu, nyora zita rezuva iri, zuva iro rino chairo, nokuti mambo weBhabhironi akomba Jerusarema pazuva irori. |
| 3 |
| Taurira imba yokumukira iyi mufananidzo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Gadza hadyana; igadze ugodira mvura mairi. |
| 4 |
| Uise mairi nhindi dzenyama, nhindi dzakanaka, gumbo nebandauko. Uizadze namapfupa akaisvonaka aya; |
| 5 |
| utore gwai rakasanangurwa. Uise huni pasi payo kuitira mapfupa; uivirise ugobika mapfupa imomo. |
| 6 |
| “ ‘Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa, nehadyana ine ngura, mukati mayo, ine ngura isingabvi. Budisai nhindi imwe neimwe musingakandi mijenya nokuda kwadzo. |
| 7 |
| “ ‘Nokuti ropa rarakateura riri pakati paro: Rakaridururira paruware pasina chinhu; harina kuriteurira pavhu, paringafukidzwa neguruva. |
| 8 |
| Kuti ndimutse hasha dzangu ndigotsiva ndakaisa ropa raro paruware pasina chinhu kuti rirege kufukidzwa. |
| 9 |
| “ ‘Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “ ‘Rine nhamo guta rinoteura ropa! Neniwo, ndichaunganidza huni dzakawanda. |
| 10 |
| Saka tutira huni ugobatidza moto. Ubike nyama zvakanaka, uchisanganisa nezvinonhuwira; uye urege mapfupa atsve. |
| 11 |
| Ipapo ugoisa hadyana isina chinhu pamazimbe kusvikira yapisa ndarira yayo yan'aima kuti kusachena kwayo kunyauke uye tsvina yayo itsve yose. |
| 12 |
| Zvakunda kushingaira kwangu kwose; tsvina yayo zhinji haina kubviswa, kunyange nomoto chaiwo. |
| 13 |
| “ ‘Zvino kusachena kwako ndihwo unzenza hwako. Nokuti ndakaedza kukunatsa asi hauna kunatswa pakusachena kwako, hauchazonatswizve kusvikira hasha dzangu dzabva pamusoro pako. |
| 14 |
| “ ‘Ini Jehovha ndakazvitaura. Nguva yangu yokuzviita yasvika. Handingaregi; handiganzwiri ngoni, uye handingazvidembi. Uchatongwa zvakafanira mabasa ako namafambiro ako, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ” |
| 15 |
| Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, |
| 16 |
| “Mwanakomana womunhu, ndava kuzokutorera uyo anofadza meso ako kamwe chete. Asi usaungudza kana kuchema kana kubudisa misodzi. |
| 17 |
| Gomera chinyararire; usachema akafa. Gara wakasunga ngowani yako zvakasimba uye neshangu dziri mumakumbo ako; urege kufumbira zasi kwouso hwako kana kudya zvokudya zvavanochema.” |
| 18 |
| Saka mangwanani ndakataura kuvanhu, uye mukadzi wangu akafa madekwana. Fume mangwana, ndakaita zvandakanga ndarayirwa. |
| 19 |
| Ipapo vanhu vakandibvunza vachiti, “Haungatiudzi kuti zvinhu izvi zvinorevei kwatiri here?” |
| 20 |
| Saka ndakati kwavari, “Shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, |
| 21 |
| Uti kuimba yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndava pedyo nokusvibisa nzvimbo yangu tsvene, iyo nhare yamunozvirumbidza nayo, iwo mufaro wamaziso enyu, nechinhu chamunoda. Vanakomana navanasikana vamakasiya vachaurayiwa nomunondo. |
| 22 |
| Uye imi muchaita sezvandakaita. Hamungazofumbiri zasi kwezviso zvenyu kana kudya zvokudya zvavanochema. |
| 23 |
| Mucharega ngowani dzenyu dziri mumisoro yenyu neshangu dziri mumakumbo enyu. Hamungaungudzi kana kuchema asi muchaonda nokuda kwezvivi zvenyu uye muchagomera pakati penyu. |
| 24 |
| Ezekieri achava chiratidzo kwamuri; muchaita sezvaakaita. Panoitika izvi, imi muchaziva kuti ndini Ishe Jehovha. |
| 25 |
| “Uye iwe, mwanakomana womunhu, pazuva randichavatorera nhare dzavo mufaro wavo nokukudzwa kwavo, mufaro wamaziso avo, chishuvo chemwoyo yavo, uye vanakomana navanasikana vavowo. |
| 26 |
| Pazuva iro mutizi achauya kuzokuudza nhau. |
| 27 |
| Panguva iyoyo muromo wako uchazaruka; uchataura naye uye hauchazonyararizve. Saka iwe uchava chiratidzo kwavari, uye vachaziva kuti ndini Jehovha.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/ezekiel/024.mp3
48
24