|
| 1 |
|
| Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, |
|
| 2 |
|
| “Mwanakomana womunhu chinangana nevaAmoni uporofite wakanangana navo. |
|
| 3 |
|
| Iti kuvaAmoni, inzwai shoko raTenzi Mwari. Zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakati tsvatu waro kuNzvimbo yangu Inoera payakan'oreswa uye kunyika yeIsiraeri payakaitwa renje zvaro uye nokumba yokwaJudha payakaenda kuutapwa |
|
| 4 |
|
| naizvozvo ndava kukuisai mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti muve vanhu vavo. Vachaita mataga avo pakati penyu vachitoita misha yavo pakati penyu. Vachadya muchero wenyu vachinwa mukaka wenyu. |
|
| 5 |
|
| Guta reRabha ndichariita mafuro engamera maguta avaAmoni achiva danga rezvipfuwo. Ndipo pamuchaziva kuti ini ndini Tenzi |
|
| 6 |
|
| nokuti zvanzi naTenzi Mwari imi zvamakabva marova-rovanisa maoko muchitamba-tambisa makumbo muchifaririra kwazvo nomwoyo woutsinye wokuvenga nyika yeIsiraeri |
|
| 7 |
|
| naizvozvo chinzwai, ini ndakusumudziraiwo shamu muruoko rwangu. Ndichakuisai mumaoko edzimwe ndudzi sezvinhu zvakapambwa. Ndichakutsakatisai pakati pamarudzi ndichiita kuti murove mudzinyika. Ndichakuparadzai; ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.” |
|
| 8 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Moabhu yakati, ‘Inga vanhu vokwaJudha vakangofanana ava navamamwe marudzi ose wani.’ |
|
| 9 |
|
| Naizvozvo ndichaita kuti rimwe divi reMoabhu rizaruke, divi rokumaguta okumuganho wayo, anopa mbiri kunyika iyoyo: anoti Bhetijeshimoti neBhaarimeoni neKiriatiaimu. |
|
| 10 |
|
| Ndichaiisa pamwechete nevaAmoni mumaoko mavanhu vokumabvazuva kuti ive yavo kuitira kuti irege kuzomboyeukwazve mukati memarudzi avanhu. |
|
| 11 |
|
| Ndichaita zvandatongera Moabhu ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” |
|
| 12 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana pokuti Edhomu yakatsividza imba yokwaJudha yakaita utsinye chaihwo payakanga ichivatsividza. |
|
| 13 |
|
| Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari ndichasimudzira Edhomu shamhu muruoko rwangu ndichitsakatisa mairi munhu pamwechete nemhuka. Ndichaita kuti isare yava renje zvaro kubvira kwaTemani kusvikirawo kuDhedhani, vachafa nebakatwa. |
|
| 14 |
|
| Ndichatsividza Edhomu ndichishandisa vanhu veIsiraeri. Ivo vanofanira kuzoita kuEdhomu zvinoenderana nehasha dzangu zvichiwirirana nokutsamwa kwangu. Ipapo vachaziva kutsividza kwangu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. |
|
| 15 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “VaFirisitia zvavakatsividza vachitsiva nomwoyo woutsinye hwokuparadza nedaka risingaperi, |
|
| 16 |
|
| naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chirega uone ndichasumudzira vaFirisitia shamhu muruoko rwangu ndichirakatisa vanhu veKireti ndichiparadza kumwe kwose kwemahombekombe egungwa. |
|
| 17 |
|
| Ndichavatsividza zvakakura kwazvo nokuranga chaiko kune hasha. Ipapo ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi kana ndavatsividza kudaro.” |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/ezekiel/025.mp3
48
25