Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Mugore regumi nerimwe, pazuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti, |
| 2 |
| “Mwanakomana womunhu, nokuda kwokuti Tire yakati kuJerusarema, ‘Toko waro! Suo rokundudzi raputsika, uye makonhi aro azarukira kwandiri; zvino zvarava dongo ini ndichabudirira, |
| 3 |
| naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Ndiri kukurwisa, iwe Tire, uye ndichauyisa marudzi mazhinji kuti azorwa newe, segungwa rinorasa mafungu aro. |
| 4 |
| Vachaparadza masvingo eTire nokuondomora shongwe dzaro; ndichatsvairira marara aro kure ndigoriita dombo risina chinhu. |
| 5 |
| Richava nzvimbo yokuruka mimbure yehove kugungwa ikoko, nokuti ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. Richava chinhu chinopambwa chendudzi, |
| 6 |
| uye ugaro hwaro hwokumaruwa huchaparadzwa nomunondo. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha. |
| 7 |
| “Nokuti zvanzi naIshe Jehovha: Ndichauyisira Tire Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, mambo wamadzimambo, achibva nechokumusoro, ana mabhiza nengoro, navatasvi vamabhiza nehondo huru. |
| 8 |
| Iye achaparadza ugaro hwamaruwa ako nomunondo, achakuvakira nhare dzokurwa newe, uye achavaka mirwi yokurwa pamasvingo ako agosimudza nhoo dzokukurwisa nadzo. |
| 9 |
| Achatuma zvokugumura pamasvingo ako agokoromora shongwe dzako nezvombo zvake. |
| 10 |
| Mabhiza ake achawanda kwazvo zvokuti muchafukidzwa neguruva rawo. Masvingo ako achadengenyeka nomubvumo wamabhiza ehondo, nengoro dzamavhiri mana nengoro dzamavhiri maviri paanenge achipinda pamasuo ako somunhu anopinda muguta rina masvingo akaondomoka. |
| 11 |
| Mahwanda amabhiza ake achatsika-tsika nzira dzako dzomumisha dzose; achauraya vanhu vako nomunondo, uye mbiru dzako dzakasimba dzichawira pasi. |
| 12 |
| Vachapamba pfuma yako uye vachaba zvaunotengesa: vachakoromorera pasi masvingo ako uye vachaputsa dzimba dzako dzakaisvonaka nokurasa matombo ako nematanda namarara ako mukati megungwa. |
| 13 |
| Ndichagumisa mheremhere yenziyo dzako, nokurira kwembira dzako hakuchazonzwikwizve. |
| 14 |
| Ndichakuita dombo risina chinhu, uye uchava nzvimbo yokuyanika mimbure yehove. Hauchazovakwizve, nokuti ini Jehovha ndakazvitaura, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 15 |
| “Zvanzi naIshe Jehovha kuTire: Ko, zviwi hazvichadengenyeki here pakunzwa mubvumo wokuwa kwako, vakakuvadzwa pavanenge vachigomera uye kuuraya kuchiitika mauri here? |
| 16 |
| Ipapo machinda ose omuzviwi achaburuka pazvigaro zvawo zvoushe vagoisa nhumbi dzavo dzoushe parutivi uye vagobvisa vachidedera nguva dzose, vashamiswa newe. |
| 17 |
| Ipapo vachaita mariro pamusoro pako vagoti kwauri: “ ‘Wakaparadzwa sei, iwe guta romukurumbira, wakanga uzere navanhu vomugungwa! Wakanga uri simba pamusoro pamakungwa, iwe navanhu vako; wakaisa kutya kwako pamusoro pavo vose vaigara ikoko. |
| 18 |
| Zvino zviwi zvinodengenyeka pazuva rokuwa kwako; zviwi zviri mugungwa zvavhundutswa nokuwa kwako.’ |
| 19 |
| “Zvanzi naIshe Jehovha: Pandichaita kuti guta rako rive dongo, samamwe maguta asingachagarwi uye pandinouyisa kudzika kwegungwa pamusoro pako uye mvura zhinji dzaro dzikakufukidza, |
| 20 |
| ipapo ndichakuburutsa pamwe chete navaya vanoburukira kugomba, kuvanhu vakarekare. |
| 21 |
| Ndichakusvitsa kumagumo anotyisa uye hauchazovepozve. Uchatsvakwa, asi haungawanikwizve, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/ezekiel/026.mp3
48
26