|
| 1 |
|
| Mugore regumi nechiposhi, pazuva rokutanga romwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti: |
|
| 2 |
|
| “Iwe mwanakomana womunhu, guta reTire zvarakati nezveJerusaremu, ‘Hero Suo Guru revechirudzi rapazika, razarukireni regai ndichizvigutsa hangu sezvo raparadzwa kudai,’ |
|
| 3 |
|
| naizvozvo Tenzi Mwari ati chinzwa iye zvino ndanangana newe Tire. Ndichakuunzira marudzi akawanda kuzorwisana newe segungwa ramutsa mafungu aro. |
|
| 4 |
|
| Vachaparadza tsvingo dzeTire vachiriga pasi nharirire dzaro. Ndichaparadza kubvisa ivhu raro mariri ndichiita kuti rive ruware zvarwo. |
|
| 5 |
|
| Tire richava mukati chaimo megungwa richiva nzvimbo zvayo yokuyanikira usvasvi. Ndinodaro nokuti ndini ndataura ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. Uye richava sechinhu chokupamba kumarudzi. |
|
| 6 |
|
| “Vanasikana varo vari panyika huru vacharakatika kuurayiwa nebakatwa ndipo pavachazoziva kuti ndini Tenzi. |
|
| 7 |
|
| “Zvavepo ndezvokuti zvanzi naTenzi Mwari chinzwa, ndichaita kuti Tire ivingwe nomumwe wokuchamhembe, Nebhukadhireza, mambo weBhabhironi, ndimambo wamadzimambo, iyeyo aina mabhiza nengoro dzehondo navarwi vamabhiza nehondo yavarwi vazhinji. |
|
| 8 |
|
| “Iye achauraya nebakatwa vanasikana vako vari munyika yomukati. Achakuisira rusvingo rwokukurwisa narwo agokuvakirira nevhu chinenge musana wenzou kurusvingo agokusumudzira denga zvaro renhoo. |
|
| 9 |
|
| Achanangisa kwauri iwe kuriridza kwezvombo zvake zvehondo zvinenge hondohwe zvokudhugumurisa tsvingo dzako iwe. Namatemo ake achapaza nharirire dzako. |
|
| 10 |
|
| Mabhiza ake achange akawanda zvokuti huruva yawo ichakuputira. Tsvingo dzako dzichazunguzika pamusana poruzha rwavamabhiza nengorowo zvadzo nengoro dzehondo dzamabhiza, paachapinda pamisuo mikuru yenyu somunhu anopinda muguta rapazwa rusvingo. |
|
| 11 |
|
| Nematsiko amabhiza ake achatsokodzera migwagwa yenyu yose achauraya vanhu vako nebakatwa Misimboti yako yakasimba iyoyo ichati pasi gwajata. |
|
| 12 |
|
| Vachapamba upfumi hwako. Vachakubvutira zvamunoshava nazvo upfumi vachapaza tsvingo dzako vachiwondomorera pasi mizinda yenyu yedzimba, matombo ako nemiti yako zvichanzi mukati memvura bvuva bvuva. |
|
| 13 |
|
| Ndichagumisa mimhanzi wenziyo dzako kurira kwezvipendani zvako hakuchazombonzwikazve. |
|
| 14 |
|
| Ndichakuita kuti uve ruware rusina chinhu. Uchava nzvimbo zvayo yokuyanikira mimbure hauchazombofa wakavakwazve nokuti ndini Tenzi ndataura.” Ndizvo zviri kureva Tenzi Mwari. |
|
| 15 |
|
| Tenzi Mwari ari kutaura akanangana neTire kuti nyika dzomumahombekombe megungwa hadzisi kuzondengendeka here nokuriridza kwokuputsika kwako, pachauraiwa vanenge vakuvadzwa mukati mako marakatiswa kuuraya vanhu? |
|
| 16 |
|
| Ipapo machinda okugungwa ose achabva pazvigaro zvawo zvouchangamire vagokatanura majasi avo vagobvisa magemenzi avo akarukirirwa. Vachaputirwa nokudedera, vachagara pasi vachiramba vachingodedera vadumbirwa nezvako. |
|
| 17 |
|
| Vachakuimbira ngondo vachikuti: “Kubva watonyangarika kudai mumakungwa iwe guta rembiri, waimbova nesimba guru nezvokugungwa iwe navagari vako waivhundutsa nyika dzose dzomukati. |
|
| 18 |
|
| Zvino zvitsuwa zvodedera pazuva rokuputsika kwako. Heeka, zvitsuwa zviri kugungwa zvakangaidzika nomupfuuriro wako.” |
|
| 19 |
|
| Chikonzero ndechokuti zvanzi naTenzi Mwari, “Pandichakuita kuti usare wava renje zvaro reguta samaguta asina ageremo pandichakuti ndondondo muhwenje hwegungwa, mvura zhinji igokuti fuse fuse. |
|
| 20 |
|
| Naizvozvo ndichakukanda pasi pamwechete navanoenda mugomba; kuvanhu vakare. Ndichati ugare munzvimbo yapasi pasi penyika, munzvimbo yamatongo akare-kare pamwechete navanodzika mugomba zvokuti hapana achaita musha mauri kana kuwanawo nenzvimbo mukati menyika yavapenyu. |
|
| 21 |
|
| Ndichakusvitsa pamugumo unosiririsa, pako panenge pakuperera, vanhu vachakutsvaka zvako asi hauzowanikwazve.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. |
|
|
|
|