|
| 1 |
|
| Izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, |
|
| 2 |
|
| “Mwanakomana womunhu porofita uti zvanzi naTenzi Mwari: “Daidzira uchiti, ‘Hero zuva riya |
|
| 3 |
|
| nokuti zuva racho rava kusvika. Zuva raTenzi rave pedyo, richange riri zuva rakati gude gude namakuti, nguva yokuparara kwamarudzi avanhu. |
|
| 4 |
|
| Bakatwa richaparadza Ijipiti, Itiopia ichawirwa nenhamo, vanenge vaurayiwa muIjipiti vachiti rakata; upfumi hwayo huchaendwa nahwo, ugaro hwayo huchiputswa.’ |
|
| 5 |
|
| “Itiopia nePuti neRudhi neArabhia yose neRibhia navanhu venyika dzine chirangano chokubatana vachanziwo nebakatwa pamwechete navo kata kata.” |
|
| 6 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Vanotsigira Ijipiti vachaputsika kuzvikudza kwayo nesimba kuchaderera kubvira kuMigidhori kusvikira kuAswani vachati nebakatwa rakata mukati mayo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari. |
|
| 7 |
|
| “Vachasara vava renje rokupedzesera mukati medzimwe nyika dzakava renje uye maguta avo achiva maguta zvawo okupedzesera pakati pamamwe akaparadzwa |
|
| 8 |
|
| ndipo pamuchazoziva kuti ndini Tenzi kana ndapisa Ijipiti nomoto vatsigiri vayo vose vakaparadzwa. |
|
| 9 |
|
| “Pazuva iroro nhumwa dzichabva kwandiri nengarava dzichindotyisidzira vanhu veItiopia vakavarairwa zvavo. Nhamo ichavawira zuva iroro rokuparara kweIjipiti nokuti hero rouya.” |
|
| 10 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari; “Ndichaita kuti mhomho dzeIjipiti padzo padziperere mumaoko maNebhukadhireza mambo weBhabhironi. |
|
| 11 |
|
| Iye pamwechete navarwi vake vanachazezesa vacho kumarudzi avanhu vachaunzwamo kuzoparadza nyika iyoyo. Vachaburitsira Ijipiti mapakatwa avo vagozadza nyika yacho navanhu vanenge vaurayiwa. |
|
| 12 |
|
| Ipapo ndichaomesa rwizi rweNairi, nyika yacho ndoitengesa mumaoko avanhu vakaipa. Ndichaita kuti nyika iyoyo iparadzwe navatorwa pamwechete nezvinhu zvose zvirimo ini Tenzi ndini ndataura.” |
|
| 13 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Ndichaparadza zvifananidzo zvokunamata ndichigumisa zvifananidzo zvokunamata zviri muguta reMemufisi. Munyika yeIjipiti hamuchafa makaita jinda remo nezvo ndichaisa kutya munyika yeIjipiti. |
|
| 14 |
|
| Dunhu rePatirosi ndichariita renje zvaro ndichibva ndabatidza moto kuZoani uye ndichagadza dare guta reTebhesi ndichiranga guta iroro. |
|
| 15 |
|
| Ndichavirukira guta rePerusiumu nehasha nhare yeIjipiti ndichirakatisa kuuraya gurusvusvu racho reTebhesi. |
|
| 16 |
|
| Ijipiti ndichaitungidza nomoto Perusiumu icharwadziwa zvikuru. Tebhesi ichakoromorwa rusvingo rwayo rugopazwa. |
|
| 17 |
|
| Majaya okuOni nokuPibheseti vacharakatiswa nebakatwa vanhukadzi vachaenda kuutapwa. |
|
| 18 |
|
| KuTehafunehesi kuchasviba masikati machena pandichaparadzako umambo hweIjipiti uye kuzvitutumadza kwaro nesimba kuchapera rigonzi kwidiba negore. Vanasikana varo vachaenda kuutapwa. |
|
| 19 |
|
| Ndizvo zvandichaita kuIjipiti pandichaigadza dare. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi.” |
|
| 20 |
|
| Mugore regumi nechiposhi, mumwedzi wokutanga pazuva rechinomwe remwedzi iwoyo, izwi raTenzi rakauya kwandiri richiti, |
|
| 21 |
|
| “Iwe mwanakomana womunhu ndaparadza simba roruoko rweIjipiti. Asi tarisa uone hakuna arisunga kuti ripore nokurisunga nebhandeji kuitira kuti risimbe zvokugona kuvheesa bakatwa. |
|
| 22 |
|
| Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari chiona ndanangana naFarao mambo weIjipiti. Ndichatyora maoko ake ose ari maviri, rwakasimba nerwakambotyoka rwuya. Uye ndichamukandisa pasi bakatwa riri muruoko rwake. |
|
| 23 |
|
| Ndichaita kuti vaIjipiti vapararire nomumarudzi avanhu ndichivati mwarara nedzinyika. |
|
| 24 |
|
| Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi ndiise bakatwa rangu mumaoko make. Asi ndichatyora maoko aFarao, agombe ari mberi kwake somunhu akuvara zvokufa chaizvo. |
|
| 25 |
|
| Ndichasimbaradza maoko amambo weBhabhironi asi Farao achati maoko regwede. Ndipo pavachaziva kuti ndini Tenzi. Pandinenge ndaisa bakatwa rangu mumaoko amambo weBhabhironi, acharisimudzira nyika yeIjipiti. |
|
| 26 |
|
| Ndichaparadza vaIjipiti mukati memarudzi ndichivamwararisa nomudzinyika. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.” |
|
|
|
|