|
| 1 |
|
| Zvino negore regumi nerimwe, nomwedzi wechitatu, nezuva rokutanga romwedzi, shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
|
| 2 |
|
| "Mwanakomana womunhu, iti kuna Farao mambo weIjipiti, nokuvanhu vake vazhinji, `Iwe wakafanana nani paukuru hwako?' |
|
| 3 |
|
| "Tarira, muAsiria akanga ari musidhari paRebhanoni, akanga ana mashizha akanaka, nomumvuri wakaita sowedondo, wakareba kwazvo; musoro wawo wakanga uri kumakore. |
|
| 4 |
|
| Mvura zhinji yakaumeresa, mvura yapasipasi yakaukurisa; nzizi dzayo dzaiyerera pose pakasimwa, yaisvitsa migero yayo kumiti yose yesango. |
|
| 5 |
|
| Naizvozvo muti uyu wakakura kupfuura miti yose yesango, matavi awo akawanda, uye matavi awo akareba nemvura zhinji, nenguva yokumera kwawo. |
|
| 6 |
|
| Shiri dzose dzokudenga dzakavaka matendere adzo mumatavi awo, nemhuka dzose dzesango dzakabereka vana vadzo pasi pamatavi, awo; marudzi makuru ose avanhu akagara mumumvuri wawo. |
|
| 7 |
|
| "Saizvozvo wakanga wakanaka pakukura kwawo, napakureba kwamatavi awo; nokuti midzi yawo yakanga iri mumvura zhinji. |
|
| 8 |
|
| Misidhari mumunda waMwari yakanga isingagoni kuudzitira; miti yemisiperesi haina kufanana nohutavi hwawo, nemipurani yakanga isina kufanana namatavi awo; kwakanga kusina muti mumunda waMwari wakanga wakafanana nawo pakunaka kwawo. |
|
| 9 |
|
| Ndakauita zvakanaka nokuwanda kwamatavi awo, naizvozvo miti yose yeEdheni, yaiva mumunda waMwari, yaiugodora. |
|
| 10 |
|
| "Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Zvawakakura zvikuru iwe, akaisa musoro wake pakati pamakore, moyo wake ukazvikudza nokuda kokureba kwake, |
|
| 11 |
|
| ndichamuisa muruoko rwoune simba pakati pamarudzi avanhu, iye achamuitira zvawakafanira; ndakamudzinga nokuda kwezvakaipa zvake.' |
|
| 12 |
|
| Vatorwa, ivo vanotyisa pakati pamarudzi, vakamutema vakamurega, matavi ake akawira pamusoro pamakomo nomumipata yose, matavi ake akavhunikira pahova dzose dzenyika; vanhu vose venyika vabva pamumvuri wake, vakamusiya. |
|
| 13 |
|
| Shiri dzose dzekudenga dzichagara padanda rake rakawa, mhuka dzose dzesango dzichava pamatavi ake; |
|
| 14 |
|
| kuti miti yose iri pamvura irege kuzvikudza nokureba kwayo, kana kusvitsa misoro yayo mumakore, neine simba pakati payo irege kumira ichizvikudza iyo miti yose inomwa mvura; nokuti yose yakatarirwa rufu, iende kunzvimbo dzapasi dzenyika, pakati pavana vavanhu, pamwechete navanoburukira kugomba." |
|
| 15 |
|
| Zvanzi naIshe Jehovha, "Nezuva raakaburukira kuSheori, ndakarayira kuti vanhu vacheme; ndakafukidza pakadzika nokuda kwake, ndikadzora nzizi dzapo, mvura zhinji ikamiswa; ndakarayira Rebhanoni kumuchema, miti yose yokusango ikati rukutu nokuda kwake. |
|
| 16 |
|
| Ndakadederesa marudzi ose nokutinhira kokuwa kwake, nenguva yandakamukandira muSheori, pamwechete navanoburukira kugomba; miti yose yeEdheni, iyo yakatsaurwa yakaisvonaka yeRebhanoni, iyo yose inomwa mvura, ikavaraidzwa panzvimbo dzapasi dzenyika. |
|
| 17 |
|
| Yakaburukirawo naye kuSheori kuna ivo vakaurawa nomunondo; zvirokwazvo, ndivo vaiva ruoko rwake, vaigara mumumvuri wake pakati pamarudzi. |
|
| 18 |
|
| "Iwe wakafanana naniko pakubwinya nohukuru pakati pemiti yeEdheni? Kunyange zvakadaro uchaburuswa pamwechete nemiti yeEdheni kunzvimbo dzapasi dzenyika; uchavata pasi pakati pavasina kudzingiswa, pamwechete navakaurawa nomunondo. Ndiye Farao navanhu vake vazhinji," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
|
|
|
|