|
| 1 |
|
| “Zvino iwe Mwanakomana womunhu, tora chidhinha uchigadzike pamberi pako, ufananidzirepo guta, iro reJerusaremu. |
|
| 2 |
|
| Zvino urikombe nehondo, urivakire nhare dzokurwa naro, uritutire murwi wokurwa nawo; uriisire misasa, nokurikomberedza kumativi ose nezvokugumura kuriputsa. |
|
| 3 |
|
| Zvino utore gango redare, urigadze pakati pako neguta, ruve rusvingo rwedare; zvino urinzire chiso chako kwariri, ipapo richava guta rakakombwa nehondo, iwe ndiwe ucharikomba. Ichi chichava chiratidzo kuimba yaIsiraeri. |
|
| 4 |
|
| “Uyezve, uvate pasi parutivi rwako rworuboshwe, uise pamusoro parwo zvakaipa zveimba yaIsiraeri; mazuva aunovata parutivi urwo ndiyo nguva yauchatakura zvakaipa zvavo. |
|
| 5 |
|
| Nokuti ndakatara makore ezvakaipa zvawo aenzane namazuva ako, mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe; saizvozvo uchatakura zvakaipa zveimba yaIsiraeri. |
|
| 6 |
|
| Zvino kana wapedza mazuva awa, uvate pasi norutivi rwako rworudyi, kuti utakure zvakaipa zveimba yaJudha; ndakakutarira mazuva ana makumi mana, zuva rimwe nerimwe rifananidze gore. |
|
| 7 |
|
| “Urinzire chiso chako wakatarira kukombwa kweJerusaremu ruoko rwako rwakafukurwa; ugoporofita pamusoro paro. |
|
| 8 |
|
| “Tarira, ndinokusunga nezvisungo, urege kutendeukira kuno rumwe rutivi, kusvikira wapedza mazuva okukomba kwako. |
|
| 9 |
|
| “Zvino utorewo zviyo nebhari nenyimo nenyemba namapfunde neema uzviise mumudziyo mumwe, ugozviitira chingwa nazvo; unofanira kuchidya mazuva aunovata pasi parutivi rwako, iwo mazuva ana mazana matatu namakumi mapfumbamwe. |
|
| 10 |
|
| Zvokudya zvako zvaunofanira kudya, zvichayerwa kurema kwazvo, mashekeri ana makumi maviri nezuva rimwe nerimwe; uchazvidya nguva nenguva. |
|
| 11 |
|
| Unofanira kunwawo mvura yakayerwa, chechitanhatu chehini; uchainwa nguva nenguva. |
|
| 12 |
|
| Unofanira kuzvidya zvakafanana nezvingwa zvebhari, unofanira kuzvibika pamberi pavo nendove inobudiswa navanhu.” |
|
| 13 |
|
| Jehovha akati, “Saizvozvo vana VaIsiraeri vachadya zvokudya zvavo zvakan'ora pakati pamarudzi kwandichavadzingira.” |
|
| 14 |
|
| Ipapo ndikati, “Aiwa, Ishe Jehovha! Tarirai mweya wangu hauna kumbosvibiswa; nokuti kubva pauduku hwangu kusvikira zvino, handina kumbodya chakafa choga, kana chakaurayiwa nezvikara, nenyama yakan'ora haina kumbopinda mumuromo mangu.” |
|
| 15 |
|
| Ipapo akati kwandiri, “Tarira, ndakupa ndove yemombe panzvimbo yendove yavanhu, unofanira kugadzira zvokudya zvako nayo.” |
|
| 16 |
|
| Akatiwo kwandiri, “Mwanakomana womunhu, tarira ndichavhuna mudonzvo wezvokudya paJerusaremu; vachadya zvokudya zvakayerwa vachitya, vachanwa mvura yakayerwa, vachivhunduka; |
|
| 17 |
|
| kuti vashayiwe zvokudya nemvura, vavhunduke mumwe nomumwe, vapere muzvakaipa zvavo.” |
|
|
|
|