|
| 1 |
|
| Zvino wakandiisa kutemberi, akayera mbiru, zvikaita mamita matanhatu paupamhi kurutivi rumwe, namamita matanhatu paupamhi kuno rumwe rutivi, ndihwo upamhi hwetabhenakeri. |
|
| 2 |
|
| Upamhi hwomukova hwakaita mamita ane gumi; mativi omukova akaita mamita mashanu kurutivi rumwe, namamita mashanu kuno rumwe rutivi; akayera kureba kwazvo, zvikaita mamita makumi mana, noupamhi mamita makumi maviri. |
|
| 3 |
|
| Zvino akapinda mukati, akayera mbiru imwe neimwe yomukova, zvikaita mamita maviri, nomukova mamita matanhatu, noupamhi hwomukova mamita manomwe. |
|
| 4 |
|
| Akayera kureba kwawo zvikaita mamita makumi maviri, nohupamhi, mamita makumi maviri pamberi petemberi; akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo tsvene–tsvene.” |
|
| 5 |
|
| Ipapo akayera madziro eimba, zvikaita mamita matanhatu, uye hupamhi hwekamuri rimwe nerimwe rokumativi, zvikaita mamita mana, zvichipoteredza imba kumativi ose. |
|
| 6 |
|
| Makamuri okumativi akanga akaturikidzwa akaita matatu, rimwe riri pamusoro perimwe, zvikaitwa runa makumi matatu; akanga akavakirwa mukati mamadziro eimba aiva kurutivi rwamakamuri okumativi, kuti atsigirwe nawo; haana kutsigirwa namadziro eimba. |
|
| 7 |
|
| Makamuri okumativi akawedzera upamhi pakupoteredza kwawo imba, achikwirira nokukwirira; nokuti kupoteredzwa kweimba kwakaramba kuchikwirira kumativi ose eimba; naizvozvo imba yakawedzera upamhi pakukwirira kwayo; naizvozvo munhu aikwira achibva pakamuri rezasi kusvikira kune rokumusoro, achipfuura napakamuri rapakati. |
|
| 8 |
|
| Ndakaonawo kuti paimba pakanga pana pamwe pakakwirira kumativi ose; nheyo dzemukamuti okumativi dzakasvika rutsanga rwose, mamita matanhatu kusvikira pakusangana kwamadziro. |
|
| 9 |
|
| Ukobvu hwechidziro chamakamuri okumativi nechokunze, hwakaita mamita mashanu; saizvozvowo nzvimbo, yakasiyiwa, yaiva yamakamuri okumativi eimba. |
|
| 10 |
|
| Pakati pamakamuri paiva nenzvimbo yakaita mamita ana makumi maviri yaipoteredza imba kumativi ose. |
|
| 11 |
|
| Mikova yamakamuri okumativi yakanga ichitarira kurutivi rwenzvimbo yaiva yoga, mumwe mukova kurutivi rwokumsuro, mumwe mukova kurutivi rwezasi, upamhi hwenzvimbo yaiva yoga hwakaita mamita mashanu kumativi ose. |
|
| 12 |
|
| Imba yakanga iri pamberi penzvimbo, yaiva yoga kurutivi rwamavirazuva, yakaita mamita makumi manomwe paupamhi hwayo; chidziro cheimba kumativi ose chakaita mamita mashanu paukobvu, namamita makumi mapfumbamwe pakureba. |
|
| 13 |
|
| Saizvozvo akayera imba, ikaita mamita ane zana pakureba; uye nzvimbo yaiva yoga, neimba namadziro ayo, zvikaita mamita ane zana pakureba; |
|
| 14 |
|
| uye hupamhi hweimba nechemberi kwayo, nokwenzvimbo yaiva yoga kurutivi rwamabvazuva, zvikaita mamita ane zana. |
|
| 15 |
|
| Zvino akayera kureba kweimba pamberi penzvimbo yaiva yoga, yakanga iri shure kwayo, namabiravira ayo kuno rutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, zvikaita mamita ane zana; uye temberi yomukati, namabiravira oruvanze; |
|
| 16 |
|
| nezvikumbaridzo, namahwindo akanga akapfigwa, namabiravira akapoteredza makamuri matatu akaturikidzwa, akatarisana nechikumbaridzo, akanga akaroverwa matanda kumativi ose, kubva pasi kusvikira kumahwindo, asi mahwindo akanga akafukidzwa, |
|
| 17 |
|
| kusvikira kumusoro kwomukova, kusvikira kuimba yomukati nokunze, nokuchidziro chose kumativi ose mukati nokunze, nezviyero zvazvo. |
|
| 18 |
|
| Zvakanga zvakaitwa zvina makerubhi nemichindwe; kwakanga kuno muchindwe pakati pekerubhi rimwe nerimwe, uye kerubhi rimwe nerimwe rakanga rine zviso zviviri; |
|
| 19 |
|
| naizvozvo kwakanga kune chiso chomunhu chakatarira kumuchindwe kurutivi rumwe, nechiso cheshumba duku chakatarira kumuchindwe kuno rumwe rutivi; ndizvo zvazvakanga zvakaitwa paimba yose kumativi ose; |
|
| 20 |
|
| kubva pasi kusvikira kumusoro kwomukova kwakanga kuna makerubhi nemichindwe; saizvozvowo pachidziro chetemberi. |
|
| 21 |
|
| Kana iri temberi, mbiru dzemikova dzakanga dzina mativi mana akaenzana; kana iri nzvimbo tsvene pamberi payo yakanga yakafanana netemberi. |
|
| 22 |
|
| Aritari yakanga yakavezwa namatanda, yakasvika mamita matatu pakukwirira kwayo, nokureba kwayo mamita maviri; makona ayo, nokureba kwayo, namadziro ayo, zvakanga zvakavezwa namatanda; akati kwandiri, “Iri ndiro tafura riri pamberi paJehovha.” |
|
| 23 |
|
| Temberi nenzvimbo tsvene zvakanga zvine mikova miviri. |
|
| 24 |
|
| Mukova mumwe nomumwe wakanga una masasa maviri, masasa maviri aitendereka; masasa maviri pamukova mumwe, uye masasa maviri pane mumwe. |
|
| 25 |
|
| Paari, ipo pamasasa etemberi, pakanga pakavezwa makerubhi nemichindwe, zvakafanana nezvakaitwa pamadziro; pakanga pane chikumbaridzo chamatanda nechapamberi pebiravira nechokunze. |
|
| 26 |
|
| Kwakanga kuna mahwindo akapfigwa nemichindwe kurutivi rumwe nokuno rumwe rutivi, kumativi ebiravira; ndizvo zvakanga zvakaita makamuri okumativi eimba nezvikumbaridzo. |
|
|
|
|