|
| 1 |
|
| Zvino akandibudisira kuruvanze rwokunze, nenzira inoenda kurutivi rwokumusoro; akandiisa mukamuri rakatarisana nenzvimbo yaiva yoga, yakanga yakatarisana neimba kurutivi rwokumusoro. |
|
| 2 |
|
| Pamberi porutivi rwakareba, rwakasvika mamita ane zana, kwakanga kuno mukova worutivi rwokumusoro, uye upamhi hwakaita mamita makumi mashanu. |
|
| 3 |
|
| Pakatarisana namamita makumi maviri oruvanze rwomukati, uye pakatarisana neguva rakarongwa roruvanze rwokunze, kwakanga kuna mabiravira akatarisana, akaturikidzwa ari matatu. |
|
| 4 |
|
| Pamberi pamakamuri pakanga pane nzvimbo yokufamba ichipinda mukati yakaita mamita ane zana; mikova yazvo yakanga yakatarira kurutivi rwokumusoro. |
|
| 5 |
|
| Asi makamuri okumusoro akanga ari maduku kuna mamwe, nokuti mabiravira akanga achiatapudzira, kupfuura apasi naapakati mukati meimba. |
|
| 6 |
|
| Nokuti akanga akaturikidzwa, ari matatu, asine mbiru dzakaita sembiru dzamavanze; naizvozvo okumusoro akanga akamanikana kupfuura apasi naapakati zvichibva pasi. |
|
| 7 |
|
| Rusvingo rwakanga ruri kunze kurutivi rwamakamuri kuruvanze rwokunze pamberi pamakamuri, rwakasvika mamita makumi mashanu pakureba. |
|
| 8 |
|
| Nokuti kureba kwamakamuri akanga ari muruvanze rwokunze kwakasvika mamita makumi mashanu, asi tarira, pamberi petemberi akaita mamita ane zana. |
|
| 9 |
|
| Pasi pamakamuri awa ndipo pakanga pane mukova wokurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda kwaari achibva kuruvanze rwokunze. |
|
| 10 |
|
| Mukati moupamhi hworusvingo rworuvanze kurutivi rwamabvazuva, pamberi penzvimbo yaiva yoga, napamberi peimba, pakanga pana makamuri. |
|
| 11 |
|
| Nzira yakanga iri pamberi pawo yakanga yakafanana nenzira yamakamuri okurutivi rwokumusoro; sezvakanga zvakaita kureba kwawo, ndizvo zvakanga zvakaita upamhi hwawo; pokubuda pawo pose pakanga pakafanana nokurongerwa kwawo nemikova yawo. |
|
| 12 |
|
| Sezvakanga zvakaita mikova yamakamuri akanga ari kurutivi rwezasi, saizvozvo kwakanga kuno mukova pakuguma kwenzira, iyo nzira yakanga yakaruramira pamberi porusvingo kurutivi rwamabvazuva, kana munhu achipinda mukati mawo. |
|
| 13 |
|
| Zvino akati kwandiri, "Makamuri okurutivi rwokumusoro namakamuri okurutivi rwezasi, ari pamberi penzvimbo iyo yoga, ndiwo makamuri matsvene, panofanira kudyiwa zvinhu zvitsvene-tsvene navaprista vari pedo naJehovha; ndipo pavachafanira kuisa zvinhu zvitsvene-tsvene, nezvipiriso zvoupfu, nezvipiriso zvezvivi, nezvipiriso zvemhosva; nokuti inzvimbo tvsene. |
|
| 14 |
|
| Kana vaprista vapinda, havafaniri kuzobuda panzvimbo tsvene vachienda kuruvanze rwokunze, asi vanofanira kuisapo nguvo dzavo dzavanoshumira nadzo, nokuti idzo itsvene; asi vanofanira kufuka dzimwe nguvo, ndokuzoswedera kune zvavanhu." |
|
| 15 |
|
| Zvino akati apedza kuyera imba yomukati, akandibudisa nenzira yesuo rakatarira kurutivi rwamabvazuva, akapayera kumativi ose. |
|
| 16 |
|
| Akayera kurutivi rwamabvazuva norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu, norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose. |
|
| 17 |
|
| Akayera kurutivi rwokumusoro norutsanga rwokuyera narwo kumativi ose, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu. |
|
| 18 |
|
| Akayera kurutivi rwezasi norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu. |
|
| 19 |
|
| Akadzoka kurutivi rwamavirazuva, akayera norutsanga rwokuyera narwo, zvikaita tsanga dzina mazana mashanu. |
|
| 20 |
|
| Akapayera kumativi ose mana; pakanga pane rusvingo rwakapoteredza, rwakanga rwakaita zviyero zvina mazana mashanu pakureba, namazana mashanu pahupamhi, kuti ruparadzanise pakati pezvitsvene nezvisati zviri zvitsvene. |
|
|
|
|