Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| Akazondiburitsamo akanditungamirira munhandare yomukati nechokuchamhembe. Akandiunza kudzimba dzaiva dzakatarisana nenhandare yeTemberi dzakatarisanawo nemba iri nechokuchamhembe. |
| 2 |
| Kureba kwemba yaiva nechokuchamhembe kwaiita mamita makumi mashanu upamhi huri makumi maviri amamita ana mamita mashanu ane hafu. |
| 3 |
| Pakanga pakatarisana nepamwe paiita gumi ramamita pakanga pari penhandare yomukati pakatarisanawo nakahuva kokunhandare yokunze paiva nemba dzenhurikidzwa nhatu dzina maperere. |
| 4 |
| Pamberi pedzimba idzodzo paiva nopokupinda napo mukati paiita mamita mashanu kufara, urefu hwacho huchiita makumi mashanu amamita. Makonhi adzo akanga ari nechokuchamhembe. |
| 5 |
| Zvino dzimba dzapamusoro dzako dzakanga dzakati dukupei nokuti maperere akanga akadzitorera nzvimbo yakati kuti kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho dzapamba iyoyo |
| 6 |
| nokuti dzaiva nhurikidzwa nhatu dzisina misimboti semisimboti yomunhandare yokunze. Ndokusaka dzimba idzodzo dzapamusoro dzakanga dzakavakwa dzakanyanya kuswedera shure kubvira pasi kupfuura dzimba dzapasi nedzapakati dzacho. |
| 7 |
| Paivawo nechidziro nechokunze chakavambirana nedzimba idzodzo woenda kunhandare yokunze pakatarisana nedzimba. Dzaiita makumi maviri amamita ana mamita mashanu kureba. |
| 8 |
| Chaivapo ndechokuti dzimba dzomunhandare yokunze dzakanga dzichiita mamita makumi maviri namashanu kureba. Dziya dzaiva dzakatarisana neTemberi dzaiita makumi mashanu amamita kureba. |
| 9 |
| Nechapasi pedzimba idzi, paiva nepokupinda napo nechokumabvazuva uchipinda madziri uchibva nokunhandare yokunze |
| 10 |
| maiva nedzimwe nomukana wokufamba nawomu. Kumaodzanyembawo kwacho pakatarisana nenhandare pakatarisanawo neimba iyoyo, paiva nedzimba pamberi padzo paino mukana wokupfuura nawo. |
| 11 |
| Dzakanga dzakafanana nedzimba dziya dzaiva kuchamhembe, urefu hwadzo noupamhi hwadzo hwakaenzana, nemokubuda namo makangofanana, uyewo namamiriro acho namagonhi adzo. |
| 12 |
| Uyezve nechapasi kwedzimba dzokumaodzanyemba kwaiva nepokupinda napo nechokumabvazuva ukange wapinda napamukana iwoyo uye pakanga pakatarisana nadzo paiva nechidziro chaiganhura. |
| 13 |
| Akazoti kwandiri, “Dzimba dzokuchamhembe nedzimba dzokumaodzanyemba dzakatarisana nenhandare, dzimba dzinoera, munodyira vapristi vanoswedera pana Tenzi mipiro inoeresesa kwazvo. Imomo ndomavacharongedza mipiro inoeresesa kwazvo inoti: mupiro woupfu hwembesanwa nomupiro wokupirira zvitadzo nomupiro wokuripira mhosva nokuti nzvimbo iyoyo iNzvimbo Inoera. |
| 14 |
| Kana vapristi vopinda muNzvimbo Inoera, havafaniri kuzobuda mairi vachienda kunhandare yokunze vasina kusiyamo magemenzi avanenge vakapfeka pabasa ravanga vachiita imomo nokuti anoera. Vanofanira kupfeka mamwe magemenzi vasati vaswedera kune zvavanhu.” |
| 15 |
| Kuzoti zvino apedza kuera nzvimbo yomukati meTemberi, akandiburitsa nokuSuo Guru raiva rakatarisa kumabvazuva akabva aera nzvimbo yeTemberi kuitenderera nharaunda iyoyo. |
| 16 |
| Akaera kumabvazuva ikoko norutsanga rwuya rwokueresa narwo kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo. |
| 17 |
| Akatendeuka akaera divi rokuchamhembe kwacho kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo rwokueresa narwo. |
| 18 |
| Akatendeuka akaera kudivi rokumaodzanyemba kukaitawo mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga irworwo rwokueresa narwo. |
| 19 |
| Akazotendeukira kudivi rokumadokero akaera kukaita mazana maviri namakumi mashanu amamita okuera norutsanga rwuya rwokueresa narwo. |
| 20 |
| Akaiera mativi mana. Yakanga iine chidziro, kuitenderera, chakanga chichiita mamita mazana maviri namakumi mashanu kureba uye mazana maviri namakumi mashanu amamita upamhi chokuparadzanisa kudivi rinoera nedivi risingaeri. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/ezekiel/042.mp3
48
42