Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Ipapo murume uyu akandidzosera kusuo rokunze renzvimbo tsvene rakanga rakatarisa kumabvazuva, uye rakanga rakapfigwa. |
| 2 |
| Jehovha akati kwandiri, “Suo iri rinofanira kugara rakapfigwa. Harifaniri kuzarurwa; hakuna munhu angapinda naro. Rinofanira kugara rakapfigwa nokuti Jehovha, Mwari waIsraeri, akapinda napariri: |
| 3 |
| Muchinda pachake ndiye chete angagara mukati mesuo kuti adye ari pamberi paJehovha. Anofanira kupinda nenzira yapabiravira resuo agobuda nenzira imwe cheteyo.” |
| 4 |
| Ipapo murume uyu akandiuyisa nenzira yesuo rokumusoro nechemberi kwetemberi. Ndakatarisa ndikaona kubwinya kwaJehovha kuchizadza temberi yaJehovha, ndikawira pasi nechiso changu. |
| 5 |
| Jehovha akati kwandiri, “Mwanakomana womunhu, cherechedza zvakanaka, nyatsoteerera uye unzwisise zvinhu zvose zvandinokuudza maererano nemitemo yose yetemberi yaJehovha. Ucherechedze panopindwa napo mutemberi uye napanobudiwa napo panzvimbo tsvene. |
| 6 |
| Uti kuimba inondimukira yaIsraeri, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Nhai imba yaIsraeri, chigutsikanai nezvinonyangadza zvamunoita! |
| 7 |
| Pamusoro pezvinonyangadza zvamakaita, makapinza vatorwa vasina kudzingiswa pamwoyo napanyama munzvimbo yangu tsvene, muchizvidza temberi yangu muchindipa zvokudya, mafuta neropa, uye makaputsa sungano yangu. |
| 8 |
| Pachinzvimbo chokuita mabasa enyu akafanira zvinhu zvangu zvitsvene, makagadza vamwe vanhu kuti vave vatariri venzvimbo yangu tsvene. |
| 9 |
| Zvanzi naIshe Jehovha: Hakuna mutorwa asina kudzingiswa pamwoyo napanyama angapinde munzvimbo yangu tsvene, kunyange vatorwa zvavo vagere pakati pavaIsraeri. |
| 10 |
| “ ‘VaRevhi vakaenda kure neni panguva yakatsauka Israeri uye vakadzungaira vachibva kwandiri vachitevera zvifananidzo zvavo vanofanira kuzvitakurira zvibereko zvechivi chavo. |
| 11 |
| Vangashumira havo munzvimbo yangu tsvene, vari vatariri vamasuo etemberi uye vachishanda mairi; vangabayira havo zvibayiro zvinopiswa nokubayira zvibayiro zvavanhu nokumira pamberi pavanhu vagovashumira. |
| 12 |
| Asi nemhaka yokuti vakavashumira pamberi pezvifananidzo zvavo vakaita kuti imba yaIsraeri iwire muchivi, naizvozvo ndakapika ruoko rwangu rwakasimudzwa kuti vanofanira kutakura vamene zvibereko zvechivi chavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 13 |
| Havafaniri kuswedera kuti vandishumire savaprista kana kuswedera pane chinhu chipi nechipi chezvinhu zvangu zvitsvene kana pazvipiriso zvangu zvitsvene-tsvene; vanofanira kuzvitakurira kunyadziswa kwezvinyangadzo zvavakaita. |
| 14 |
| Asi hazvo ndichavaita vatariri vamabasa omutemberi nebasa rose rinofanira kuitwamo. |
| 15 |
| “ ‘Asi vaprista, ivo vaRevhi nezvizvarwa zvaZadhoki, vakaita mabasa avo omunzvimbo yangu tsvene nokutendeka panguva yakatsauka vaIsraeri kubva kwandiri, ndivo vanofanira kuswedera kwandiri kuti vashumire pamberi pangu; vanofanira kumira pamberi pangu kuti vabayire zvibayiro zvamafuta neropa, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 16 |
| Ivo chete ndivo vanofanira kupinda munzvimbo yangu tsvene; ndivo chete vanofanira kuswedera patafura yangu kuti vashumire pamberi pangu nokuita basa rangu. |
| 17 |
| “ ‘Pavanopinda pamasuo omuruvazhe rwomukati, vanofanira kupfeka nguo dzomucheka, havafaniri kupfeka nguo dzamakushe pavanenge vachishumira pamasuo oruvazhe rwomukati kana mukati metemberi. |
| 18 |
| Vanofanira kupfeka ngowani dzomucheka pamisoro yavo uye nguo dzomukati dzomucheka muzviuno zvavo. Havafaniri kufuka chinhu chinovaitisa ziya. |
| 19 |
| Pavanobuda vachipinda muruvazhe rwokunze kunova ndiko kuna vanhu, vanofanira kubvisa nguo dzavanga vachishumira nadzo vagodzisiya mumakamuri matsvene, vagopfeka dzimwe nguo, kuti varege kunatsa vanhu nenguo dzavo. |
| 20 |
| “ ‘Havafaniri kuveura misoro yavo kana kurega bvudzi ravo richireba, asi vanofanira kugara vakachekerera bvudzi remisoro yavo. |
| 21 |
| Muprista haafaniri kunwa waini panguva yaanopinda muruvazhe rwomukati. |
| 22 |
| Havafaniri kuwana chirikadzi kana mukadzi akarambwa, vanofanira kuwana mhandara dzorudzi rwaIsraeri kana chirikadzi dzavaprista. |
| 23 |
| Vanofanira kudzidzisa vanhu vangu mutsauko wezvitsvene nezvinhu zvisati zviri zvitsvene nokuvaratidza kusiyana kuri pakati pechisakachena nechakachena. |
| 24 |
| “ ‘Vaprista vanofanira kushanda savatongi, pagakava ripi zvaro, uye vanofanira kutonga zviri pamitemo yangu. Vanofanira kuchengeta mirayiro yangu nemitemo yangu pamitambo yose yakatarwa uye vanofanira kuchengetedza maSabata angu ave matsvene. |
| 25 |
| “ ‘Muprista haafaniri kuzvisvibisa nokuswedera pachitunha chomunhu akafa; kunyange zvakadaro hazvo, kana munhu akafa ari baba vake kana mai vake, mwanakomana wake kana mwanasikana, mukoma nomunun'una kana hanzvadzi yanga isina kuwanikwa, ipapo angazvisvibisa hake. |
| 26 |
| Shure kwokunatswa kwake, anofanira kumirira kwamazuva manomwe. |
| 27 |
| Pazuva raanopinda muruvazhe rwomukati rwenzvimbo tsvene kuti anoshumira munzvimbo tsvene, anofanira kupa chipiriso chake chechivi, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha. |
| 28 |
| “ ‘Ndini chete ndichava nhaka yavaprista. Haufaniri kuvapa mugove pakati paIsraeri; ini ndichavapa mugove wavo. |
| 29 |
| Vachadya zvipiriso zvezviyo, zvipiriso zvechivi nezvipiriso zvemhosva; uye zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha pakati paIsraeri zvichava zvavo. |
| 30 |
| Zvakanakisisa, zvezvibereko zvenyu zvokutanga nezvipo zvenyu zvose zvakatsaurwa zvichava zvavaprista. Munofanira kuvapa mugove wokutanga woupfu hwakakuyiwa kuitira kuti makomborero agogara paimba yenyu. |
| 31 |
| Vaprista havafaniri kungodya zvinhu zvose, ingava shiri kana chipfuwo, chawanikwa chakafa kana chaurayiwa nezvikara zvesango. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/ezekiel/044.mp3
48
44