|
| 1 |
|
| Tsama nhatu dzevhudzi raEzekieri. “Zvino iwe mwanakomana womunhu tora bakatwa rakapinza urishandise sechisvo chokuveurisa uveure musoro wako nendebvu dzako. Wozotora zviyereso zvokuyeresa wokamuranisa vhudzi iroro. |
|
| 2 |
|
| Chimwe chezvikamu zvitatu zvevhudzi iroro unofanira kuchipisa mumoto pakati chaipo peguta. Kana mazuva okukombwa kwaro azopera, unotora chimwewo chikamu charo chiya wochidimura-dimura nebakatwa kutenderera guta iroro. Zvino chimwewo chikamu charo chechitatu unochimwaya kumhepo uye ndichavaburitsira bakatwa muhara rivaronde. |
|
| 3 |
|
| Unofanira kutsamhura katsama kaduku pana irori woripfundira kumucheto wegemenzi rako. |
|
| 4 |
|
| Uye pavhudzi irori unofanira kutora rimwe worikanda mumoto woripisa mumoto. Kubva ipapo moto uchauya uchitungidza imba yeIsiraeri yose.” |
|
| 5 |
|
| Zvanzi naTenzi Mwari, “Ndirorika guta reJerusaremu iri randadai kumisa pakati pamarudzi avanhu nenyika dzakaikomberedza. |
|
| 6 |
|
| Asi rakapandukira zvirevo zvangu zvakaipa kupinda mamwe marudzi uye mirao yangu kutopfuura nyika dzakaikomberedza nokuramba zvirevo zvangu uye nokusatevedza mirao yangu kwavakaita. |
|
| 7 |
|
| Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, pamusana pokuti iwe unotutumara kudarika marudzi akakukomberedza uchiregera kutevedza mirao yangu kana kuchengeta zvirevo zvangu asi wakachengeta zvirevo zvamarudzi akakukomberedza, |
|
| 8 |
|
| ndokusakawo zvanzi naTenzi Mwari, chiona, iniwo ndava kukumukira ini iyeni uye ndichaita zvandakatema kuita pakati pako marudzi achiona. |
|
| 9 |
|
| Uyewo pamusana pezvinosemesa zvako zvose ndichaita kwauri zvandisati ndamboita uye zvinhu zvakadaro handimbofa ndakazviitazve. |
|
| 10 |
|
| Ndizvozvo, vabereki vachadya vana vavo mukati menyu navanawo vachidya vabereki vavo ndoita zvandakatema kuita pamuri; kuwana vanenge vangopunyuka ndichavamwararisa kumativi ose. |
|
| 11 |
|
| “Naizvozvo, sezvandiripo kudai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari, zvedi, pamusana pokuti wakan'oresa nzvimbo yangu inoera nezvinhu zvenyu zvisingadiwe nezvose zvinosemesa zvenyu; naizvozvowo ini ndichakuparadzai. Handimbokuitirai tsiye nyoro kana kukuitirai tsitsi. |
|
| 12 |
|
| Chimwe chezvikamu zvenyu zvitatu zvavanhu chichafa nedenda kana kuparara nenzara pakati penyu, chimwe chacho chichaurayiwa nebakatwa munharaunda yenyu. Chikamu chechitatu ndichachimwararisa kumativi ose chakabatirwa bakatwa mumaoko. |
|
| 13 |
|
| “Ndiwo maperero achaita hasha dzangu, pandichapedzera shungu dzangu pavari ndobva ndagutsikana. Ndipo pavachaziva kuti ini ndakataura ndiine shanje, kana ndapedzera shungu dzangu pavari. |
|
| 14 |
|
| Uyezve ndichaita kuti usare wangova nyikawo zvayo nechinhu chinoshoreka pakati pemarudzi ari munharaunda yako nomumaziso avapfuuri nenzira vose zvavo. |
|
| 15 |
|
| “Iwe uchava chinhu chinozvidzwa nechitukiso neyambiro chaiyo nechinhu chinokatyamadza kumarudzi omunharaunda yako pandichaita zvandakatema kuita pamuri ndakashatirwa ndakapaka uye nechirango chinorwadza kwazvo. Ini iyeni Tenzi ndini ndazvireva. |
|
| 16 |
|
| Ipapo ndichavakanda miseve inouraya yeshangwa yenzara nemiseve yokuparadza yandichavatepfenurira kuti ndikuparadze ndichiita kuti pauri shangwa yenzara irambe yongotsviriridza ndikushayisei chokudya chokukuraramisai nacho. |
|
| 17 |
|
| Ndichakutumirai shangwa yenzara nezvikara zvesango, zvichakurozvai vana, denda richakuvingai ropa richideuka pakati penyu ndichikuuyisirai bakatwa pamuri iyemi. Ini Tenzi ndini ndazvireva.” |
|
|
|
|