Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti, |
| 2 |
| “Iwe, Mwanakomana womunhu, zvanzi naIshe Jehovha kunyika yaIsiraeri, ‘Kuguma, kuguma kwasvika pamakona mana enyika.’ |
| 3 |
| “Zvino kuguma kwasvika kwauri, ini ndichatuma kutsamwa kwangu pamusoro pako, ndichakutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa pamusoro pako zvinonyangadza zvako zvose. |
| 4 |
| Ziso rangu haringakupembedzi, handingavi netsitsiwo; asi ndichauyisa nzira dzako pamusoro pako, nezvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha. |
| 5 |
| “Zvanzi naIshe Jehovha, ‘Njodzi, njodzi imwechete, tarirai, inouya.’ |
| 6 |
| Kuguma kwasvika, kuguma kwasvika; kunokumukira mangwanani; tarirai, kwasvika. |
| 7 |
| “Dzoro rako rasvika, iwe ugere panyika; nguva yasvika, zuva rava pedyo, zuva rebope, risati riri rokupururudza pamusoro pamakomo. |
| 8 |
| “Zvino ndobva ndodururira hasha dzangu pamusoro pako, ndichapedza kutsamwa kwangu pamusoro pako, nokukutonga zvakafanira nzira dzako; ndichauyisa zvinonyangadza zvako zvose pamusoro pako. |
| 9 |
| Ziso rangu haringapembedzi, handingavi netsitsiwo; ndichauyisa pamusoro pako zvakafanira nzira dzako; zvinonyangadza zvako zvichava pakati pako; zvino muchaziva kuti ini Jehovha ndinorova.” |
| 10 |
| Tarirai zuva, tarirai rosvika; dzoro rako rabuda; shamhu yatumbuka, kuzvikudza kwabukira. |
| 11 |
| Kuita nesimba kwamuka, kwaita shamhu yezvakashata; hakuna chichasara kwavari, kana pavanhu vavo vazhinji, kana papfuma yavo; hakungavi nechinhu chakanaka pakati pavo. |
| 12 |
| Nguva yasvika, zuva rava pedyo; mutengi ngaarege kufara, mutengesi ngaarege kuchema; nokuti kutsamwa kuri pamusoro pavanhu vose venyika. |
| 13 |
| Nokuti mutengesi haangadzokeri kune chakatengeswa, kunyangwe vachiri vapenyu; nokuti zvakaonekwa pamusoro pavazhinji vose venyika hazvingadzoswi; hakuna angazvisimbisa nezvakaipa zviri pamugariro wake. |
| 14 |
| Vakaridza hwamanda, vakagadzira zvose asi hakuna anoenda kundorwa; nokuti kutsamwa kwangu kuri pamusoro pavazhinji vose venyika. |
| 15 |
| Munondo uri kunze, chirwere chakaipa nenzara zviri mukati; ari kusango achaurayiwa nomunondo; ari muguta achaparadzwa nenzara nechirwere chakaipa. |
| 16 |
| Asi vanopukunyuka pakati pavo vachapukunyuka; vachava pamakomo senjiva dzemipata, vachichema vose, mumwe nomumwe pamusoro pezvakaipa zvake. |
| 17 |
| Maoko ose achashayiwa simba, mabvi ose achati rukutu semvura. |
| 18 |
| Vachazvisunga zviuno namasaga, vachafukidzwa nokutya kukuru, kunyara kuchava pazviso zvose, nemhanza pamisoro yavo yose. |
| 19 |
| Vacharasha sirivha yavo panzira dzomumusha, nendarama yavo ichava sechinhu chisina kunaka; sirivha yavo nendarama yavo hazvingagoni kuvarwira nezuva rokutsamwa kwaJehovha; hazvingagutisi mweya yavo kana kuzadza hura hwavo, nokuti ndicho chaiva chigumbuso chezvakaipa zvavo. |
| 20 |
| Kana huri ukomba hwavo hwakanaka, vakaita manyawi nazvo; asi vakaita nazvo zvifananidzo zvezvinonyangadza zvavo nezvezvinosemesa zvavo; naizvozvo ndichachiita kwavari sechinhu chisina kunaka. |
| 21 |
| “Ndichachiisa mumaoko avatorwa chive chinhu chakapambwa, ivo vachachisvibisa.” |
| 22 |
| “Ndicharambawo kuvatarira nechiso changu, vachasvibisa pfuma yangu; mbavha dzichapindamo, dzichiisvibisa. |
| 23 |
| Itai ngetani, nokuti nyika izere nemhaka dzeropa, guta rizere nokuita nesimba. |
| 24 |
| “Naizvozvo ndichauyisa marudzi akanyanya kuipa kwazvo, ivo vachatora dzimba dzavo; ndichagumisawo manyawi avane simba, nenzvimbo dzavo tsvene dzichasvibiswa. |
| 25 |
| Njodzi inouya; vachatsvaka rugare, asi harungavipo. |
| 26 |
| “Njodzi ichateverwa nenjodzi, guhu richateverwa neguhu; vachandotsvaka kumuporofita zvaakaona, asi murairo uchanyangarikira mupristi, namano achashaikwa kuvakuru. |
| 27 |
| Mambo achachema, muchinda achafuka kuparadza, namaoko avanhu venyika achakanganiswa; ndichavaitira zvakafanira nzira dzavo, ndichavatonga sezvavakafanira; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/ezekiel/007.mp3
48
7