Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Negore rechitatu rokubata ushe kwaJehoyakimu mambo waJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, akasvika Jerusaremu, akarikomba. |
| 2 |
| Ishe akaisa Jehoyakimu mambo waJudha muruoko rwake, pamwechete nedzimwe nhumbi dzeimba yaMwari, iye akaenda nadzo kunyika yeShinari, kuimba yamwari wake, akaisa nhumbi muimba yokuchengeta fuma yamwari wake. |
| 3 |
| Mambo akaudza Ashipenazi, mutariri wavaranda vake, kuti auye navamwe vana vaIsiraeri, vorudzi rwamambo norwamachinda; |
| 4 |
| majaya akanga asina mhosva, asi akanga akanaka pameso, akachenjera panjere dzose, akangwara pakuziva, nokunzwisisa uchenjeri hwose, akanga akakwana kumira mumba mamambo; uye kuti avadzidzise magwaro norurimi rwavaKaradhea. |
| 5 |
| Mambo akarayira kuti vapiwe mumwe mugove wezvokudya zvamambo zuva rimwe nerimwe, nowewaini yaaimwa, uye kuti vachengetwe makore matatu, kuti kana apera vagomira pamberi pamambo. |
| 6 |
| Zvino pakati pavo pakanga pana Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria, vari vana vaJudha. |
| 7 |
| Muchinda wavaranda akavatumidza mazita, Dhanyeri akamutumidza zita rinonzi Bheteshazari, naHanania rinonzi Shadhireki, naMishaeri rinonzi Misheki, naAzaria rinonzi Abhedhinego. |
| 8 |
| Asi Dhanyeri akatsunga mumwoyo make kuti haangazvin'orese nezvokudya zvamambo kana newaini yaaimwa; saka akakumbira kune muchinda wavaranda kuti arege kuzvin'oresa. |
| 9 |
| Zvino Mwari akanzwisa Dhanyeri unyoro netsitsi pamberi pomuchinda wavaranda. |
| 10 |
| " Muchinda wavaranda akati kuna Dhanyeri, "Ndinotya ishe wangu mambo, akarayira zvamunofanira kudya nokumwa; nokuti achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamajaya ezero renyu? Kana zvakadaro muchaparisa musoro wangu mhosva kuna mambo." |
| 11 |
| Ipapo Dhanyeri akati kumutariri akanga arairwa nomuchinda wavaranda kuchengeta Dhanyeri naHanania naMishaeri naAzari, |
| 12 |
| "Doedzai henyu varanda venyu mazuva ane gumi; ngavatipe miriwo tidye, nemvura timwe. |
| 13 |
| Ipapo mungacherekedza zviso zvedu nezviso zvamajaya anodya zvokudya zvamambo, mugoita navaranda venyu sezvamunoona." |
| 14 |
| Naizvozvo akatenda shoko ravo pamusoro pechinhu ichi, akavaedza mazuva ane gumi. |
| 15 |
| Mazuva ane gumi akati apera zviso zvavo zvikaonekwa kuti zvakanaka, nemiviri yavo yakakura, vachipfuura majaya ose aidya zvokudya zvamambo. |
| 16 |
| Naizvozvo mutariri wakabvisa zvokudya zvavo zvamambo, newaini yavakanzi vamwe, akavapa mirivo. |
| 17 |
| Zvino kana ari majaya awa mana, Mwari wakavapa zivo nokungwara pamagwaro ose nouchenjeri hwose; asi Dhanyeri wakanga achigona kunzwisisa zvose zvairatidzwa naMwari nezvairotwa. |
| 18 |
| Zvino mazuva akati apera akanga atarwa namambo okuti vauyiswe nawo, muchinda wavaranda akapinda navo pamberi paNebhukadhinezari. |
| 19 |
| Mambo akataurirana navo, pakati pavose kukasawanikwa vakanga vakafanana naDhanyeri naHanania naMishaeri naAzaria; saka ivo vakamira pamberi pamambo. |
| 20 |
| Pamashoko ose ouchenjeri nookunzwisisa, avaibvunzwa namambo, wakawana kuti ivo vaipfuura kagumi vachenjeri vose nen'anga dzose dzaiva paushe hwake. |
| 21 |
| Dhanyeri akaramba aripo kusvikira pagore rokutanga ramambo Koreshi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/daniel/001.mp3
12
1