|
| 1 |
|
| Negore rechitatu raKoreshi mambo wePeresia, chimwe chinhu chakaratidzwa Dhanyeri, ainzi Bheteshazari; chinhu icho chakanga chiri chechokwadi, chiri chokurwa kukuru; akanzwisisa chinhu icho, nokuziva kududzirwa kwezvaakaratidzwa. |
|
| 2 |
|
| "Namazuva iwayo ini Dhanyeri ndakanga ndichichema vhiki nhatu dzose. |
|
| 3 |
|
| Ndakanga ndisingadyi zvokudya zvinozipa, kunyange nenyama newaini hazvina kupinda mumuromo mangu, uye handina kutongozora mafuta kusvikira vhiki nhatu dzose dzapera. |
|
| 4 |
|
| "Zvino nezuva ramakumi maviri namana romwedzi wokutanga, ndakati ndiri pamhenderekedzo yorwizi rukuru, irwo Hidhekeri, |
|
| 5 |
|
| ndikarinzira meso angu, ndikatarira, ndikaona murume akapfeka hanzu dzerineni, akasunga chiuno chake nendarama yakaisvonaka yeUfazi; |
|
| 6 |
|
| muviri wake wakanga wakaita sebheriri, chiso chake chakapenya semheni, meso ake akapfuta samazhenje, maoko ake netsoka dzake zvakanga zvakafanana nendarira yakakweshwa, uye kutinhira kwamashoko ake kwakaita sokutinhira kwavazhinji. |
|
| 7 |
|
| "Zvino ini Dhanyeri ndakaona izvo zvakaratidzwa ini ndoga; nokuti varume vakanga vaneni havana kuona zvakaratidzwa; asi vakabatwa nokudedera kukuru, vakatiza kundovanda. |
|
| 8 |
|
| Ini ndikasiyiwa ndiri ndoga, ndikaona chinhu ichi chikuru chandakaratidzwa, ndikapererwa nesimba; nokuti kunaka kwechiso changu kwakashanduka kuipa mukati mangu, ndikasazova nesimba. |
|
| 9 |
|
| Kunyange zvakadaro ndakanzwa kutinhira kwamashoko ake; zvino ndakati ndichinzwa kutinhira kwamashoko ake, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete pachiso changu, chiso changu chakatarira pasi. |
|
| 10 |
|
| Ipapo tarira, ruoko rwakandibata, rukandimisa namabvi angu nezvanza zvamaoko angu ndichidzedzereka. |
|
| 11 |
|
| "Akati kwandiri, `Iwe Dhanyeri, murume anodikamwa kwazvo, chinzwisisa mashoko andinotaura kwauri, umire kwazvo; nokuti ndatumwa kwauri iwe zvino.' Aakati ataura shoko iro kwandiri, ndikamira ndichidedera. |
|
| 12 |
|
| "Ipapo akati kwandiri, `Usatya Dhanyeri, nokuti kubva pazuva rokutanga rawakafunga nomwoyo wako wose kunzwisisa nokuzvininipisa pamberi paMwari wako, mashoko ako akanzwikwa; ndauya nokuda kwamashoko ako. |
|
| 13 |
|
| Asi muchinda woushe hwavaPeresia akandidzivisa mazuva ana makumi maviri nerimwe; asi tarira, Mikaeri, mumwe wamachinda makuru, akauya kuzondibatsira, ndikasarako kuna madzimambo avaPeresia. |
|
| 14 |
|
| Zvino ndauya kuzokuzivisa zvichaitirwa vanhu vako namazuva okupedzisira; nokuti zvawakaratidzwa ndezvamazuva mazhinji achazouya.' |
|
| 15 |
|
| "Zvino akati ataura neni namashoko iwayo, ndikaramba ndakatarira pasi nechiso changu, ndikashayiwa shoko. |
|
| 16 |
|
| Ipapo tarira, mumwe akafanana navanakomana vavanhu akagunzva miromo yangu; zvino ndikashamisa muromo wangu, ndikataura, ndikati kuna iye akanga amire pamberi pangu, `Aiwa, ishe wangu, ndabatwa nokutya kukuru, handichina simba nokuda kwezvandakaratidzwa. |
|
| 17 |
|
| Nokuti muranda washe wangu uyu angataura seiko nashe wangu uyu? Nokuti kana ndirini, pakarepo ndakasara ndisina simba, uye ndakanga ndisisina mweya mukati mangu.' |
|
| 18 |
|
| "Ipapo mumwe akafanana nomunhu akandibatazve, akandisimbisa. |
|
| 19 |
|
| Akati, `Iwe murume anodikamwa kwazvo, usatya hako; rugare ruve newe, iva nesimba, iva nesimba.' Zvino akati achitaura neni, ndikasimbiswa, ndikati, Ishe wangu ngaataure hake, nokuti makandisimbisa.' |
|
| 20 |
|
| "Zvino akati, `Unoziva chandakauyira kwauri here? Zvino ndichadzokera kundorwa nomuchinda wePeresia; kana ndabvapo, tarira, muchinda weGirisi achauya. |
|
| 21 |
|
| Asi ndichakuudza zvakanyorwa murugwaro rwechokwadi; asi hakuna anozvisimbisa kundorwa navava pamwechete neni, asi Mikaeri muchinda wenyu. |
|
|
|
|