Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Negore recipiri rokuɓata ʋushe kwaNebukadnezari, Nebukadnezari wakarota hope; mŋeya wake ukatambudzika, hope dzake dzikatiza. |
| 2 |
| Ipapo mambo akaraira kuti ʋacenjeri neŋaŋga naʋaroyi naʋaKardea ʋaɗanwe kuzoɗudzira mambo kurota kwake. Ipapo ʋakapinda ʋakamira pamberi pamambo. |
| 3 |
| Mambo akati kwaʋari: Ndarota hope, ɀino mŋeya waŋgu unotambudzika ndiciti ndinzwisise kurota kwaŋgu. |
| 4 |
| Ipapo ʋaKardea ʋakataura namambo norurimi rwaʋaSiria, ʋakati: Mambo ŋgaararame nokusiŋgaperi! Ʋudzai ʋaranda ʋenyu kurota kwenyu, isu tigokuziʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. |
| 5 |
| Mambo akapindura, akati kunaʋaKardea: Shoko ratemŋa neni; kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucagurwa‐gurwa, ʋuye dzimba dzenyu dzicaitwa ɗurunhuru. |
| 6 |
| Asi kana muka ndi ziʋisa kurota kwaŋgu nokuɗudzirwa kwaɀo, mucapiwa neni ɀipo nemiɓairo nokukudzwa kukuru; naiɀoɀo cindiziʋisai kurota nokuɗudzirwa kwaɀo. |
| 7 |
| Iʋo ʋakapindura rwecipiri, ʋaciti: Mambo ŋgaaʋudze ʋaranda ʋake kurota kwake, isu tigo ku ɀiʋisai kuɗudzirwa kwaɀo. |
| 8 |
| Mambo akapindura, akati: Ndinoziʋa kwaɀo kuti imi munoŋgotȿaka kuwedzerwa ŋguʋa, nokuti munoʋona kuti shoko iri ratemŋa neni. |
| 9 |
| Asi kana mukasandiziʋisa kurota kwaŋgu, mucarobga nomurairo mumŋe cete, nokuti makaɀigadzira kutaura mashoko enhema akashata pamberi paŋgu, kuȿikira ŋguʋa yashanduka; naiɀoɀo cindiʋudzai kurota kwaŋgu, ipapo ndicaziʋa kuti muŋgandiziʋisa kuɗudzirwa kwaɀo. |
| 10 |
| ƲaKardea ʋakapindura pamberi pamambo, ʋakati: Hakunomunhu pasi pose uŋgagona kuziʋisa shoko iri ramambo, nokuti hakunamambo kana ishe, kana muɓati, wakatoŋgotȿaka cinhu cakaɗai kunowakacenjera kana ŋaŋga, kana muKardea upi noupi. |
| 11 |
| Cinhu cinobvunzwa namambo cikuru kwaɀo, hakuna‐uŋgaciziʋisa kunamambo, asi ʋamŋari ʋasiŋgagari naʋanhu. |
| 12 |
| Nemhaka iyi mambo akatsamŋa, akaʋa nehasha kwaɀo, akaraira kuti ʋacenjeri ʋose ʋeBabironi ʋaʋurawe. |
| 13 |
| Naiɀoɀo cireʋo cakatemŋa kuti ʋacenjeri ʋaʋurawe, ʋakatȿaka ʋo Danieri neshamŋari dzake kuti ʋaʋurawe. |
| 14 |
| Ipapo Danieri akapindura Arioki nenjere nokuŋgwara, iye mukuru waʋarindi ʋamambo, wakaŋga aɓuɗa kundoʋuraya ʋacenjeri ʋeBabironi; |
| 15 |
| wakapindura, akati kunaArioki mukuru wamambo: Cireʋo ici camambo cinehasha neiko? Ipapo Arioki akaziʋisa Danieri shoko iro. |
| 16 |
| Ɀino Danieri akapinda kunamambo, akakumbira kwaari, kuti amutarire ŋguʋa, aziʋise mambo kuɗudzirwa kwaɀo. |
| 17 |
| Ipapo Danieri akaenda kumba kwake, akandoziʋisa shamŋari dzake Hanania naMishaeri naAzaria, shoko iro; |
| 18 |
| kuti ʋakumbire nyasha kunaMŋari wokuɗeŋga pamsoro pecinhu ici cakaʋanzika, kuti Danieri neshamŋari dzake ʋarege kuparadzwa pamŋe cete naʋamŋe ʋacenjeri ʋeBabironi. |
| 19 |
| Ipapo cinhu ico cakaʋanzika cakaziʋiswa Danieri panecaakaratidzwa ʋusiku. Danieri akaʋoŋga Mŋari wokuɗeŋga. |
| 20 |
| Danieri akapindura, akati: Zita raMŋari ŋgariʋoŋgwe nokusiŋgaperi‐peri, nokuti ʋucenjeri nesimba ndeɀake. |
| 21 |
| Ndiye unoshandura ŋguʋa nenhambo; ndiye unobvisa madzimambo, nokugadza madzimambo; ndiye unopa ʋakacenjera ʋucenjeri, naʋanenjere ziʋo; |
| 22 |
| ndiye unoziʋisa ɀinhu ɀakadzika neɀakaʋanzika; ndiye unoziʋa ɀiri murima; ciedza cinogara kwaari. |
| 23 |
| Ndinokuʋoŋgai nokukurumbidzai, imi Mŋari wamadziɓaɓa aŋgu, makandipa ʋucenjeri nesimba, mukandiziʋisa ɀino ɀatakakumbira kwamuri; nokuti makatiziʋisa shoko ramambo. |
| 24 |
| Naiɀoɀo Danieri akapinda kunaArioki, wakaŋga arairwa namambo kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; akandoti kwaari: Rega hako kuparadza ʋacenjeri ʋeBabironi; ndiise pamberi pamambo, ndicaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. |
| 25 |
| Ipapo Arioki akaisa Danieri pamberi pamambo nokukasira, akati kwaari: Ndawana munhu pakati paʋana ʋokutapxa ʋaJuda, ucaziʋisa mambo kuɗudzirwa kwaɀo. |
| 26 |
| Mambo akapindura, akati kunaDanieri, wainzi Berteshazari: Iwe unogona kundiziʋisa kurota kwandakaʋona, nokuɗudzirwa kwaɀo here? |
| 27 |
| Danieri akapindura pamberi pamambo, akati: Cinhu cakaʋanzika, cakarebga namambo, hakunaʋanenjere, kana ŋaŋga, kana ʋacenjeri, kana ʋafemberi ʋaŋgaziʋisa mambo iɀoɀo; |
| 28 |
| asi kuɗeŋga kunaMŋari unoziʋisa ɀakaʋanzika; ndiye wakaziʋisa mambo Nebukadnezari ɀicazoʋa’po pamazuʋa okupedzisira. Kurota kwenyu, neɀamakaratidzwa mumusoro wenyu panhoʋo dzenyu, heɀi: |
| 29 |
| Kana muri’mi, mambo, pfuŋgwa dzenyu dzakaʋuya kwamuri muri panhoʋo dzenyu, mukaraŋgarira ɀicazoitwa pashure; ɀino unoziʋisa ɀakaʋanzika, ndiye wakakuziʋisai ɀicazoitwa. |
| 30 |
| Asi kana ndiri’ni, cinhu ici cakaʋanzika hacina‐kundiziʋiswa nokuɗa kwenjere dzandinadzo dzinopfuʋura dzaʋamŋe ʋapenyu ʋose, asi kuti mambo aziʋiswe kuɗudzirwa kwaɀo, ʋuye kuti muziʋiswe pfuŋgwa dziri mumŋoyo wenyu. |
| 31 |
| Imi mambo makatarira, mukaʋona cifananidzo cikuru. Cifananidzo ici, caiʋa cikuru kwaɀo, caiʋa nokubginya kwakaiȿo‐naka, cakaŋga cimire pamberi penyu; cakaŋga cicityisa pakuʋonekwa kwaco. |
| 32 |
| Kana ciri cifananidzo ici, musoro waco wakaŋga uri wendarama yakaiȿo‐naka, cifuʋa caco namaʋoko aco ɀakaŋga ɀiri ɀesirveri, ɗumbu raco neciʋuno caco ɀakaŋga ɀiri ɀendarira, |
| 33 |
| makumbo aco akaŋga ari eɗare, ʋuye tsoka dzaco dzaiti pamŋe ɗare pamŋe ivu. |
| 34 |
| Makaramba mucitarira kuȿikira muciʋona ibge riciʋezwa, asi ɀisiŋgaitwi namaʋoko omunhu, rikaroʋa cifananidzo patsoka dzaco dzaiʋa dzeɗare nevu, rikadziputsa‐putsa. |
| 35 |
| Ipapo ɗare nevu nendarira nesirveri nendarama ɀakaputsanyiwa pamŋe cete, ɀikafanana nehundi iri pamapuriro neŋguʋa yezhezha; ɀikatorwa nemhepo, ɀikasawanirwa nɀimbo; asi ibge, rakaŋga raroʋa cifananidzo, rakazoita gomo guru, rikazadza pasi pose. |
| 36 |
| Ndiɀo ɀamakarota; ɀino ticaɀiɗudzira pamberi pamambo. |
| 37 |
| Imi mambo muri mambo wamadzimambo, makapiwa naMŋari wokuɗeŋga ʋushe noʋumambo nesimba nokubginya; |
| 38 |
| pose panogara ʋana ʋaʋanhu, wakaisa paruʋoko rwenyu mhuka dzeɓundo neshiri dzokuɗeŋga, akakuitai muɓati waɀo ɀose; imi ndimi musoro wendarama. |
| 39 |
| Shure kwenyu ʋumŋe ʋushe ʋucamuka, ʋuɗuku kwamuri; teʋere ʋushe bgecitatu bgendarira, ʋucaɓata panyika yose. |
| 40 |
| Ʋushe bgecinna ʋucaʋa nesimba seɗare, seɀinoita ɗare rinoputsanya nokuparadza ɀose; seɀinoita ɗare rinopxanya iɀi ɀose, saiɀoɀo ʋucaputsanya nokupxanya. |
| 41 |
| Ɀamakaʋona tsoka neɀigunwe, ɀakaitwa pamŋe nevu romuʋumbi wehari, pamŋe neɗare, ʋucaʋa ʋushe bgakaganhurwa; asi simba reɗare ricaʋa’mo, ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro. |
| 42 |
| Ɀigunwe ɀamakumbo ɀaɀakaŋga ɀakaitwa pamŋe neɗare pamŋe nevu, saiɀoɀo ʋushe ʋucaʋa pamŋe nesimba, pamŋe haʋuŋgatani kuputsika. |
| 43 |
| Ʋuye ɀamakaʋona ɗare rakaveŋganiswa nevu rokuʋumba naro, saiɀoɀo ʋacaveŋgana namarudzi aʋanhu, asi haʋaŋganamatirani, seɀinoita ɗare risiŋganamatirani nevu. |
| 44 |
| Ɀino namazuʋa amadzimambo iwayo Mŋari wokuɗeŋga ucamutsa ʋushe, ʋusiŋgatoŋgozoparadzwi, ʋuye simba rabgo hariŋgapfuʋuri kunorumŋe rudzi rwaʋanhu; asi ibgo ʋucaputsanya nokuparadza ʋushe ubgo bgose, ibgo ʋucamira nokusiŋgaperi. |
| 45 |
| Ɀamakaʋona ibge riciʋezwa mugomo, ɀisiŋgaitwi namaʋoko aʋanhu, rikaputsa‐putsa ɗare nendarira nevu nesirveri nendarama, Mŋari mukuru wakaziʋisa mambo ɀicazoitwa pashure; kurota uku ndokwaɀokwaɗi, nokuɗudzirwa kwaɀo ndokwaɀokwaɗi. |
| 46 |
| Ipapo mambo Nebukadnezari akawira pasi neciso cake, akanamata Danieri, akaraira kuti ʋamuʋigire cipo neɀinonhuwira ɀinozipa. |
| 47 |
| Mambo akapindura Danieri, akati: Ɀirokwaɀo, Mŋari wako ndiye Mŋari waʋamŋari, naShe wamadzimambo, nomuziʋisi weɀakaʋanzika, iwe ɀawakagona kuziʋisa cinhu ici cakaʋanzika. |
| 48 |
| Ipapo mambo akaita Danieri mukuru, akamupa ɀipo ɀikuru ɀizhinji, akamuita muɓati wenyika yose yeBabironi, nokumuita ʋo mutariri mukuru waʋakacenjera ʋose ʋeBabironi. |
| 49 |
| Danieri akakumbira kunamambo, akagadza Shadraki naMeshaki naAbedi‐nego ʋakaʋa ʋarairi ʋeɀinhu ɀose ɀenyika yeBabironi; asi Danieri wakagara pasuʋo ramambo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/daniel/002.mp3
12
2