|
| 1 |
|
| “Negore rechitatu rokubata ushe kwamambo Bheshazari, ini Dhanieri ndakaratidzwa chiratidzo, shure kwechiya chandakaratidzwa pakutanga. |
|
| 2 |
|
| Ndikaona pane zvandakaratidzwa; zvino ndakati ndichitarira, ndakanga ndiri paShushani, paimba yamambo, iri panyika yeErami; ndikaona pane zvandakaratidzwa, ndiri parwizi Urai. |
|
| 3 |
|
| Ndikaratidza meso angu, ndikatarira, ndikaona gondohwe rimire pamberi porwizi, rine nyanga mbiri; nyanga mbiri dzakanga dzakareba, asi rumwe rwakanga rwakapfuura rumwe nokureba; rwakanga rwakareba ndirwo rwakabuda shure. |
|
| 4 |
|
| Ndikaona gondohwe richitunga kumativi amavirazuva, nokumusoro, nezasi; hakuna zvipfuwo zvaigona kuramba zvimire pamberi paro, uye kwakanga kusina aigona kurwira pasimba raro; asi rakaita parakada napo, rikazvikudza. |
|
| 5 |
|
| “Zvino ndakati ndichafunga izvozvo, ndikaona nhongo ichibva kumavirazuva ichifamba panyika pose, asi isingatsiki pasi; zvino nhongo yakanga ino runyanga rukuru pakati pameso ayo. |
|
| 6 |
|
| Ikasvika pagondohwe, raiva nenyanga mbiri, randakaona rimire pamberi porwizi, ikamhanyira kwariri nehasha dzesimba rayo. |
|
| 7 |
|
| Ndikaona ichiswedera pedyo negondohwe, hasha dzayo dzikarimutsirwa, ikatunga gondohwe, ikavhuna nyanga dzaro mbiri; gondohwe rakanga risina simba kumira payo; asi yakariwisira pasi, pamusoro paro, hakuna akagona kurwira gondohwe pasimba rayo. |
|
| 8 |
|
| “Nhongo ikazvikudza zvikuru kwazvo; zvino yakati yasimba, runyanga rukuru ndokuvhunika, nyanga huru ina dzikabuda panzvimbo yarwo, dzakatarira kumhepo ina dzokudenga. |
|
| 9 |
|
| Zvino kuno rumwe rwadzo kwakabuda runyanga ruduku, rwakazokura kwazvo, kumativi ezasi, nokumavirazuva, nokunyika yakaisvonaka. |
|
| 10 |
|
| Rukakura kusvikira iko kuhondo dzokudenga, rukawisira pasi dzimwe hondo nenyenyedzi, ndokutsika pamusoro pazvo. |
|
| 11 |
|
| Rukazvikudza kusvikira kumuchinda wehondo; rukamutorera chipiriso chinopiswa nguva dzose, nzvimbo yeimba yake tsvene ikaputswa. |
|
| 12 |
|
| Hondo ikamutswa kuzorwa nechipiriso chinopiswa nguva dzose nokuda kwokudarika; rukawisira pasi chokwadi, rukafara pane zvose zvarwakaita. |
|
| 13 |
|
| “Ipapo ndakanzwa mutsvenezve akati kuna iye akanga achitaura, ‘Ko izvo zvakaratidzwa zvichasvika rini, izvo zvechipiriso chinopiswa nokusingaperi nokudarika kunoparadza, kuti nzvimbo tsvene nehondo zviregwe zvichitsikwa netsoka?’ |
|
| 14 |
|
| Akati kwandiri, ‘Kusvikira madekwana namangwanani ane zviuru zviviri namazana matatu; ipapo nzvimbo tsvene ichanatswa.’ |
|
| 15 |
|
| “Zvino ini, iyeni Dhanieri, ndakati ndaona zvandaratidzwa, ndikatsvaka kuzvinzwisisa, ndikaona mumwe akanga akaita somunhu amire pamberi pangu. |
|
| 16 |
|
| Ndikanzwa izwi romunhu richibva pakati pemhenderekedzo dzaUrai, richidana richiti, ‘Gabhurieri, dudzira munhu uyu zvaakaratidzwa.’ |
|
| 17 |
|
| Ipapo akaswedera kwandakanga ndimire; zvino akati achisvika, ndikatya, ndokuwira pasi nechiso changu; asi akati kwandiri, ‘Chinzwisisa, iwe Mwanakomana womunhu, nokuti zvawakaratidzwa ndezvenguva yokupedzisira.’ |
|
| 18 |
|
| Zvino akati achitaura neni, ndikabatwa nehope kwazvo ndivete nechiso changu pasi; asi akandibata, akandimisa. |
|
| 19 |
|
| Akati, ‘Tarira, ndichakuzivisa zvichavapo panguva yokupedzisira yokutsamwa kwaJehovha, nokuti ndezvenguva yakatarwa yokupedzisira.’ |
|
| 20 |
|
| “Gondohwe rawakaona, rakanga rine nyanga mbiri, ndiwo madzimambo avaMedhia navaPeresia. |
|
| 21 |
|
| Uye nhongo ine mvere ndiye mambo weGirisi; runyanga rukuru ruri pakati pameso ayo ndiye mambo wokutanga. |
|
| 22 |
|
| Kana ruri runyanga rwakavhunika, dzimwe ina dzakabuda panzvimbo yarwo, ushe huna huchabuda parudzi urwo, asi haungavi nesimba rarwo. |
|
| 23 |
|
| “Zvino panguva yokupedzisira youshe hwavo, kana vadariki vazadza chiyero chavo, mambo une chiso chine hasha, anoziva kuita namano akaipa, achamuka. |
|
| 24 |
|
| Simba rake richava guru, asi hazvingaitwi nesimba rake chairo; achaparadza zvinoshamisa, asi achafara pane zvose zvaanoita; achaparadza vane simba navanhu vatsvene. |
|
| 25 |
|
| Zvino nokungwara kwake achafambisa nhema noruoko rwake; achazvikudza mumwoyo make, nokuparadza vazhinji vakafara havo. Achamukirawo muchinda wavachinda, asi uchaputswa zvisingaitwi noruoko rwomunhu. |
|
| 26 |
|
| Zvawakaratidzwa zvamadekwana nezvamangwanani, zvawakaudzwa, ndezvazvokwadi; asi iwe vanza zvawaona, nokuti ndezvamazuva mazhinji anozouya. |
|
| 27 |
|
| “Ini Dhanieri ndikapera simba, ndikarwara mazuva; ipapo ndikamuka, ndikabata mabasa amambo, ndikashamiswa nezvandakaratidzwa, asi kwakanga kusina munhu waizvinzwisisa. |
|
|
|
|