|
| 1 |
|
| “Zvino negore rokutanga raDhariusi mwanakomana waAhasuerosi, worudzi rwavaMedhia, akanga aitwa mambo woushe hwavaKaradhia. |
|
| 2 |
|
| Negore rokutanga rokubata kwake ushe, ini Dhanieri ndakanzwisisa mumabhuku kuti makore mangani akanga audzwa muporofita Jeremiya neshoko raJehovha kusvikira pakupera kwokuparadzwa kweJerusaremu, kuti aiva makore makumi manomwe. |
|
| 3 |
|
| Ndikaratidza chiso changu kuna Ishe Mwari, ndikamutsvaka nokunyengetera nokukumbira, nokuzvinyima zvokudya, ndakapfeka masaga ndikazvidira madota. |
|
| 4 |
|
| Ndikanyengetera kuna Jehovha Mwari wangu, ndikareurura zvivi, ndikati, ‘Aiwa, Ishe, Mwari mukuru anotyisa, anosimbisa sungano yake nenyasha dzake kuna vanomuda, vanochengeta mirairo yake, |
|
| 5 |
|
| takatadza, takaita zvisakarurama nezvakashata, takakumukirai, tikatsauka pazvirevo zvenyu nezvamakarayira; |
|
| 6 |
|
| hatina kuteererawo varanda venyu vaporofita, vakataura nezita renyu kuna madzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu nokuvanhu vose venyika. |
|
| 7 |
|
| Aiwa, Ishe, kururama kuri kwamuri, asi kwatiri isu kunyara kwezviso zvedu, sapazuva ranhasi; kuvanhu vaJudha, nokuna vagere Jerusaremu, nokuVaIsiraeri vose, vari pedyo navari kure, panyika dzose kwamakavadzingira, nemhaka yokudarika kwavakakudarikirai imi. |
|
| 8 |
|
| Aiwa, Ishe, kunyara kwezviso kuri kwatiri isu, kumadzimambo edu, namachinda edu, namadzibaba edu, nokuti takakutadzirai. |
|
| 9 |
|
| Kuna Ishe Mwari wedu ndiko kune nyasha nokukanganwira, nokuti takamumukira; |
|
| 10 |
|
| uye hatina kuteerera izwi raJehovha Mwari wedu, kuti tifambe nemirairo yake yaakaisa pamberi pedu navaranda vake vaporofita.’ |
|
| 11 |
|
| Zvirokwazvo VaIsiraeri vose vakadarika murairo wenyu, vachitsauka, kuti varege kuteerera izwi renyu; nemhaka iyo kutuka kwenyu kwakadururirwa pamusoro pedu, nokupika kwakanyorwa mumurairo waMosesi muranda waMwari; nokuti takamutadzira. |
|
| 12 |
|
| Akasimbisa mashoko ake aakatitaurira isu navatongi vedu vaititonga, achiuyisa pamusoro pedu chinhu chikuru chakaipa; nokuti pasi pedenga rose hakuna kumboitwa chinhu chakadai chakaitirwa Jerusaremu. |
|
| 13 |
|
| Sezvazvakanyorwa pamurairo waMosesi, zvakaipa izvi zvose zvakatiwira; kunyangwe zvakadaro hatina kukumbira tsitsi kuna Jehovha Mwari wedu, kuti titsauke pazvakaipa zvedu nokungwarira chokwadi chenyu. |
|
| 14 |
|
| Naizvozvo Jehovha akarindira zvakaipa, akazviuyisa pamusoro pedu; nokuti Jehovha Mwari wedu akarurama pamabasa ake ose aanoita, asi isu hatina kuteerera izwi rake. |
|
| 15 |
|
| “Zvino imi Ishe Mwari wedu, makabudisa vanhu venyu panyika yeIjipiti noruoko rune simba, mukazviwanira mukurumbira, kusvikira pazuva ranhasi; takatadza, takaita zvakashata. |
|
| 16 |
|
| Aiwa Ishe, nokuda kwokururama kwenyu kwose, ndinokunyengeterai kuti kutsamwa kwenyu nehasha dzenyu zvidzorwe paguta renyu reJerusaremu, iro gomo renyu dzvene; nemhaka yezvivi zvedu, uye nemhaka yezvakaipa zvamadzibaba edu, Jerusaremu navanhu venyu vakaitwa chinhu chinoshoorwa pakati pavose vanotipoteredza. |
|
| 17 |
|
| Naizvozvo zvino, imi Mwari wedu, inzwai kunyengetera kwomuranda wenyu, nezvaanokumbira, muvhenekera nechiso chenyu panzvimbo yenyu tsvene, yava dongo, nokuda kwaIshe. |
|
| 18 |
|
| Aiwa, Mwari wangu, rerekerai nzeve yenyu, munzwe; svinudzai meso enyu, muone kuparadzwa kwedu, neguta rakatumidzwa zita renyu; nokuti hatisvitsi mikumbiro yedu pamberi penyu nokuda kwezvakarurama zvedu, asi nokuda kwenyasha dzenyu huru. |
|
| 19 |
|
| Aiwa, Ishe, inzwai; Ishe, kanganwirai; Ishe, teererai, muite; zvatinokumbira regai kunonoka, nokuda kwenyu, imi Mwari wangu, nokuda kweguta renyu navanhu venyu vakatumidzwa zita renyu. |
|
| 20 |
|
| “Zvino ndakati ndichitaura nokunyengetera nokuzvireurura zvivi zvangu nezvivi zvavanhu vangu VaIsiraeri, nokuisa kukumbira kwangu pamberi paJehovha Mwari wangu pamusoro pegomo dzvene raMwari wangu; |
|
| 21 |
|
| ndakati ndichitaura pakunyengetera, uya murume Gabhurieri, wandakanga ndaona pane zvandakaratidzwa pakutanga, ndaneta kwazvo, akasvika kwandiri nenguva inenge yechipo chamadekwana. |
|
| 22 |
|
| Akandidudzira, akataura neni, akati, ‘Dhanieri, ndauya zvino kukuvigira njere nokunzwisisa. |
|
| 23 |
|
| Chirevo chakatemwa, uchangotanga kukumbira, zvino ndauya kuzokuudza; nokuti uri murume anodikanwa kwazvo; naizvozvo funga shoko iri, unzwisise zvawakaratidzwa. |
|
| 24 |
|
| “ ‘Vhiki dzina makumi manomwe dzakatemerwa vanhu vako neguta rako dzvene, kupedzisa kudarika nokugumisa zvivi, nokuyananisira zvakaipa, nokuuyisa kururama kusingaperi, nokusimbisa zvakaratidzwa nouporofita, nokuzodza nzvimbo tsvene–tsvene. |
|
| 25 |
|
| Naizvozvo chiziva unzwisise, kuti kubva pakutemwa kwomurairo wokuvandudza nokuvaka Jerusaremu kusvikira kune wakazodzwa, iye muchinda, zvichaita vhiki nomwe; uye vhiki dzina makumi matanhatu nembiri dzichavapo dzokuvakwa kwaro, rine misika nemigwagwa, asi zvichaitwa nenguva yokutambudzika. |
|
| 26 |
|
| Zvino kana vhiki idzo dzina makumi matanhatu nembiri dzapera, akazodzwa achabviswa, akasara asina chinhu; vanhu vomuchinda, anozouya, vachaparadza guta nenzvimbo tsvene; asi kuguma kwazvo kuchauya nokukukurwa, kurwa kuchavapo nokuparadzwa kwakatema, kusvikira pakuguma.’ |
|
| 27 |
|
| Zvino iye achaita sungano yakasimba navazhinji vhiki imwe; pakati pevhiki achagumisa chibayiro nechipo, zvino muparadzi achasvika nebapiro rezvinonyangadza; kusvikira pakuguma kwazvo kwakagara kwakatarwa, kutsamwa kuchadururirwa pamusoro pezvakaparadzwa.” |
|
|
|
|