|
| 1 |
|
| Herinoi shoko raTenzi, raakataurira Hosea mwanakomana waBheeri nguva yaitonga madzimambo aya okwaJudha anoti: Uziya naJotamu naAhazi naHezekiya uye iri nguvawo yaJerobhoamu mambo wokwaIsiraeri mwanakomana waJehoashi. |
|
| 2 |
|
| Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.” |
|
| 3 |
|
| Saizvozvowo akaenda akandotora Gomero mwanasikana waDhibhuraimu. Iye akaita pamuviri akamuberekera mwana mukomana. |
|
| 4 |
|
| Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti ‘Jezirieri,’ nokuti kwangosara kanguva kadikidiki kwokuti ndichiranga imba yaJehu, ndichiirangira ropa raakadeura kuJezirieri, ndichitsakatisa umambo hwokwaIsiraeri. |
|
| 5 |
|
| Pazuva iroro ndichaparadza hondo yavarwi vouta yeIsiraeri muBani reJezirieri.” |
|
| 6 |
|
| Akaitazve pamuviri akasununguka mwana musikana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Tumidza musikana uyu zita rokuti, ‘Mushayirwatsitsi’ nokuti handichaitirazve imba yokwaIsiraeri tsitsi. Handimbofa ndakavaregerazve. |
|
| 7 |
|
| Asi imba yokwaJudha, ndichaiitira tsiye nyoro ndigovanunura nesimba raTenzi, Mwari wavo. Handisi kuzovanunura nouta kana nebakatwa kana nehondo kunyange namabhiza kana navarwi vamabhiza.” |
|
| 8 |
|
| Mukadzi uyu paakarumura Mushayirwatsitsi, akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. |
|
| 9 |
|
| Tenzi akati kuna Hosea, “Mudaidzei zita rokuti, ‘Vasivangu’ nokuti imi hamusi vanhu vangu. Iniwo handisi Mwari wenyu.” |
|
| 10 |
|
| Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.” |
|
| 11 |
|
| Vanhu vokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete. Vachazvisarudzira mutungamiriri mumwechete vagomera munyika ino nokuti zuva rokusima kwaMwari iroro richava zuva guru kwazvo. |
|
|
|
|