Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Shoko raJehovha rakasvika kuna Hosiya mwanakomana waBheeri, namazuva aUziya naJotami naAhazi naHezekiya, madzimambo aJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi, mambo waIsiraeri. |
| 2 |
| Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosiya, Jehovha akati kuna Hosiya, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.” |
| 3 |
| Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana. |
| 4 |
| Jehovha akati kwaari, “Mutumidze zita rinonzi ‘Jezireri,’ nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri. |
| 5 |
| Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireri.” |
| 6 |
| Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, “Mutumidze iye zita rinonzi ‘Roruhama;’ nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwire. |
| 7 |
| Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.” |
| 8 |
| Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana. |
| 9 |
| Jehovha akati, “Mutumidze zita rinonzi ‘Roami;’ nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.” |
| 10 |
| Kunyangwe zvakadaro kuwanda kwavana VaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu,” ndipapo pazvichanzi kwavari, “Muri vanakomana vaMwari mupenyu.” |
| 11 |
| Vana vaJudha navana VaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika ino, nokuti zuva reJezireri richava guru. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/hosea/001.mp3
14
1