Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| VaIsiraeri mudzambiringa unotanda zvakanaka, unobereka zvibereko zvawo; zvibereko zvavo zvakati zvichiwanda, vakawanzawo maatari avo; nyika yavo yakati ichifara, ivo vakazviitirawo shongwe dzakanaka. |
| 2 |
| Mwoyo yavo inonyengera, zvino vachapiwa mhaka; acharova maatari avo, achaparadza shongwe dzavo. |
| 3 |
| Zvirokwazvo, zvino vachati, “Hatina mambo, nokuti hatityi Jehovha; kana ari mambo angatiitireiko?” |
| 4 |
| Vanotaura mashoko asina maturo, vanopika nhema pakuita kwavo sungano; naizvozvo kutongwa kwavo kunomera somuti unouraya mumihoronga yomunda. |
| 5 |
| Vagere Samaria vachatya mhuru dzeBhetiavheni; nokuti vanhu varo vachaichema, navapristi varo vaiifarira, nokuda kwokukudzwa kwayo, nokuti kwabva kwairi. |
| 6 |
| Ichaiswawo Asiria, chive chipo chamambo Jarebhi; Efuremu vachanyadziswa, Isiraeri vachanyadziswa namano avo. |
| 7 |
| Kana riri Samaria, mambo waro waparadzwa sechipande pamusoro pemvura. |
| 8 |
| Nzvimbo dzakakwirira dzeAvheniwo, izvo zvivi zvaIsiraeri, dzichaparadzwa; munzwa norukato zvichamera pamaatari avo; zvino vachati kumakomo, “Tifukidzei,” nokuzvikomo, “Wirai pamusoro pedu.” |
| 9 |
| “Aiwa, Isiraeri, makatadza kubva pamazuva eGibhia; ndipo pavakamira; ko vachakundwa nehondo inorwa navana vezvakaipa paGibhia here? |
| 10 |
| Nguva yandinoda ndichavaranga; marudzi avanhu achavaunganira kana vakasungirwa pazvisakarurama zvavo zviviri. |
| 11 |
| “Efuremu itsiru rakapingudzwa, rinofarira kupura zviyo; asi ini ndimene ndasvika pamutsipa waro wakanaka, ndaisa mutasvi pamusoro paEfuremu; Judha vacharima, Jakobho achaputsa mavhinga ake. |
| 12 |
| Zvidyarirei mukururama, mugocheka zvorudo; undai makombo enyu, nokuti inguva yokutsvaka Jehovha, kusvikira achiuya achikunisirai zvakarurama. |
| 13 |
| Makarima zvakashata, makacheka zvakaipa, makadya zvibereko zvenhema, nokuti makanga muchivimba nenzira yenyu, uye nokuwanda kwemhare dzenyu. |
| 14 |
| Naizvozvo bope richamuka pakati pavanhu venyu, nhare dzenyu dzose dzichaparadzwa, Sharimani sezvaakaparadza Bhetiaribheri nezuva rokurwa; mai vakaputsanyiwa pamwechete navana vavo. |
| 15 |
| Ndizvo zvamuchaitirwa neBhetieri nemhaka yokushata kwenyu kukuru; mambo waIsiraeri achaparadzwa chose mambakwedza.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/hosea/010.mp3
14
10