Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| "Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti. |
| 2 |
| Vaporofita vachinyanya kuvadana,, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuhwira. |
| 3 |
| Kunyange zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa. |
| 4 |
| Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo. |
| 5 |
| "Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri. |
| 6 |
| Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo. |
| 7 |
| Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyange vachidamwa kune Wokumusoro, havatongosimuki. |
| 8 |
| Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washandukurwa mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete. |
| 9 |
| Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa. |
| 10 |
| "Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva. |
| 11 |
| "Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 12 |
| "Efuremu vakandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka. |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/hosea/011.mp3
14
11