×

Shona SUB Bible 2002

Hosiya 11

1
“Isiraeri achiri mwana muduku, ndaimuda, ndikadana mwanakomana wangu abve Ijipiti.
2
Vaporofita vachinyanya kuvadana, ivo vakanyanya kuvatiza; vakabayira vaBhaari, nokupisira zvifananidzo zvakavezwa zvinonhuwira.
3
Kunyangwe zvakadaro ini ndakadzidzisa Efuremu kufamba; ndakavatakura mumaoko angu, asi havana kuziva kuti ndini ndakavaporesa.
4
Ndakavakakata namabote omunhu, nezvisungo zvorudo; ndakava kwavari somunhu anobvisa joko pashaya dzavo, ndikagadza zvokudya pamberi pavo.
5
“Havangadzokeri kunyika yeIjipiti, asi muAsiria ndiye achava mambo wavo, nokuti vakaramba kudzokera kwandiri.
6
Munondo uchava nehasha pakati pamaguta avo, uchapedza zvipfigiso zvavo nokuzviparadza, nemhaka yamano avo.
7
Vanhu vangu vanoramba vachida kudzokera shure vachindisiya; kunyangwe vachidanwa kune Wokumusoro, havatongosimuki.
8
Ndingakuregedza seiko, iwe Isiraeri? Ndingakuita seiko seAdhima? Ndingakuenzanisa seiko neZebhoimi? Mwoyo wangu washanduka mukati mangu, tsitsi dzangu dzamutswa pamwechete.
9
Handingaiti nokutsamwa kwangu kukuru, handingadzoki ndichiti ndiparadze Efuremu; nokuti ndiri Mwari, handizi munhu, ndini Mutsvene pakati penyu, handingauyi ndakatsamwa.
10
“Vachatevera Jehovha, achiomba seshumba; nokuti uchaomba, vana vachauya vachidedera vachibva mavirazuva.
11
“Vachauya seshiri vachibva Ijipiti, senjiva vachibva panyika yeAsiria; ini ndichavagarisa mudzimba dzavo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
12
“Efuremu akandikombera nenhema, uye imba yaIsiraeri nokunyengera; Judha vanongoramba vachipenga pamberi paMwari, pamberi paiye Mutsvene akatendeka.
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa