×

Bhaibhiri Idzva 2008

Hosiya 12

1
VokwaEfuremu vanoita ushamwari nemhepo, vachiswerodzingirirana zuva rese nemhepo yokumabvazuva zvayo. Nhema noutsinye, ndizvo zvavanowanza vachiita zvibvumirano neAsiria vachituta mafuta kuaenda kuIjipiti.
2
Tenzi ane mhosva yaari kupa vokwaJudha, acharanga vokwaJakobho maererano nezviito zvavo achivatsividza maererano nezviito zvavo.
3
Jakobho, achiri mudumbu, akanga akabata chitsitsinho chomukoma wake, kuzoti ava murume mukuru akaita tsimba naMwari.
4
Jakobho akaita tsimba nomutumwa akabva akurira, akachema achimukumbira chikomborero. Akasangana naMwari paBhatieri ipapo Mwari akataura naye,
5
iye Tenzi, Mwari wehondo nehondo dzavarwi, zita rake raanodaidzwa naro izita rokuti Yahweh.
6
Saka imimi, norubatsiro rwaMwari wenyu, tendeukai, mubatisise rudo noruenzaniso mumirire Mwari wenyu nguva dzose.
7
“Munhu wemhindu dzokutengesa zvinhu ane chikero mumaoko chinonyengedza, chaanongoda chete kudzvanyirira vamwe.
8
VokwaEfuremu vanotozviti zvavo, ‘Hauoneka, ndiri mupfumi, ndazozviwanira upfumi.’ Asi upfumi hwavo hwose ihwohwo haumbovapunyutsa pamhosva yavakapara.
9
Ndini Tenzi, Mwari wenyu, ndakakubvisai kunyika yeIjipiti. Ndichaitazve kuti mugare mumisasa yamatendhe sezvinoitwa panguva yamazuva makuru akatemwa.
10
Ndini ndaitaura kuvaporofita, ini ndini ndaionesa zviratidzo nezviratidzo, ndichipawo nokuvaporofita mienzaniso.
11
MuGireadhi mune uipi, vanhu vasina maturo; muGirigari muchipirwa zvibayiro kuhandira, atari dzavo dzichaitawo semirwi zvayo yamatombo mumigero yomumunda.”
12
(Jakobho akatizira kunyika yeAramu iye Isiraeri kwaakandoita ugariri achiitira mukadzi, akafudzira hwai mukadzi.)
13
Tenzi akaburitsa Isiraeri kuIjipiti achizviita nomuporofita, nomuporofita akavachengetedza.
14
VokwaEfuremu vakamudenha zvakaipisisa; nezvo Tenzi achamurega achipfukirwa nemhosva yokudeura ropa. Tenzi achamutsividza kutsvinya kwake ikoko.
Shona Bible 2008
Shona Common Language Bible Society of Zimbabwe, 2008
:
Sevha Zvinyorwa