|
| 1 |
|
| Itiyi kuʋanuŋuna ʋenyu: Ami; nokuhanɀadzi dzenyu: Ruhama. |
|
| 2 |
|
| Kakaʋarai namai ʋenyu, kakaʋarai; nokuti haazi mukadzi waŋgu, neni handizi murume wake; ŋgaabvise kufeʋa kwake paciso cake, nokupata kwake pakati pamazamu ake; |
|
| 3 |
|
| kuti ndirege kumukumurira ŋguʋo dzake dzose, ndimuite seɀaakaŋga akaita nezuʋa rokuɀarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure aʋe nyika yakawoma, ndimuʋuraye nenyota. |
|
| 4 |
|
| Ɀirokwaɀo handiŋganzwiri ʋana ʋake nyasha, ɀaʋari ʋana ʋoʋufeʋe; |
|
| 5 |
|
| nokuti mai ʋaʋo ʋakafeʋa; wakaʋaɓereka wakaita ɀinonyadzisa, nokuti wakati: Ndicateʋera ʋaɗikani ʋaŋgu, ʋanondipa ɀokudya ɀaŋgu nemvura yaŋgu, namakushe aŋgu necinda yaŋgu, namafuta aŋgu neɀokunwa ɀaŋgu. |
|
| 6 |
|
| Naiɀoɀo tarira, ndicasosera nzira yako neminzwa, ndicamuʋakira ruȿiŋgo, kuti arege kuwana nzira dzake. |
|
| 7 |
|
| Ucateʋera ʋaɗikani ʋake, asi haaŋgaʋaɓati; ucaʋatȿaka, asi haaŋgaʋawani; ipapo ucati: Ndicadzokera kumurume waŋgu wokutaŋga, nokuti neŋguʋa iyo ndaifara kupfuʋura ɀino. |
|
| 8 |
|
| Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi kuti ndini ndaimupa ɀiyo, newaini itȿa, namafuta, nokumuwanzira sirveri nendarama, ɀaʋaiɓatira Baari naɀo. |
|
| 9 |
|
| Saka ndicamutorera ɀiyo ɀaŋgu neŋguʋa yaɀo, newaini yaŋgu itȿa nenhambo yaɀo, ndicabvisa makushe aŋgu necinda yaŋgu ɀaifanira kufukidza kushama kwake. |
|
| 10 |
|
| Ɀino ndicafukura kunyadzisa kwake pamberi paʋaɗikani ʋake, hakuna‐uŋgamurwira paruʋoko rwaŋgu. |
|
| 11 |
|
| Ndicagumisa ʋo mufaro wake wose, nemitambo yake, neŋguʋa dzake dzokugara kwomŋedzi, namasaɓata ake, neʋuŋgano dzake dzose dzakatarwa. |
|
| 12 |
|
| Ndicaparadza mizambiriŋga yake nemiʋonde yake, yaaiti: Ndiwo muɓairo waŋgu wandakapiwa naʋaɗikani ʋaŋgu; ndicaɀiita ɗondo, mhuka dzokusaŋgo dzicaɀidya. |
|
| 13 |
|
| Ndicamuraŋga nokuɗa kwamazuʋa aʋaBaari, ʋaaipisira ɀinonhuwira, acishoŋga ɀindori ɀake ɀenzeʋe neɀishoŋgo ɀake, akateʋera ʋaɗikani ʋake, akandikaŋganwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova. |
|
| 14 |
|
| Saka tarirai, ndicamunyeŋgera nokumuisa kurenje, ndicitaura ɀinofadza mŋoyo wake. |
|
| 15 |
|
| Ndicamupa minda yake yemizambiriŋga ɀicibva ipapo, nomupata waAkori uʋe mukoʋa wetariro kwaari; ucapindura ari’po, sapamazuʋa oʋusikana bgake, ʋuye sapazuʋa raakaɓuɗa panyika yeEgipita. |
|
| 16 |
|
| Ɀino nezuʋa iro — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ucandiidza Ishi, hauŋgazondiidzi Baari. |
|
| 17 |
|
| Nokuti ndicabvisa mazita aʋaBaari mumuromo make, haʋaŋgazozikanwi namazita aʋo. |
|
| 18 |
|
| Nezuʋa iro ndicaʋaitira suŋgano nemhuka dzokusaŋgo, neshiri dzokuɗeŋga, neɀinokambaira ɀapasi; ndicavuna ʋuta nomunondo nehondo panyika, ndiʋaʋatise pasi ʋakaceŋgetwa. |
|
| 19 |
|
| Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokusiŋgaperi; ɀirokwaɀo ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokururama, nokururamisira, noʋunyoro, nenyasha. |
|
| 20 |
|
| Ndicakunyeŋga uʋe waŋgu nokutendeka; ipapo ucaziʋa Jehova. |
|
| 21 |
|
| Ɀino nezuʋa iro ndicapindura — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicapindura ɗeŋga rose, iro ricapindura nyika; |
|
| 22 |
|
| nyika icapindura ɀiyo, newaini itȿa, namafuta; iɀo ɀicapindura Jezreeri. |
|
| 23 |
|
| Ndicaɀisimira iye panyika; ndicamunzwira nyasha, iye wakaŋga asina‐kunzwirwa nyasha; ndicati kunaiʋo ʋakaŋga ʋasi ʋanhu ʋaŋgu: Imi muri ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋacati: Imi muri Mŋari waŋgu. |
|
|
|
|