Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Itiyi kuna vanun'una venyu, “Ama;” nokuhanzvadzi dzenyu, “Ruhama.” |
| 2 |
| Kakavarai namai venyu, kakavarai; nokuti haazi mukadzi wangu, neni handizi murume wake; ngaabvise kufeva kwake pachiso chake, nokupata kwake pakati pamazamu ake; |
| 3 |
| kuti ndirege kumukumurira nguo dzake dzose, ndimuite sezvaakanga akaita nezuva rokuzvarwa kwake, ndimuite serenje, ndimushandure ave nyika yakaoma, ndimuuraye nenyota. |
| 4 |
| Zvirokwazvo handinganzwiri vana vake nyasha, zvavari vana voufeve; |
| 5 |
| nokuti mai vavo vakafeva; vakavabereka vakaita zvinonyadzisa, nokuti vakati, “Ndichatevera vadikani vangu, vanondipa zvokudya zvangu nemvura yangu, namakushe angu neshinda yangu, namafuta angu nezvokunwa zvangu.” |
| 6 |
| Naizvozvo tarira, ndichasosera nzira yako neminzwa, ndichamuvakira rusvingo, kuti arege kuwana nzira dzake. |
| 7 |
| Achatevera vadikani vake, asi haangavabati; achavatsvaka, asi haangavawani; ipapo achati, “Ndichadzokera kumurume wangu wokutanga, nokuti nenguva iyo ndaifara kupfuura zvino.” |
| 8 |
| Nokuti akanga asingazivi kuti ndini ndaimupa zviyo, newaini namafuta, nokumuwanzira sirivha nendarama, zvavaibatira Bhaari nazvo. |
| 9 |
| Saka ndichamutorera zviyo zvangu nenguva yazvo, newaini yangu itsva nenhambo yazvo, ndichabvisa makushe angu neshinda yangu zvaifanira kufukidza kushama kwake. |
| 10 |
| Zvino ndichafukura kunyadzisa kwake pamberi pavadikani vake, hakuna angamurwira paruoko rwangu. |
| 11 |
| Ndichagumisawo mufaro wake wose, nemitambo yake, nenguva dzake dzokugara kwomwedzi, namaSabata ake, newungano dzake dzose dzakatarwa. |
| 12 |
| Ndichaparadza midzambiringa yake nemionde yake, yaaiti, “Ndiwo mubayiro wangu wandakapiwa navadikani vangu; ndichazviita dondo, mhuka dzokusango dzichazvidya. |
| 13 |
| Ndichamuranga nokuda kwamazuva avaBhaari, vaaipisira zvinonhuwira, azvichishonga nezvindori zvake zvenzeve nezvishongo zvake, akatevera vadikani vake, akandikangwanwa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 14 |
| Saka tarirai, ndichamunyengera nokumuisa kurenje, ndichitaura zvinofadza mwoyo wake. |
| 15 |
| Ndichamupa minda yake yemidzambiringa zvichibva ipapo, nomupata waAkori uve mukova wetariro kwaari; achapindura aripo, sapamazuva ousikana hwake, uye sapazuva raakabuda panyika yeIjipiti. |
| 16 |
| Zvino nezuva iro, ndizvo zvinotaura Jehovha, achandiidza Ishi, haungazondiidzi Bhaari. |
| 17 |
| Nokuti ndichabvisa mazita avaBhaari mumuromo make, havangazozikanwi namazita avo. |
| 18 |
| Nezuva iro ndichavaitira sungano nemhuka dzokusango, neshiri dzokudenga, nezvinokambaira zvapasi; ndichavhuna uta nomundo nehondo panyika, ndivavatise pasi vakachengetwa. |
| 19 |
| Ndichakunyenga uve wangu nokusingaperi; zvirokwazvo ndichakunyenga uve wangu nokururama, nokururamisira, nounyoro, nenyasha. |
| 20 |
| Ndichakunyenga uve wangu nokutendeka; ipapo uchaziva Jehovha. |
| 21 |
| Zvino nezuva iro ndichapindura, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichapindura denga rose, iro richapindura nyika; |
| 22 |
| nyika ichapindura zviyo, newaini, namafuta; izvo zvichapindura Jezireri. |
| 23 |
| Ndichazvisimira iye panyika; ndichamunzwira nyasha, iye akanga asina kunzwirwa nyasha; ndichati kuna ivo vakanga vasi vanhu vangu, “Imi muri vanhu vangu,” ivo vachati, “Imi muri Mwari wedu.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/hosea/002.mp3
14
2