Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha akati kwandiri, “Chiendazve, undoda mukadzi anodikanwa nomurume wake, asi chiri chifeve, sezvinoda Jehovha vana VaIsiraeri, kunyangwe vachitsaukira kuna vamwe vamwari, vachida mapundu amazambiringa.” |
| 2 |
| Naizvozvo ndakamutenga namasirivha ane gumi namashanu, nehomeri netereki yebhari; |
| 3 |
| ndikati kwaari, “Uchafanira kundimirira mazuva mazhinji; haufaniri kupata, haufaniri kuva mukadzi womumwe murume; neniwo ndichaita saizvozvo kwauri. |
| 4 |
| Nokuti vana VaIsiraeri vachagara mazuva mazhinji vasina mambo, vasina muchinda, vasina zvibairo, vasina shongwe, vasina efodhi kana terafimi. |
| 5 |
| Pashure vana VaIsiraeri vachadzoka vachitsvaka Jehovha Mwari wavo naDhavhidhi mambo wavo; vachauya kuna Jehovha vachitya, nokuunyoro hwake namazuva okupedzisira.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/hosea/003.mp3
14
3