|
| 1 |
|
| Inzwai shoko raJehovha, imi vaIsraeri, nokuti Jehovha ane mhosva yaari kupa kwamuri imi vagere munyika: “Hapana akatendeka, hapana ane rudo, hapana anoziva Mwari munyika. |
|
| 2 |
|
| Mune kutuka chete, kunyengera nokuuraya, kuba noupombwe; vanoparadza zvose zvinovadzivisa, uye kudeuka kweropa kunotevera kudeuka kweropa. |
|
| 3 |
|
| Nokuda kwaizvozvi nyika inochema, navose vanogara mairi vanoperezeka. Mhuka dzesango neshiri dzedenga nehove dzegungwa zviri kufa. |
|
| 4 |
|
| Asi ngapasava nomunhu anopa mhosva, ngapasava nomunhu anopomera mumwe nokuti vanhu venyu vakafanana neavo vanopomera muprista mhaka. |
|
| 5 |
|
| Imi munogumburwa masikati nousiku, uye vaprofita vanogumburwawo pamwe chete nemi. Saka ndichaparadza mai venyu. |
|
| 6 |
|
| Vanhu vangu vanoparadzwa nokuda kwokushayiwa zivo. “Sezvo maramba zivo, ini ndakurambaiwo savaprista vangu; nokuti makafuratira murayiro waMwari wenyu, ini ndichafuratirawo vana venyu. |
|
| 7 |
|
| Vaprista vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo; vakatsinhanisa kukudzwa nechimwe chinhu chinonyadzisa. |
|
| 8 |
|
| Vanodya zvivi zvavanhu vangu uye vachifarira zvakaipa zvavo. |
|
| 9 |
|
| Uye zvichaitika kuti: Zvakaita vanhu, ndizvo zvichaitawo vaprista. Ndicharanga vose, nokuda kwenzira dzavo uye ndichavapa mubayiro wamabasa avo. |
|
| 10 |
|
| “Vachadya asi havangaguti; vachaita ufeve asi havangawandi, nokuti vakatiza Jehovha kuti vazvipire |
|
| 11 |
|
| kuufeve, newaini yakare neitsva, zvinobvisa kunzwisisa |
|
| 12 |
|
| kwavanhu vangu vanobvunza chifananidzo chedanda uye vanopindurwa netsvimbo yomuti. Mweya woufeve unovatungamirira mukurasika, havana kutendeka kuna Mwari wavo. |
|
| 13 |
|
| Vanobayira pamusoro pamakomo uye vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, pasi pemiouki, mipopura nemiterebhini, pane mimvuri yakanaka. Naizvozvo vanasikana venyu vanotendeukira kuufeve navaroora venyu kuupombwe. |
|
| 14 |
|
| “Handizorangi vanasikana venyu pavanotendeukira kuufeve, kana varoora venyu pavanoita upombwe, nokuti varume pachavo vanoenda kuzvifeve. Uye vanobayira pamwe chete nezvifeve zvapanzvimbo dzinoereswa. Vanhu vasinganzwisisi vachasvika pakuparadzwa. |
|
| 15 |
|
| “Kunyange uchiita upombwe, iwe Israeri, usaita kuti Judha ave nemhosva. “Usaenda kuGirigari; usakwira uchienda kuBheti Avheni. Uye usapika uchiti, ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu!’ |
|
| 16 |
|
| VaIsraeri vakasindimara, setsiru rakasindimara. Ko, zvino Jehovha achavafudza sei samakwayana pamafuro? |
|
| 17 |
|
| Efuremu akabatana nezvifananidzo; musiyei ari oga! |
|
| 18 |
|
| Kunyange zvokunwa zvavo pazvinenge zvapera, vanoramba vachiita ufeve hwavo; vatongi vavo vanoda kwazvo nzira dzinonyadzisa. |
|
| 19 |
|
| Chamupupuri chichavatsvairira kure, uye zvibayiro zvavo zvichavaunzira kunyadziswa. |
|
|
|
|