|
| 1 |
|
| Inzwai shoko raJehovha, “Imi vana VaIsiraeri, nokuti Jehovha ane gakava navanhu vagere munyika ino, nokuti hakuna zvokwadi, kana unyoro, kana kuziva Mwari munyika ino. |
|
| 2 |
|
| Hakuna zvimwe asi kupika, nokunyengera, nokuuraya, nokuba, nokuita upombwe; vanopaza dzimba, kuteura ropa kunoramba kuchitevera kuteura ropa. |
|
| 3 |
|
| Saka nyika ichachema, mumwe nomumwe ageremo achapera simba, pamwechete nemhuka dzesango neshiri dzokudenga; naidzo hove dzegungwa dzichabviswa. |
|
| 4 |
|
| “Ngakurege kuva nomunhu anokakavara kana munhu anotuka; nokuti vanhu vako vakaita savanokakavara nomupristi. |
|
| 5 |
|
| Iwe uchagumburwa masikati, nomuporofita achagumburwawo pamwechete newe usiku; ndichaparadza mai vako. |
|
| 6 |
|
| Vanhu vangu vaparadzwa nokushaiwa zivo; zvawaramba zivo, neni ndichakurambawo, kuti urege kuva mupristi wangu; zvawakanganwa murairo waMwari wako, neniwo ndichakanganwa vana vako. |
|
| 7 |
|
| “Vakati vachiwanda, kunditadzira kwavo kukawandawo, ndichashandura kukudzwa kwavo ndikuite kunyadziswa. |
|
| 8 |
|
| Vakaguta nezvinobva pazvivi zvavanhu vangu, vanopanga nemwoyo yavo zvakaipa zvavo. |
|
| 9 |
|
| “Saka zvakaita vanhu, ndizvo zvichaita mupristiwo; ndichavarova pamusoro penzira dzavo, ndichavaripidzira zvavanobata. |
|
| 10 |
|
| Vachadya, asi havangaguti; vachapata, asi havangawandi, nokuti vakarega kuva nehanya naJehovha. |
|
| 11 |
|
| “Kufeva newaini newaini, itsva, zvinobvisa njere. |
|
| 12 |
|
| Vanhu vangu vanobvunza mano padanda ravo, vanoziviswa netsvimbo yavo; nokuti mweya wokupeva wakavatadzisa, vakapata, ndokurasa Mwari wavo. |
|
| 13 |
|
| Vanobayira pamusoro pamakomo, vanopisira zvinonhuwira pazvikomo, napasi pemioki, nemipopirari, nemiterebhini, nokuti mimvuri yayo yakanaka; naizvozvo vakunda venyu vanopata, mwenga yenyu inofeva. |
|
| 14 |
|
| Handingarovi vakunda venyu kana vachipata, nemwenga yenyu kana ichifeva; nokuti varume vanoenda vari voga nezvifeve, vanobayira navakadzi vanofeva; vanhu vasinganzwisisi vachaparadzwa. |
|
| 15 |
|
| Kunyangwe imi, Isiraeri, muchipata, Judha ngavarege kupara mhaka; musasvika Girigari, musakwira Bhetiavheni, uye musapika, muchiti, ‘NaJehovha mupenyu!’ |
|
| 16 |
|
| “Nokuti Isiraeri vanakoma, setsiru rinokoma; zvino Jehovha achavafudza segwayana panzvimbo mhamhi. |
|
| 17 |
|
| Efuremu anonamatirana nezvifananidzo, muregei. |
|
| 18 |
|
| Zvavanonwa zvinovava; vanoramba vachipata; vabati vavo vanofarira zvikuru zvinonyadzisa. |
|
| 19 |
|
| Mhepo yakavaputira namapapiro ayo; vachanyadziswa nokuda kwezvibairo zvavo. |
|
|
|
|