Bhaibhiri Idzva 2008
|
| 1 |
| “Uyai tidzokere kuna Tenzi nokuti ndiye akatibvambura kudai, kuti atirape; ndiye akadai kutirova, achatisunga maronda. |
| 2 |
| Mushure memazuva kana maviri zvawo achatimutsurudza, mune rechitatu iri achitimutsa kuti tigare zvedu naye. |
| 3 |
| Ngatizivei, ngativavarirei kuziva Tenzi kuuya kwake kuri pachokwadi sokusvika kunoita mambakwedza, achauya kwatiri semvura inonaya semvura yomunhuruka inodiridza nyika. |
| 4 |
| “Ndodiiko nemi vanhu vokwaEfuremu? Ndodiiko ini nemi vanhu vokwaJudha? Rudo rwenyu, rwakaita semhute yemangwanani, sedova zvaro risingatani kunyungudika. |
| 5 |
| Ndokusaka ndakavapanha nevaporofita, ndichivasakadza kuuraya namazwi omuromo wangu. Kutonga kwangu kunoti bha-a kuvheneka sechiedza. |
| 6 |
| Ndinodaro nokuti chandinoda ini, rudo chairwo kwete zvibayiro, uye kuziva Mwari pane kupirwa mipiro yokupisa. |
| 7 |
| “Asi savanhu vakatyora Chitenderano ikoko havana kuva vanhu vakatendeseka kwandiri. |
| 8 |
| Gireadhi iguta ravaiti vezvakaipa, guta revadeuri veropa. |
| 9 |
| Sezvinongoita makororo kuhwandira vanhu ndizvozvo zviri kuitwa navapristi, vanouraya vanhu panzira inoenda Shikemu. Ndozvavanoita chaizvo zvakaipisa. |
| 10 |
| Ndakaona chinhu chakaipisisa muimba yokwaIsiraeri VokwaEfuremu vanoita ufeve vachin'oresa vanhu vokwaIsiraeri, |
| 11 |
| nemiwo vokwaJudha muchakohwa mubayiro wenyu wakakumirirai. Pandichadzosa kutapwa vanhu vangu.” |
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasclb/hosea/006.mp3
14
6