|
| 1 |
|
| Ndichiporesa vokwaIsiraeri, kuipa mwoyo kwevokwaEfuremu kuchaiswa pachena, nezviito zvakaipa zveSamaria zvichange zvichiiswawo pachena nokuti vanoita ujarijari uku mbavha dzinopaza kunze uku, mabhinya achipamba. |
|
| 2 |
|
| Asi havambofungi kuti inini ndinoyeuka zvakaipa zvavo zvose. Zvino zvitadzo zvavo zvakavakomberedza ini ndiri kuzviona zvangu. |
|
| 3 |
|
| “Vanotobata mambo kumeso nouipi hwavo vachibata kumeso machinda nounyengedzi hwavo. |
|
| 4 |
|
| Vose zvavo, imhombwe, dzinoita sehovhoni yapisa, ine mubiki amborega zvake kukuchidzira moto, achimbokanya mukanyiwa kusvikira watutumuka nembiriso. |
|
| 5 |
|
| Pazuva guru ramambo, machinda akarwara nomudumbu, vakabva vadziirwa newaini mambo akatobatana zvake maoko nevashonhi. |
|
| 6 |
|
| Ndinodaro nokuti sokupisa kunoita hovhoni, ivo vanotorwa mwoyo netwavanoronga, usiku hwose zvahwo hasha dzavo dzinorariropfumbuka, mumangwanani umu dzichin'anduka serimi romoto. |
|
| 7 |
|
| Vose zvavo vanopisa sehovhoni vanoparadza vatongi vavo. Madzimambo avo ose akaurayiwa hapana kunyange mumwechete wavo anonamata kwandiri. |
|
| 8 |
|
| “VokwaEfuremu vava kudyidzana nevechirudzi, vokwaEfuremu vava kunge mbodza zvayo yechingwa. |
|
| 9 |
|
| Vatorwa vari kuvasveta simba asi ivo havasi kumbozviziva, vhudzi ravo rava neimvi, asi havasi kuzviziva. |
|
| 10 |
|
| Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri kwavapfukira zvino asi havasi kudzoka kuna Tenzi, Mwari wavo, kunyange kumutsvaka pamusana pezvose izvozvi. |
|
| 11 |
|
| VokwaEfuremu ava vakaita senjiva yakazungaira inoita zvisina musoro, vanoridzira mhere yorubatsiro kuIjipiti pedzepo voenda kuAsiria. |
|
| 12 |
|
| Vachiendako kudaro, ndichati pamusoro pavo mumbure wangu ware ware ndivarakatise seshiri dzedenga ndichivarangira zviito zvavo zvakaipa. |
|
| 13 |
|
| “Zvichavawana zvavo ivo vakatetereka vachibva kwandiri, kuparadzwa ndokwavo, nokuti vakandipandukira. “Kuvanunura, ndaigona zvangu kuvanunura asi vanotaura manyepo nezvangu. |
|
| 14 |
|
| Havanamati kwandiri nemwoyo wose asi vanohwihwidza kuchema vari pamibhedha yavo. Pavanokumbira mbesanwa newaini vanonamata vachizvicheka-cheka muviri vachitondipandukira zvavo. |
|
| 15 |
|
| Kunyange zvazvo, ndiri ini zvangu, ndakavadzidzisa ndichivasimbaradza, asi ivo vakaita bangano rokutondipandukira zvavo. |
|
| 16 |
|
| Vanotendeukira kundonamata Bhaari vachiita souta hwakakombama-kombama. Machinda avo achafa nehondo yebakatwa pamusana pokuzvizuwidza kwavanoita nomuromo wavo. Izvozvi izvi zvichavaita kuti vave chiseko chaicho kunyika yeIjipiti.” |
|
|
|
|