×

Shona SUB Bible 2002

Hosiya 8

1
“Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murairo wangu.
2
Vachadana kwandiri, vachiti, ‘Mwari wangu, isu VaIsiraeri tinokuzivai.’
3
Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera.
4
“Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe.
5
“Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; vachanonoka kusvikira rinhiko kuva vakanaka?
6
Nokuti chinhu ichi chakabvawo kuVaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa–putswa.
7
Nokuti vanodyara mhepo, vachacheka chamupupuri; havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyangwe chikabereka, zvichamedzwa navatorwa.
8
Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikanwi nomunhu.
9
Nokuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira.
10
Zvirokwazvo, kunyangwe vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda.
11
“Efuremu zvaakawanza maatari okutadza nawo, maatari ake akamutadzisa.
12
Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurairo wangu, asi vanoti ndezvavatorwa.
13
Kana zviri zvibairo zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Ijipiti.
14
“Nokuti Isiraeri vakakanganwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.”
Shona SUB Bible 2002
Shona Union Bible Society of Zimbabwe, 2002
:
Sevha Zvinyorwa