Shona SUB Bible 2002
|
| 1 |
| Regai kufara, imi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nokuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubairo wokufeva pamapuriro ose ezviyo. |
| 2 |
| Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera. |
| 3 |
| Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Ijipiti, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria. |
| 4 |
| Havangadiriri Jehovha waini, zvibairo zvavo hazvingamufadzi; zvibairo zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki mumba yaJehovha. |
| 5 |
| Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha? |
| 6 |
| Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi VaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo. |
| 7 |
| “Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru. |
| 8 |
| Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake. |
| 9 |
| “Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhia; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo. |
| 10 |
| “Ndakawana Isiraeri vakaita samazambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kune zvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo. |
| 11 |
| “Kana vari Efuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri. |
| 12 |
| Kunyangwe vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.” |
| 13 |
| Sezvandakatsaura Taya, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo. |
| 14 |
| Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka. |
| 15 |
| “Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira. |
| 16 |
| Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyangwe vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.” |
| 17 |
| Mwari wangu achavarasha, nokuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonasub/hosea/009.mp3
14
9