|
| 1 |
|
| Shoko raJehovha, rakasvika kuna Joere mwanakomana waPetueri. |
|
| 2 |
|
| “Inzwai chinhu ichi, imi vatana, murereke nzeve dzenyu, imi mose mugere munyika ino. Ko zvakadai zvakamboitwa pamazuva enyu, kana pamazuva amadzibaba enyu here? |
|
| 3 |
|
| Udzai vana venyu izvozvo, vana venyu vaudzewo vana vavo, navana vavo vaudze rumwe rudzi runotevera. |
|
| 4 |
|
| Zvakasiyiwa nomuteteni, zvakadyiwa nemhashu; zvakasiyiwa nemhashu, zvakadyiwa negwatakwata; zvakasiyiwa negwatakwata, zvakadyiwa nomupedzachose. |
|
| 5 |
|
| Mukai, imi vakabatwa nedoro, mucheme; ungudzai, imi mose munonwa waini, nemhaka yewaini inonaka, nokuti yabviswa pamiromo yenyu. |
|
| 6 |
|
| Nokuti rumwe rudzi rwasvika panyika yangu, rwakasimba, rusingaverengwi; meno arwo meno eshumba, runa meno makuru eshumbakadzi. |
|
| 7 |
|
| Rwakaparadza muzambiringa wangu, nokuvhuna muonde wangu; rwakausvuura kwazvo, nokuuwisira pasi; matavi awo acheneswa. |
|
| 8 |
|
| Chemai semhandara yakazvisunga chiuno namasaga nokuda kwomurume woumhandara hwayo. |
|
| 9 |
|
| Chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvabviswa paimba yaJehovha; vapristi, ivo vashumiri vaJehovha, vanochema. |
|
| 10 |
|
| Munda waparadzwa, nyika inochema; nokuti zviyo zvaparadzwa, waini itsva yapwa, mafuta apera. |
|
| 11 |
|
| Nyarai imi varimi, ungudzai imi varimi vemizambiringa, nokuda kwezviyo nebhari; nokuti zvakaberekwa neminda zvaparadzwa. |
|
| 12 |
|
| Muzambiringa wasvava, muonde unoshaiwa simba, mutamba nomuchindwewo, nomuapuri, nemiti yose yomunda yaoma; mufaro wavanakomana vavanhu wapera. |
|
| 13 |
|
| Zvisungei zviuno namasaga, mucheme imi vapristi; ungudzai imi vashumiri veatari; uyai muvate usiku hwose makapfeka masaga, imi vashumiri vaMwari wangu; nokuti chipiriso choupfu nechipiriso chinonwiwa zvadziviswa paimba yaMwari wenyu. |
|
| 14 |
|
| Tsaurai zuva rokuzvinyima zvokudya, danai vanhu kuungano yakatarwa, kokerai vakuru navose vagere panyika kuimba yaJehovha Mwari wenyu, mudane kuna Jehovha. |
|
| 15 |
|
| Aiwa, zuva iro here! Nokuti zuva raJehovha rava pedyo, richasvika richiparadza richibva kuna waMasimbaose. |
|
| 16 |
|
| Ko zvokudya hazvina kubviswa pamberi pedu, nomufaro nokufarisisa paimba yaMwari wedu here! |
|
| 17 |
|
| Mbeu dzinoorera pasi pamavhinga adzo; matura aparadzwa, tsapi dzaputswa; nokuti zviyo zvafa. |
|
| 18 |
|
| Zvipfuwo zvinogomera sei! Mapoka emombe akanganiswa, nokuti hazvichina mafuro; zvirokwazvo, mapoka amakwai aparadzwa. |
|
| 19 |
|
| Aiwa, Jehovha, ndinodana kwamuri, nokuti moto wapedza mafuro erenje, murazvo wapisa miti yose yokusango. |
|
| 20 |
|
| Zvirokwazvo, mhuka dzokusango dzinochemera kwamuri, nokuti hova dzemvura dzapwa, uye moto wapedza mafuro erenje. |
|
|
|
|