|
| 1 |
|
| Jehovha akadana Mozisi akataura naye ari muTende Rokusangana akati, |
|
| 2 |
|
| “Taura kuvana vaIsraeri uti kwavari, ‘Kana munhu upi zvake pakati penyu achiuya nechipiriso kuna Jehovha ngaauye nechipiriso chezvipfuwo, zvemombe kana zvamakwai. |
|
| 3 |
|
| “ ‘Kana chipiriso chake chiri chinopiswa chinobva mudanga remombe, ngaape chikono chisina kuremara. Ngaachibayire pamusuo weTende Rokusangana kuti chigamuchirwe pamberi paJehovha. |
|
| 4 |
|
| Anofanira kuisa ruoko rwake pamusoro pechibayiro chinopiswa uye chichagamuchirwa chakamumirira iye kuti chimuyananisire. |
|
| 5 |
|
| Ngaabaye hando diki pamberi paJehovha uye ipapo vanakomana vaAroni vaprista vachauya neropa vagorisasa paaritari kumativi ose pamusuo wokupinda nawo muTende Rokusangana. |
|
| 6 |
|
| Anofanira kuvhiya chipiriso chinopiswa agochicheka kuita zvidimbu zvidimbu. |
|
| 7 |
|
| Vanakomana vaAroni, muprista, vanofanira kuisa moto paaritari vagoronga huni pamoto. |
|
| 8 |
|
| Ipapo vanakomana vaAroni vaprista vacharonga zvidimbu zvenyama, zvichisanganisira musoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari. |
|
| 9 |
|
| Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista agopisa zvose paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chinogadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. |
|
| 10 |
|
| “ ‘Kana chipiriso chiri chinopiswa chinobva muzvipfuwo chiri chegwai kana chembudzi anofanira kupa chikono chisina kuremara. |
|
| 11 |
|
| Ngaachibayire parutivi rwearitari nechokumusoro pamberi paJehovha, vanakomana vaAroni vaprista vagosasa ropa kumativi ose earitari. |
|
| 12 |
|
| Anofanira kucheka nyama muzvidimbu uye muprista achaironga pamwe chete nomusoro namafuta pamusoro pehuni dzinenge dzichipfuta paaritari. |
|
| 13 |
|
| Anofanira kusuka nyama yomukati namakumbo nemvura, uye muprista anofanira kuuyisa zvose agozvipisa pamusoro pearitari. Chibayiro chinopiswa, chibayiro chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. |
|
| 14 |
|
| “ ‘Kana chipiriso chake kuna Jehovha chiri chipiriso chinopiswa cheshiri, ngaape njiva kana hangaiwa ichiri diki. |
|
| 15 |
|
| Muprista achaiisa paaritari agodambura musoro, oipisa paaritari; ropa rayo richaerera parutivi pearitari. |
|
| 16 |
|
| Ngaabvise chihururu neminhenga agozvikanda kumabvazuva kwearitari kunenge kune madota. |
|
| 17 |
|
| Achaibvambura namapapiro ayo asingaiparadzanisi zvachose, muprista agoipisa pahuni dziri pamoto uri paaritari. Chipiriso chinopiswa, chipiriso chakagadzirwa nomoto, chinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. |
|
|
|
|