|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
|
| 2 |
|
| “Taura navana VaIsiraeri, uti kwavari, ‘Ndini Jehovha, Mwari wenyu. |
|
| 3 |
|
| Regai kuita sezvakanga zvichiitwa munyika yeIjipiti mamakanga mugere, uye regai kuita sezvinoitwa panyika yeKenani, kwandichazokuisai; musafamba netsika dzavo. |
|
| 4 |
|
| Itai zvandakatonga ini, chengetai zvirevo zvangu, kuti mufambe mazviri; ndini Jehovha, Mwari wenyu.’ |
|
| 5 |
|
| Naizvozvo chengetai zvirevo zvangu, nezvandakatonga; kana munhu akazviita uchararama nazvo; ndini Jehovha. |
|
| 6 |
|
| “Ngakurege kuva nomunhu unoswedera kuhama yake yomumba, kuti amufukure, ndini Jehovha. |
|
| 7 |
|
| Usafukura baba vako, namai vako; ndimai vako, usavafukura. |
|
| 8 |
|
| Usafukura mukadzi wababa vako; ndiko kufukura baba vako. |
|
| 9 |
|
| Usafukura hanzvadzi yako, mwanasikana wababa vako, kana mwanasikana wamai vako, kana vakaberekerwa mumusha kana vakaberekerwa kumwe. |
|
| 10 |
|
| Usafukura mwanasikana womwanakomana wako, kana mwanasikana womwanasikana wako; nokuti kufukurwa kwavo ndiko kwako. |
|
| 11 |
|
| Usafukura mwanasikana womukadzi wababa vako, wakaberekwa nababa vako, ihanzvadzi yako. |
|
| 12 |
|
| Usafukura vatete vako; ihama yomumba mababa vako. |
|
| 13 |
|
| Usafukura mainini vako, nokuti ihama yomumba mamai vako. |
|
| 14 |
|
| Usafukura babamunini vako, usaswedera kumukadzi wake, ndimainini vako. |
|
| 15 |
|
| Usafukura mukadzi womwanakomana wako, ndimukadzi womwanakomana wako; usamufukura. |
|
| 16 |
|
| Usafukura mukadzi womun'una wako, ndiko kufukurwa kwomwanakomana wako. |
|
| 17 |
|
| Usafukura mukadzi pamwechete nomwanasikana wake; usatora mwanasikana womwanakomana wake, kuti umufukure; ihama dzomumba; zvakashata. |
|
| 18 |
|
| Usatora mukadzi pamwechete nomun'una wake, arwidzane naye, kuti umufukure pamwechete nomumwe achiri mupenyu. |
|
| 19 |
|
| “Usaswedera kumukadzi kuti umufukure, achakaipa nokuva kumwedzi kwake. |
|
| 20 |
|
| Usavata nomukadzi wowokwako, kuti uzvisvibise naye. |
|
| 21 |
|
| Usapa mumwe wavana vako kuti apinde mumoto kuna Moreki, uye usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha. |
|
| 22 |
|
| Usavata nomurume sezvinoitwa nazvo nomukadzi; zvinonyangadza. |
|
| 23 |
|
| Usavata nechipfuwo chipi nechipi kuti uzvisvibise nacho; nomukadzi ngaarege kumira pamberi pechipfuwo kuti arare nacho; zvinonyangadza kwazvo. |
|
| 24 |
|
| “Regai kuzvisvibisa nekuita chinhu chimwe chaizvozvi; nokuti vahedheni vakasvibiswa nezvinhu izvi zvose, ivo vandakadzinga pamberi penyu; |
|
| 25 |
|
| nenyika yakasvibiswa; naizvozvo ndinoirova pamusoro pezvakaipa zvayo, nyika irutse vanhu vageremo. |
|
| 26 |
|
| Naizvozvo imi chengetai mitemo yangu nezvandakatonga, kuti murege kuita chinhu chimwe chaizvozvo zvinonyangadza; kana ari wakaberekerwa munyika yenyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu. |
|
| 27 |
|
| (Nokuti vanhu venyika ino, vakakutangirai, vakaita zvinhu izvi zvose zvinonyangadza, nyika ikasvibiswa;) |
|
| 28 |
|
| kuti nyika irege kukurutsaiwo, kana muchiisvibisa, sezvayakarutsa vanhu vakakutangirai. |
|
| 29 |
|
| Nokuti ani naani unoita chinhu chimwe chaizvozvi zvinonyangadza, vanhu vanozviita vachabviswa pakati porudzi rwavo. |
|
| 30 |
|
| Naizvozvo chengetai zvandakakurairai, kuti murege kuita tsika idzo dzose dzinonyangadza, dzaiitwa musati mavapo, kuti murege kuzvisvibisa nazvo; ndini Jehovha Mwari wenyu.” |
|
|
|
|