|
| 1 |
|
| Tenzi akati kuna Mosesi, |
|
| 2 |
|
| “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Tenzi, Mwari wenyu ndiri mutsvene. |
|
| 3 |
|
| Mumwe nomumwe wenyu ngaaremekedze amai vake nababa vake, achengete maSabata angu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.’ |
|
| 4 |
|
| “Musapindukire kuzvifananidzo. Musagadzire vamwari vokuumba noutare. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. |
|
| 5 |
|
| “Kana mopira chibayiro chemipiro yokuwadzana kuna Tenzi chipirei nomutoo unoita kuti chive chinogamuchirwa. |
|
| 6 |
|
| Ngachidyiwe musi wakarewo wachinenge chapirwa, kana mangwana acho. Zvose zvinenge zvasara zvichiripo kusvikira pazuva retatu ngazvipiswe nomoto. |
|
| 7 |
|
| Kana chikazodyiwa pazuva retatu kunenge kwava kuita chinhu chakaipa kwazvo, hachizogamuchirwa. |
|
| 8 |
|
| Ani naani anochidya imhosva yake nokuti anenge an'oresa chinhu chaTenzi chinoera, munhu iyeyo ngaachekwe ukama nevokwake. |
|
| 9 |
|
| “Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kusvikira kumichetocheto, kana kufuhwa muchitora mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu pakukohwa. |
|
| 10 |
|
| Musabva mafuhwiridza munda wamagirepisi kana kubva manhongerera magirepesi anenge adonhera pasi. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ini Tenzi Mwari wenyu ndini ndinodaro. |
|
| 11 |
|
| “Musabe kana kunyengedzana kana kureva nhema. |
|
| 12 |
|
| Musapike nhema nezita rangu muchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 13 |
|
| “Musabate mumwe wenyu zvakaipa kana kupamba zvinhu zvake. Regai kurara muine mubayiro womushandi usiku hwose kusvikira mangwanani. |
|
| 14 |
|
| Musati kune matsi dai ukawana chinokuwana. Usaisire bofu chinhu chokuripingirisha, unofanira kutya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 15 |
|
| “Pakutonga mhosva tonga usingatsaudzire, usinganyari murombo kana kuremekedza mupfumi, asi unofanira kutonga mhosva nomazvo. |
|
| 16 |
|
| Usafambe-fambe uchiita makuhwa pakati pevekwako. Usapupurire mumwe zvenhema kuti aurayiwe, ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 17 |
|
| Usaite daka uchivenga hama yako mumwoyo mako, asi gara pasi unyatsotaurirana naye urege kuita chitadzo pamusana pake. |
|
| 18 |
|
| Usatsive kana kuita daka uchivenga vamwe vako. Asi ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 19 |
|
| “Chengetai mirao yangu. Zvipfuwo zvenyu ngazvirege kuberekeswa nerumwe rudzi rwezvipfuwo. Musadyare mhando mbiri dzembeu mumunda mumwechete. Musapfeke chipfeko chakagadzirwa pachisanganisirwa machira emhando mbiri. |
|
| 20 |
|
| “Kana murume akaita chakaipa nomuranda wechikadzi iye achangobva mukuroorwa nomumwe murume, asi asati abvisirwa mari yokumutenga kana kumusunungura muuranda, ngavapiwe chirango, asi ngaarege kuurayiwa nokuti mukadzi iyeyo anga achiri muranda. |
|
| 21 |
|
| Murume iyeyo ngaaunze hondohwe yomupiro wake wokuripa mhosva yake kuna Tenzi kumusuo wetendhe rokusanganira, hondohwe yokubvuma mhosva. |
|
| 22 |
|
| Nehondohwe iyoyo yomupiro wokuripa mhosva mupristi ngaaripire kuna Tenzi chitadzo chomunhu iyeyo chaakaita. Chitadzo chaakaita chinobva charegererwa. |
|
| 23 |
|
| “Kana mazosvika kunyika iyoyo mukasima miti yemichero inodyiwa michero iyoyo ichava inorambidzwa kwamuri, hamubvumirwe kuidya kwemakore matatu, ngairege kudyiwa. |
|
| 24 |
|
| Michero yose yainobereka mugore rechina inenge yava michero inoera inenge yava yomupiro wokurumbidza nawo Tenzi. |
|
| 25 |
|
| Asi mugore rechishanu mungadye zvenyu michero yayo. Izvozvi zvose zvinoitirwa kuti michero yenyu iwe. Ndini Tenzi Mwari wenyu ndinodaro. |
|
| 26 |
|
| “Musadye nyama isina kusinzwa. Musaite un'anga hwokududzira mashura kana kubvunza anosvikirwa. |
|
| 27 |
|
| Musachekerere vhudzi renyu reparushaya kana kugera mativi endebvu dzenyu. |
|
| 28 |
|
| Kana mafirwa, musazvichekechekere kana kuzvitaratadzira miviri yenyu izvozvo. Ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 29 |
|
| “Usabvisise mwana wako musikana chimiro uchimuita kuti ave pfambi, nyika ingadaro ikapindwa nomweya woufeve, ikazara kuti kabu nouipi. |
|
| 30 |
|
| Chengetai maSabata angu, muremekedze nzvimbo yangu inoera. Ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 31 |
|
| “Musaende kundobvunza vanosvikirwa kana kundoshopera. Musavatsvake kuti murege kun'oreswa navo. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro. |
|
| 32 |
|
| “Unofanira kuremekedza vachena musoro, ukudze harahwa nechembere, uchitya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro. |
|
| 33 |
|
| Musabata zvakaipa mutorwa agere munyika yenyu. |
|
| 34 |
|
| Zvaunoita kune chizvarwa chomunyika yenyu ndozvamunofanira kuita kune mutorwa. Unofanira kumuda sokuda kwaunozviita iwe pachako nokuti imiwo maiva vatorwa munyika yeIjipiti. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndinodaro. |
|
| 35 |
|
| “Musambotsaudzira zvenyu pakutonga kana pakuera ukuru hwechinhu, kana kurema kwacho, kana uwandi hwezvinhu. |
|
| 36 |
|
| Munofanira kuva nezvokueresa zviri pamwero, zvingave zvokueresa kurema kwechinhu, kana bhagidhi rokueresa musvo, kana zvokuera zvinhu zvakaita mvura mvura. Ndini Tenzi, Mwari wenyu ndakakuburitsai kunyika yeIjipiti ndinodaro. |
|
| 37 |
|
| Munofanira kuchengeta mirao yangu yose nezvirevo zvangu zvose muzviite. Ndini Tenzi ndinodaro.” |
|
|
|
|