|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Rayira vaIsraeri kuti vauye kwauri namafuta akaisvonaka amaorivhi akasvinwa, omwenje, kuitira kuti mwenje irambe ichibvira nguva dzose. |
|
| 3 |
|
| Kunze kwechidzitiro cheChipupuriro muTende Rokusangana, Aroni anofanira kuchengetedza mwenje iyi pamberi paJehovha kubva manheru kusvikira kwaedza, nguva dzose. Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kumarudzi achauya. |
|
| 4 |
|
| Mwenje iri pachigadziko chomwenje chegoridhe rakaisvonaka chiri pamberi paJehovha inofanira kuchengetedzwa nguva dzose. |
|
| 5 |
|
| “Torai upfu hwakatsetseka mugobika zvingwa gumi nezviviri muchishandisa zvikamu zviviri kubva mugumi zveefaa pachingwa chimwe nechimwe. |
|
| 6 |
|
| Zviisei mumitsara miviri, zvitanhatu mumutsara mumwe nomumwe, patafura yegoridhe rakaisvonaka pamberi paJehovha. |
|
| 7 |
|
| Pamutsetse mumwe nomumwe isai zvinonhuwira zvive chirangaridzo chinomirira chingwa uye zvive chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. |
|
| 8 |
|
| Chingwa ichi chinofanira kuiswa pamberi paJehovha nguva dzose, Sabata neSabata zvakamirira vaIsraeri sesungano inogara nokusingaperi. |
|
| 9 |
|
| NdechaAroni navanakomana vake, vanofanira kuchidyira munzvimbo tsvene, nokuti ichi chikamu chitsvenetsvene chezvipiriso zvavo zvenguva dzose zvinoitirwa Jehovha nomoto.” |
|
| 10 |
|
| Zvino mwanakomana wavamwe mai vechiIsraeri uye baba vake vari vechiIjipita, akafamba pakati pavana vaIsraeri, uye mwanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri mumusasa. |
|
| 11 |
|
| Mwanakomana womukadzi muIsraeri akatuka Zita raJehovha nechituko; naizvozvo vakauya naye kuna Mozisi. (Zita ramai vake rainzi Sheromiti, mwanasikana waDhibhiri worudzi rwaDhani.) |
|
| 12 |
|
| Vakamuisa mutorongo kusvikira kuda kwaJehovha kwaiswa pachena kwavari. |
|
| 13 |
|
| Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 14 |
|
| “Tora mutuki uende naye kunze kwomusasa. Vose vakamunzwa vanofanira kuisa maoko avo pamusoro wake uye ungano yose inofanira kumutaka namabwe. |
|
| 15 |
|
| Uti kuvaIsraeri, ‘Kana munhu upi zvake akatuka Mwari wake achava nemhosva; |
|
| 16 |
|
| ani naani anotuka zita raJehovha anofanira kuurayiwa. Ungano yose inofanira kumutaka namabwe. Kunyange ari mutorwa kana chizvarwa chenyu, akatuka Zita raJehovha anofanira kuurayiwa. |
|
| 17 |
|
| “ ‘Ani naani anouraya munhu, anofanira kuurayiwa. |
|
| 18 |
|
| Munhu wose anouraya chipfuwo chomumwe munhu anofanira kuchidzoredzera, upenyu hunotsiviwa noupenyu. |
|
| 19 |
|
| Kana munhu akakuvadza muvakidzani wake, zvose zvaaita zvinofanira kuitwa kwaari. |
|
| 20 |
|
| Kutyora kunotsiviwa nokutyora, ziso rinotsiviwa neziso, zino rinotsiviwa nezino. Sezvaakuvadza mumwe saka naiye anofanira kukuvadzwa. |
|
| 21 |
|
| Ani naani anouraya mhuka anofanira kudzoredzera asi ani naani anouraya munhu anofanira kuurayiwa. |
|
| 22 |
|
| Munofanira kuva nomutemo mumwe chete pamutorwa napachizvarwa chemo. Ndini Jehovha Mwari wako.’ ” |
|
| 23 |
|
| Ipapo Mozisi akataura navaIsraeri, vakatora mutuki vakaenda naye kunze kwomusasa, vakamutaka namabwe akafa. VaIsraeri vakaita sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
|
: |
| 1 | | 2 | | 3 | | 4 | | 5 | | 6 | | 7 | | 8 | | 9 | | 10 | | 11 | | 12 | | 13 | | 14 | | 15 | | 16 | | 17 | | 18 | | 19 | | 20 | | 21 | | 22 | | 23 | 1
1
1 |
|
|---|
|
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/leviticus/024.mp3
27
24