|
| 1 |
|
| “Musazviitira zvifananidzo, kana kuzvimutsira mufananidzo wakavezwa kana shongwe yebwe; musaisa ibwe rinomufananidzo munyika yenyu kuti mupfugamirepo, nokuti ndini Jehovha Mwari wenyu. |
|
| 2 |
|
| Munofanira kuchengeta maSabata angu, nokukudza imba yangu tsvene; ndini Jehovha. |
|
| 3 |
|
| “Kana muchifamba nemitemo yangu, nokuchengeta mirairo yangu, muchiita; |
|
| 4 |
|
| ini ndichakunisirai mvura nenguva yayo, nenyika ichabereka zvibereko zvayo, nemiti yesango ichabereka zvibereko zvayo. |
|
| 5 |
|
| Kupura kwenyu kuchasvika pakukohwa mazambiringa, nokukohwa mazambiringa kuchasvika panguva yokudyara; muchadya zvokudya zvenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makachengeteka. |
|
| 6 |
|
| “Ndichakupai rugare panyika, kuti muvate pasi musingavhunduswi nomunhu; zvikara ndichazvipedza panyika, nomunondo haungapfuuri nomunyika yenyu; |
|
| 7 |
|
| muchadzinga vavengi venyu, vakaparadzwa nomunondo pamberi penyu. |
|
| 8 |
|
| Vashanu venyu vachadzinga vane zana, navane zana venyu vachadzinga vane zviuru zvine gumi, vavengi venyu vachaparadzwa nomunondo pamberi penyu. |
|
| 9 |
|
| Ini ndichakurangarirai, ndichakuberekesai nokukuwanzai; ndichasimbisa sungano yangu nemi. |
|
| 10 |
|
| Muchadya zviyo zvakachangetwa nguva huru, muchafanira kubudisa zvekare kudziurira zvitsva. |
|
| 11 |
|
| Ndichagadza tabhenakeri yangu pakati penyu; mweya wangu haungakusemiyi. |
|
| 12 |
|
| Ndichafamba pakati penyu, ndichava Mwari wenyu, nemi muchava vanhu vangu. |
|
| 13 |
|
| Ndini Jehovha Mwari wenyu, wakakubudisai munyika yeIjipiti, kuti murege kuva vatapwa vavo; ndakavhuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa. |
|
| 14 |
|
| “Asi kana musingadi kunditeerera, musingadi kuita mirairo iyi yose; |
|
| 15 |
|
| kana muchiramba mitemo yangu, kana mweya yenyu ichisema zvandakatonga, kuti murege kuda kuita mirairo yangu yose, asi muchiputsa sungano yangu, |
|
| 16 |
|
| neniwo ndichakuitirai izvi: Ndichauyisa zvinotyisa pamusoro penyu, chirwere chorukosoro nefivhiri zvichaparadza meso nokuwondisa mweya yenyu; muchadyara mbeu yenyu pasina, nokuti vavengi venyu vachazvidya. |
|
| 17 |
|
| Ndichakutongai kuti mukundwe pamberi pavavengi venyu, vanokuvengai vachava vabati venyu; muchatiza kunyangwe kusina munhu unokudzingai. |
|
| 18 |
|
| “Zvino kunyangwe zvakadaro kana musingadi kunditeerera, ndichawedzera kukurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. |
|
| 19 |
|
| Ndichaputsa kuzvikudza kwenyu pamusoro pesimba renyu, denga renyu ndichariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira; |
|
| 20 |
|
| simba renyu richaperera pasina; nokuti nyika yenyu haingabereki zvibereko zvayo, nemiti yenyika haingabereki zvibereko zvayo. |
|
| 21 |
|
| “Kana muchindiramba, musingadi kunditeerera, ndichawedzera kanomwe matambudziko pamusoro pezvivi zvenyu. |
|
| 22 |
|
| Ndichatuma zvikara zvesango pakati penyu, zvichakupedzerai vana venyu, nokuparadza zvipfuwo zvenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzichashaiwa vanhu. |
|
| 23 |
|
| “Zvino kana musingadi kudzorwa neni nezvinhu izvi, asi muchindiramba, |
|
| 24 |
|
| neniwo ndichakurambai; neniwo, ini ndimene, ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. |
|
| 25 |
|
| Ndichauyisa munondo pamusoro penyu, uchatsiva sungano yangu; muchaunganidzwa mumaguta enyu, ini ndichatuma matenda pakati penyu; muchaiswa mumaoko avavengi venyu. |
|
| 26 |
|
| Kana ndichivhuna mudonzvo wenyu wechingwa, vakadzi vane gumi vachabika chingwa muchoto chimwe, vachikudzoserai chingwa chenyu chayerwa; muchadya, asi hamungaguti. |
|
| 27 |
|
| “Zvino kana musingadi naizvozvo zvose kunditeerera, asi muchindiramba, |
|
| 28 |
|
| ipapo neniwo ndichakurambai nokutsamwa kukuru; ndichakurovai kanomwe pamusoro pezvivi zvenyu. |
|
| 29 |
|
| Muchadya nyama yavanakomana venyu, nenyama yavanasikana venyu muchaidya. |
|
| 30 |
|
| Ndichaparadza nzvimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuva, nokukanda zvitunha zvenyu pamusoro pezvitunha zvezvifananidzo zvenyu; mweya wangu uchakusemai. |
|
| 31 |
|
| Ndichaita maguta enyu matongo, nenzvimbo dzenyu tsvene ndichadziparadza, handinganhuwidzi munhuwi wezvinozipa zvenyu. |
|
| 32 |
|
| Ndichaparadza nyika yenyu; vavengi venyu vachagaramo, vachashamiswa nazvo. |
|
| 33 |
|
| Ndichakushandirai pakati pavahedheni, nokuvhomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu ichava renje, maguta enyu achava matongo. |
|
| 34 |
|
| Zvino nyika ichafarira maSabata ayo, panguva yokuparadzwa kwayo, imi muri munyika yavavengi venyu; panguva iyo nyika ichazorora, ichifarira maSabata ayo. |
|
| 35 |
|
| Panguva yose yokuparadzwa kwayo ichazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamaSabata enyu, panguva yamakagaramo. |
|
| 36 |
|
| “Kana vari vamwe venyu vakasara, ndichatuma kutya pamwoyo yavo vari munyika yavavengi vavo; kana vachinzwa shizha richipepereka, vachatiza; vachatiza somunhu unotiza munondo, vachawa kunyangwe kusina munhu unovadzinga. |
|
| 37 |
|
| Vachawirana savanhu vanowa pamberi pomunondo, kusina munhu anovadzinga; hamungavi nesimba rokumira pamberi pavavengi venyu. |
|
| 38 |
|
| Muchanofira pakati pavahedheni, nenyika yavavengi venyu ichakudyai. |
|
| 39 |
|
| Vamwe venyu vakasara vachawonda muzvivi zvavo panyika yavavengi vavo; vachawonda samadzibaba avo akawonda muzvivi zvavo. |
|
| 40 |
|
| Zvino vachazvireurura zvivi zvavo nezvivi zvamadzibaba avo, nokudarika kwavakadarika nako kwandiri, uye zvavakandiramba, |
|
| 41 |
|
| neniwo ndakavaramba, ndikavaisa kunyika yavavengi vavo; zvino kana mwoyo yavo isina kudzingiswa ikazvininipisa, vakatenda kurohwa pamusoro pezvivi zvavo; |
|
| 42 |
|
| ipapo ndicharangarira sungano yangu naJakobho; nesungano yangu naIsaka, nesungano yangu naAbhurahamu, ndichairangarira; nyika ndichairangarirawo. |
|
| 43 |
|
| Nyika ichafanira kusiyiwa navo, kuti icherechedze maSabata ayo iri dongo ivo vasipo; vacharohwa pamusoro pezvivi zvavo, nokuti vakaramba zvandakanga ndatonga, mweya yavo ikasema mitemo yangu. |
|
| 44 |
|
| Kunyangwe zvakadaro, kana vari munyika yavavengi vavo, handingavarashi, handigavasemi, ndivaparadze chose, nokuputsa sungano yangu navo; nokuti ndini Jehovha Mwari wavo; |
|
| 45 |
|
| asi nokuda kwavo ndicharangarira sungano yangu namadziteteguru avo, vandakabudisa munyika yeIjipiti pamberi pavahedheni, kuti ndive Mwari wavo; ndini Jehovha.” |
|
| 46 |
|
| Ndiyo mitemo nezvakatongwa nemirairo yakaitwa naJehovha pakati pake navana VaIsiraeri pagomo reSinai nomuromo waMosesi. |
|
|
|
|