|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha wakataura naMozisi akati, |
|
| 2 |
|
| "Taura navana vaIsiraeri, uti, `Kana munhu akatadza nokusaziva pachinhu chimwe chezvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akaita chimwe chazvo; |
|
| 3 |
|
| kana muprista wakazodzwa akatadza, akapinza vanhu pamhosva, anofanira kuvigira Jehovha nzombe duku isina mhosva, nokuda kwezvivi zvake zvaakatadza, kuti chive chipiriso chezvivi.' |
|
| 4 |
|
| Ngaauye nenzombe duku pamukova wetende rokusangana pamberi paJehovha, aise ruoko rwake pamusoro wenzombe, ndokuuraya nzombe pamberi paJehovha. |
|
| 5 |
|
| Zvino muprista wakazodzwa ngaatore rimwe ropa renzombe, ariise patende rokusangana, |
|
| 6 |
|
| muprista agonyika mumwe wake muropa, ndokusasa rimwe ropa kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro chenzvimbo tsvene. |
|
| 7 |
|
| Zvino muprista aise rimwe ropa pamberi paJehovha panyanga dzearitari yezvinonhuhwira zvakanaka, iri mutende rokusangana, agodurura rimwe ropa rose renzombe mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana. |
|
| 8 |
|
| Zvino ngaabvise mafuta ose enzombe yechipiriso chezvivi, mafuta anofukidza ura, namafuta ose ari pamusoro peura, |
|
| 9 |
|
| netsvo mbiri, namafuta ari pamusoro padzo, ari pachiwuno, namafuta ari pamusoro pechiropa, ngaazvibvise pamwechete netsvo, |
|
| 10 |
|
| sezvaanobviswa panzombe yechipiriso chokuyananisa nacho; zvino muprista ngaazvipise pamusoro pearitari yezvipiriso zvinopiswa. |
|
| 11 |
|
| Debwe renzombe, nenyama yayo yose, pamwechete nomusoro wayo namakumbo ayo, neura hwayo, namazvizvi ayo; |
|
| 12 |
|
| nzombe yose iyo unofanira kuitakurira kunze kwemisasa, pakanaka, panorasirwa madota, ndokuipisira pamusoro pehuni nomoto; ngaipisirwe panorasirwa madota. |
|
| 13 |
|
| "Kana ungano yose yaIsiraeri ikatadza, chinhu icho chikasazikamwa neungano, kana vakaita chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, vakapara mhaka; |
|
| 14 |
|
| kana chivi chavakatadza chikazozikamwa, zvino ungano ngaiuye nenzombe duku, chive chipiriso chezvivi, iwuyiswe pamberi petende rokusangana. |
|
| 15 |
|
| Zvino vakuru veungano ngavaise maoko avo pamusoro wenzombe pamberi paJehovha, nzombe igourawa pamberi paJehovha. |
|
| 16 |
|
| Zvino muprista wakazodzwa ngaauye nerimwe ropa renzombe patende rokusangana, |
|
| 17 |
|
| muprista anyike mumwe wake muropa, arisase kanomwe pamberi paJehovha, pamberi pechidzitiro. |
|
| 18 |
|
| Zvino ngaaise rimwe ropa panyanga dzearitari iri pamberi paJehovha, iri mutende rokusangana; rimwe ropa rose agoridururira mujinga mearitari yezvipiriso zvinopiswa, iri pamukova wetende rokusangana. |
|
| 19 |
|
| Zvino ngaabvise mafuta ose aripo, aapise pamusoro pearitari. |
|
| 20 |
|
| Ndizvo zvaanofanira kuitira nzombe; sezvaakaitira nzombe yechipiriso chezvivi, ndizvo zvaanofanira kuitira iyi; muprista anofanira kuvayananisira, vakangamwirwe. |
|
| 21 |
|
| Zvino unofanira kutakurira nzombe kunze kwemisasa, andoipisa, sezvaakapisa nzombe yokutanga; ndicho chipiriso chezvivi cheungano. |
|
| 22 |
|
| "Kana mukuru akatadza, akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvose zvakarairwa naJehovha Mwari wake kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka; |
|
| 23 |
|
| kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nenhongo yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake. |
|
| 24 |
|
| Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wembudzi, aiuraye panourayirwa chipiriso chinopiswa pamberi paJehovha, chive chipiriso chezvivi. |
|
| 25 |
|
| Zvino muprista ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yechipiriso chinopiswa, nerimwe ropa rayo aridururire muzasi mearitari yechipiriso chinopiswa. |
|
| 26 |
|
| Mafuta ayo ose ngaapiswe pamusoro pearitari, sezvavakaita namafuta echipiriso chokuyananisa; muprista amuyananisire pamusoro pezvivi zvake, akangamwirwe. |
|
| 27 |
|
| "Kana mumwe wavanhu zvavo akatadza akaita nokusaziva chimwe chezvinhu zvakarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa, akapara mhaka; |
|
| 28 |
|
| kana chivi chake chaakatadza akachiziviswa, ngaauye nesheshe yembudzi isina mhosva, chive chipiriso chake pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza. |
|
| 29 |
|
| Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, auraye chipiriso chezvivi panourayirwa chipiriso chinopiswa. |
|
| 30 |
|
| Zvino muprista ngaatore rimwe ropa rayo nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa rayo rose ngaaridururire mujinga mearitari. |
|
| 31 |
|
| Zvino ngaabvise mafuta ayo ose, sezvinobviswa mafuta ezvipiriso zvokuyananisa nazvo, muprista agoapisa pamusoro pearitari, chive chinhu chinonhuhwira zvakanaka kuna Jehovha; muprista anofanira kumuyananisira, akangamwirwe. |
|
| 32 |
|
| "Kana akauya negwayana rokuita naro chipiriso chake chezvivi, ngaauye nesheshe isina mhosva. |
|
| 33 |
|
| Zvino ngaaise ruoko rwake pamusoro wechipiriso chezvivi, agoriuraya panourayirwa chipiriso chinopiswa. |
|
| 34 |
|
| Zvino muprista ngaatore rimwe ropa rechipiriso chezvivi nomumwe wake, ariise panyanga dzearitari yezvipiriso zvinopiswa, asi rimwe ropa raro rose ngaaridururire mujinga mearitari; |
|
| 35 |
|
| zvino ngaabvise mafuta aro ose, sezvinobviswa mafuta egwayana pachibayiro chezvipiriso zvokuyananisa nazvo; muprista aapise pamusoro pearitari sezvinoitwa nezvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; muprista anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, akangamwirwe. |
|
|
|
|