Baiberi Magwaro 1949
|
| 1 |
| Kana munhu akatadza, ari capupu akapikirwa kupupura cinhu caakaʋona, kana caanoziʋa, akasaɗudza, ucaʋa nemhoȿa yake. |
| 2 |
| Kunyaŋge kana munhu akaŋga aɓata cinhu cisakanaka, kana ciri citunha cemhuka isakanaka, kana citunha ceŋombe isakanaka, kana citunha ciɀinokambaira ɀisakanaka, ɀikasazikanwa naye, akaȿiɓiswa, ucaʋa nemhoȿa. |
| 3 |
| Kana akaŋga aɓata ɀisakanaka ɀomunhu, kana ɀiri ɀisakanaka ɀipi neɀipi akaȿiɓiswa naɀo, ɀikasazikanwa naye; kana akazoɀiziʋa, ucaʋa nemhoȿa. |
| 4 |
| Kana munhu akapika nomuromo wake, asiŋgafuŋgi kwaɀo, kundoita ɀakaipa kana kundoita ɀakanaka, cinhu cipi necipi caakapika, asiŋgafuŋgi kwaɀo, cikasazikanwa naye; kana akazociziʋa, ucaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo; |
| 5 |
| ɀino kana akaʋa nemhoȿa kunecimŋe caiɀoɀo, unofanira kuɀireʋurura ɀaakatadza. |
| 6 |
| Ɀino ŋgaaʋuye necipiriso cake cemhoȿa pamberi paJehova pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza, ŋgaiʋe hadzi yeɀipfuwo ɀiɗuku, kana gwaiana kana mbudzana, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; muprista ŋgaamuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀake. |
| 7 |
| Kana asiŋgagoni kuʋuya negwaiana, ŋgaaʋigire Jehova njiʋa mbiri, kana twana tuʋiri twenjiʋa, ciʋe cipiriso cemhoȿa yake yaakatadza; imŋe iʋe cipiriso ceɀiʋi, imŋe cipiriso cinopiswa. |
| 8 |
| Ɀino ŋgaaʋuye nadzo kumuprista, iye ataŋge kuɓaya imŋe yecipiriso ceɀiʋi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa; |
| 9 |
| ɀino ŋgaasase ropa recipiriso ceɀiʋi kurutiʋi rweartari, asi ropa rakasara riȿinirwe mujiŋga meartari; cipiriso ceɀiʋi. |
| 10 |
| Yecipiri ŋgaaite nayo cipiriso cinopiswa, seɀamakarairwa; muprista amuyananisire pamsoro peɀiʋi ɀaakatadza, akaŋganwirwe. |
| 11 |
| Asi kana akasagona kuʋuya nenjiʋa mbiri, kana notwana tuʋiri twenjiʋa, ŋgaaʋuye necipiriso cake pamsoro pokutadza kwake, ciʋe cegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso ceɀiʋi; ŋgaarege kuɗira mafuta pamsoro pabgo, kana kuisa ɀinonhuwira pamsoro pabgo, nokuti cipiriso ceɀiʋi. |
| 12 |
| Ɀino ŋgaaʋuye nabgo kumuprista, muprista atsamure tsama imŋe yabgo, ciʋe cokuraŋgaridza caco; ɀino ŋgaabguise pamsoro peartari, seɀinoitwa neɀimŋe ɀipiriso ɀaJehova ɀinoitwa nomŋoto; cipiriso ceɀiʋi. |
| 13 |
| Muprista unofanira kumuyananisira pamsoro peɀiʋi ɀake ɀaakatadza pacinhu cimŋe caiɀoɀo, akaŋganwirwe. Ɀakasara ŋgaɀiʋe ɀomuprista, seɀinoitwa necipiriso coʋupfu. |
| 14 |
| Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: |
| 15 |
| Kana munhu akaɗarika, akatadza nokusaziʋa paɀinhu ɀitȿene ɀaJehova, ŋgaaʋuye kunaJehova necipiriso cemhoȿa yake, cegondobge risinemhoȿa ramakwai ake, ucimutarira mashekeri esirveri ucienzanisa neshekeri rapanɀimbo tȿene; ciʋe cipiriso cemhoȿa. |
| 16 |
| Ŋgaatsiʋe cinhu caakatadza pacinhu citȿene, awedzere paciri cimŋe ceshanu caco, acipe muprista, muprista agomuyananisira negondobge recipiriso cemhoȿa, akaŋganwirwe. |
| 17 |
| Kana munhu akatadza, akaita cinhu cimŋe ceɀinhu ɀakaŋga ɀarairwa naJehova kuti ɀirege kuitwa; kunyaŋge asina‐kuziʋa, unemhoȿa, mhaka unayo. |
| 18 |
| Ŋgaaʋuye kumuprista negondobge ramakwai ake risinemhoȿa, seɀaunofuŋga iwe, ciʋe cipiriso cemhoȿa, muprista agomuyananisira pamsoro pecinhu caakaŋga atadza nokusaziʋa, asiŋgaɀiʋi, akaŋganwirwe. |
| 19 |
| Cipiriso cemhoȿa; ɀirokwaɀo unemhoȿa pamberi paJehova. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona1949/leviticus/005.mp3
27
5