Shona Bible 2002
|
| 1 |
| “Kana munhu akatadza, ari chapupu akapikirwa kupupura chinhu chaakaona, kana chaanoziva, akasadudza, achava nemhosva yake. |
| 2 |
| “Kunyange kana munhu akanga abata chinhu chisakanaka, kana chiri chitunha chemhuka isakanaka, kana chitunha chemombe isakanaka, kana chitunha chezvinokambaira zvisakanaka, zvikasazikanwa naye, akasvibiswa, achava nemhosva. |
| 3 |
| “Kana akanga abata zvisakanaka zvomunhu, kana zviri zvisakanaka zvipi nezvipi akasvibiswa nazvo, zvikasazikanwa naye; kana akazozviziva, achava nemhosva. |
| 4 |
| “Kana munhu akapika nomuromo wake, asingafungi kwazvo, kundoita zvakaipa kana kundoita zvakanaka, chinhu chipi nechipi chaakapika, asingafungi kwazvo, chikasazikanwa naye; kana akazochiziva, achava nemhosva kune chimwe chaizvozvo; |
| 5 |
| zvino kana akava nemhosva kune chimwe chaizvozvo, anofanira kuzvireurura zvaakatadza. |
| 6 |
| “Zvino ngaauye nechipiriso chake chemhosva pamberi paJehovha pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza, ngaive hadzi yezvipfuwo zviduku, kana gwayana kana mbudzana, chive chipiriso chezvivi; mupristi ngaamuyananisire pamusoro pezvivi zvake. |
| 7 |
| “Kana asingagoni kuuya negwayana, ngaavigire Jehovha njiva mbiri, kana twana tuviri twenjiva, chive chipiriso chemhosva yake yaakatadza; imwe ive chipiriso chezvivi, imwe chipiriso chinopiswa. |
| 8 |
| Zvino ngaauye nadzo kumupristi, iye atange kubaya imwe yechipiriso chezvivi, agure musoro wayo pamutsipa, asi arege kuiparadzanisa; |
| 9 |
| zvino ngaasase ropa rechipiriso chezvivi kurutivi rweatari, asi ropa rakasara risvinirwe mujinga meatari; chipiriso chezvivi. |
| 10 |
| Yechipiri ngaaite nayo chipiriso chinopiswa, sezvamakarairwa; mupristi amuyananisire pamusoro pezvivi zvaakatadza, akanganwirwe. |
| 11 |
| “Asi kana akasagona kuuya nenjiva mbiri, kana notwana tuviri twenjiva, ngaauye nechipiriso chake pamusoro pokutadza kwake, chive chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso chezvivi; ngaarege kudira mafuta pamusoro pahwo, kana kuisa zvinonhuwira pamusoro pahwo, nokuti chipiriso chezvivi. |
| 12 |
| Zvino ngaauye nahwo kumupristi, mupristi atsamure tsama imwe yahwo, chive chokurangaridza chacho; zvino ngaahwuise pamusoro peatari, sezvinoitwa nezvimwe zvipiriso zvaJehovha zvinoitwa nomoto; chipiriso chezvivi. |
| 13 |
| Mupristi anofanira kumuyananisira pamusoro pezvivi zvake zvaakatadza pachinhu chimwe chaizvozvo, akanganwirwe. Zvakasara ngazvive zvomupristi, sezvinoitwa nechipiriso choupfu.” |
| 14 |
| Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, |
| 15 |
| “Kana munhu akadarika, akatadza nokusaziva pazvinhu zvitsvene zvaJehovha, ngaauye kuna Jehovha nechipiriso chemhosva yake, chegondohwe risina mhosva ramakwai ake, uchimutarira mashekeri esirivha uchienzanisa neshekeri rapanzvimbo tsvene; chive chipiriso chemhosva. |
| 16 |
| Ngaatsive chinhu chaakatadza pachinhu chitsvene, awedzere pachiri chimwe cheshanu chacho, achipe mupristi, mupristi agomuyananisira negondohwe rechipiriso chemhosva, akanganwirwe. |
| 17 |
| “Kana munhu akatadza, akaita chinhu chimwe chezvinhu zvakanga zvarairwa naJehovha kuti zvirege kuitwa; kunyange asina kuziva, une mhosva, mhaka unayo. |
| 18 |
| Ngaauye kumupristi negondohwe ramakwai ake risina mhosva, sezvaunofunga iwe, chive chipiriso chemhosva, mupristi agomuyananisira pamusoro pechinhu chaakanga atadza nokusaziva, asingazivi, akanganwirwe. |
| 19 |
| Chipiriso chemhosva; zvirokwazvo une mhosva pamberi paJehovha.” |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/leviticus/005.mp3
27
5