Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
| 2 |
| “Kana mumwe akatadza uye akasavimbika kuna Jehovha nokunyengedza muvakidzani wake pazvinhu zvaakachengeteswa, kana zvaakabatiswa kana zvakabiwa, kana kuti akamubiridzira, |
| 3 |
| kana kuti akawana nhumbi dzakarasika akareva nhema pamusoro padzo, kana kuti akapika nhema kana kuti akaita chivi chipi zvacho chingaitwa navanhu, |
| 4 |
| kana akatadza kudaro akava nemhosva, anofanira kudzosa zvaakaba kana zvaakatora nokumanikidza, kana kuti zvaakachengeteswa kana kuti zvakarasika zvaakawana, |
| 5 |
| kana kuti chipi zvacho chaakapupura nhema pamusoro pacho. Anofanira kudzorera zvakazara owedzera chikamu chimwe chete kubva muzvishanu pazviri agopa zvose kumuridzi pazuva raanouya nechipiriso chemhosva. |
| 6 |
| Somuripo anofanira kuuyisa kumuprista, ndiko kuti kuna Jehovha, chipiriso chake chemhosva chegondohwe, kubva mumakwai, risina kuremara uye rine mutengo unokwanirana. |
| 7 |
| Nenzira iyi muprista achamuyananisira pamberi paJehovha uye acharegererwa pane zvose zvaakaita zvakamuita kuti ave nemhosva.” |
| 8 |
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
| 9 |
| “Ipa Aroni navanakomana vake murayiro uyu uti, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chinopiswa: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuramba chiri pachoto paaritari usiku hwose, kusvikira mangwanani, uye moto unofanira kuramba uchibvira paaritari. |
| 10 |
| Ipapo muprista achapfeka hanzu dzake dzomucheka, nebhurukwa rake romucheka pamuviri wake, uye achabvisa madota echipiriso chinopiswa nomoto paaritari agoaisa parutivi pearitari. |
| 11 |
| Ipapo anofanira kubvisa nguo idzi ogopfeka dzimwe, uye ogotakura madota aya agoenda nawo kunze kwomusasa kunzvimbo yakacheneswa. |
| 12 |
| Moto uri paaritari unofanira kuramba uchibvira, haufaniri kudzima. Mangwanani oga oga muprista anofanira kuwedzera huni agoronga chipiriso chinopiswa pamoto, agopisa mafuta ezvipiriso zvokuwadzana pairi. |
| 13 |
| Moto unofanira kuramba uchibvira paritari nguva dzose; uye haufaniri kudzima. |
| 14 |
| “ ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chezviyo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha, pamberi pearitari. |
| 15 |
| Muprista anofanira kutora tsama youpfu hwakatsetseka namafuta, pamwe chete nezvinonhuwira zvose pachipiriso chezviyo agopisa chikamu chechirangaridzo paaritari sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. |
| 16 |
| Aroni navanakomana vake vachadya zvinosara zvacho, asi zvinofanira kudyiwa zvisina mbiriso panzvimbo tsvene, vanofanira kuzvidyira muchivanze cheTende Rokusangana. |
| 17 |
| Hazvifaniri kubikwa nembiriso, ndazvipa kwavari sechikamu chezvibayiro zvinoitwa kwandiri nomoto. Sechipiriso chezvivi nechipiriso chemhosva, zvitsvene tsvene. |
| 18 |
| Munhurume wose wechizvarwa chaAroni anogona kuzvidya. Chikamu chake chaanofanira kugara achiwana pazvipiriso zvinopiwa kuna Jehovha nomoto kumarudzi achatevera. Munhu wose achabata izvi achava mutsvene.’ ” |
| 19 |
| Uye Jehovha akati kuna Mozisi, |
| 20 |
| “Ichi ndicho chibayiro chaAroni navanakomana vake chavanofanira kuuyisa kuna Jehovha pazuva raanozodzwa: chegumi cheefaa youpfu hwakatsetseka sechipiriso chezviyo chamazuva ose, hafu yacho mangwanani neimwe hafu manheru. |
| 21 |
| Zvibikei namafuta mugango. Muuye nazvo zvakasanganiswa zvakanaka mugouya nechipiriso chezviyo chakamedurwa-medurwa sezvinonhuwira zvinofadza kuna Jehovha. |
| 22 |
| Mwanakomana achamutevera somuprista akazodzwa achazvigadzira. Chikamu chamazuva ose chaJehovha uye chinofanira kupiswa chose. |
| 23 |
| Zvose zvipiriso zvezviyo zvomuprista zvichapiswa chose, hazvifaniri kudyiwa.” |
| 24 |
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
| 25 |
| “Uti kuna Aroni navanakomana vake, ‘Iyi ndiyo mirayiro yechipiriso chechivi. Chipiriso chechivi chinofanira kubayiwa pamberi paJehovha panzvimbo inobayirwa chipiriso chinopiswa; chitsvene-tsvene. |
| 26 |
| Muprista anopa izvozvo achazvidya; zvinofanira kudyirwa panzvimbo tsvene muchivanze cheTende Rokusangana. |
| 27 |
| Chose chinogunzva nyama chichava chitsvene, uye kana rimwe ropa rikawira panguo, unofanira kuisukira panzvimbo tsvene. |
| 28 |
| Hari yevhu inobikirwa nyama inofanira kuputswa; asi kana zvikabikwa mupoto yendarira, poto inofanira kukweshwa igosukurudzwa nemvura. |
| 29 |
| Murume wose ari mumhuri yomuprista anogona kuidya; itsvene-tsvene. |
| 30 |
| Asi chipiriso chechivi, chipi nechipi chine ropa richauyiswa muTende Rokusangana kuti rizoyananisira muNzvimbo Tsvene, hachifaniri kudyiwa; chinofanira kupiswa. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/leviticus/006.mp3
27
6