|
| 1 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
|
| 2 |
|
| “Kana munhu akatadza, akadarika murairo waJehovha, akanyengera wokwake pachinhu chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga chaiswa paruoko rwake, kana pakumubira, kana pakumanikidza wokwake; |
|
| 3 |
|
| kana akanonga chakanga charashika, akanyengera pachiri, akapika nhema; pachinhu chipi nechipi chazvose izvo, kana munhu achinge aita akatadza pachiri; |
|
| 4 |
|
| zvino kana akatadza, ane mhosva, anofanira kudzosa chaakanga atora nokuba, kana chaakanga awana nokumanikidza, kana chaakanga apiwa kuchengeta, kana chakanga charashika akachinonga; |
|
| 5 |
|
| kana chinhu chipi nechipi chaakanga apika nhema pamusoro pacho; ngaachidzose chose, awedzere kwachiri cheshanu chacho, achipe muridzi wacho nomusi waanowanikwa kuti ane mhosva. |
|
| 6 |
|
| Anofanira kuuya kumupristi nechipiriso chemhosva yake kuna Jehovha, chehondohwe yamakwai ake isina chipomerwa, sezvaunotara iwe, chive chipiriso chemhosva; |
|
| 7 |
|
| zvino mupristi amuyananisire pamberi paJehovha, akanganwirwe pamusoro pemhosva ipi neipi yaakaita.” |
|
| 8 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
|
| 9 |
|
| “Raira Aroni navanakomana vake, uti, ‘Murairo wechipiriso chinopiswa ndiwo: Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvata pachoto pamusoro peatari usiku hwose kusvikira mangwanani, moto urambe uchipfuta pamusoro pacho.’ |
|
| 10 |
|
| Zvino mupristi ngaafuke nguo yake yomucheka, nokufukawo bhurukwa rake romucheka pamuviri wake, abvise madota echipiriso chinopiswa, chapiswa nomoto paatari, aaise parutivi rweatari. |
|
| 11 |
|
| Zvino ngaabvise nguo dzake, afuke dzimwe nguo, agotakurira madota kunze kwemisasa panzvimbo yakanaka. |
|
| 12 |
|
| Moto paatari unofanira kuramba uchipfuta pamusoro payo, haufaniri kudzima; mupristi anofanira kubatidza huni pamusoro payo mangwanani ose; zvino ngaagadzire chipiriso chinopiswa pamusoro payo, apise mafuta ezvipiriso zvokuyananisa pamusoro payo. |
|
| 13 |
|
| Moto ngaurambe uchipfuta pamusoro peatari nguva dzose, urege kudzima. |
|
| 14 |
|
| “Murairo wechipiriso choupfu ndiwo: Vanakomana vaAroni vanofanira kuuya nacho pamberi paJehovha paatari. |
|
| 15 |
|
| Zvino ngaatsamure tsama imwe yake youpfu, namamwe mafuta acho, nezvinonhuwira zvose zviri pamusoro pechipiriso choupfu, azvipise pamusoro peatari, chive chinonhuwira zvakanaka, chokurangaridza chacho, kuna Jehovha. |
|
| 16 |
|
| Zvakasara zvacho ngazvidyiwe naAroni navanakomana vake; zvidyiwe zvisina mbiriso panzvimbo tsvene; ngavazvidye paruvanze rwetende rokusangana. |
|
| 17 |
|
| Ngachirege kubikwa nembiriso; ndakachipa semugove wavo wezvipiriso zvangu zvinoitwa nomoto; chinhu chitsvene kwazvo, sechipiriso chezvivi, nechipiriso chemhosva. |
|
| 18 |
|
| Varume vose kuvana vaAroni ngavazvidye, uve murairo usingaperi kusvikira kumarudzi enyu ose pazvipiriso zvose zvaJehovha zvinoitwa nomoto; munhu upi noupi unozvibata, uchava mutsvene.” |
|
| 19 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
|
| 20 |
|
| “Ndicho chipo chaAroni nechavanakomana vake chavanofanira kupa Jehovha nomusi waanozodzwa nawo: Chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu nguva dzose, hafu yacho mangwanani, hafu yacho madekwana. |
|
| 21 |
|
| Ngachibikwe namafuta mugango; kana chaibva, uuye nacho; unofanira kuuya nechipiriso choupfu zvimedu–zvimedu zvakakangwa, chive chinhu chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. |
|
| 22 |
|
| Mupristi unozodzwa panzvimbo yake pakati pavanakomana vake, ndiye anofanira kuuya nacho; uve mutemo usingaperi kuti chipisirwe Jehovha chose. |
|
| 23 |
|
| Chipiriso chimwe nechimwe choupfu chomupristi chinofanira kupiswa chose; hachifaniri kudyiwa.” |
|
| 24 |
|
| Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, |
|
| 25 |
|
| “Taura naAroni navanakomana vake uti, ‘Murairo wechipiriso chezvivi ndiwo: Panourayiwa chipiriso chinopiswa ndipo panofanira kuurayirwawo chipiriso chezvivi pamberi paJehovha; chitsvene kwazvo.’ |
|
| 26 |
|
| Mupristi unochibayira pamusoro pezvivi, ndiye anofanira kuchidya; chinofanira kudyiwa panzvimbo tsvene, paruvanze rwetende rokusangana. |
|
| 27 |
|
| Chinhu chipi nechipi chinogunzva nyama yacho chichava chitsvene; kana rimwe ropa racho rikadonhera panguo ipi neipi, unofanira kusuka icho chakadonherwa naro panzvimbo tsvene. |
|
| 28 |
|
| Asi hari yevhu mayakabikirwa, inofanira kuputswa; kana yakabikwa muhari yendarira inofanira kukwizwa nokusukurudzwa nemvura. |
|
| 29 |
|
| Zvino varume vose kuvapristi vanofanira kuchidya; chitsvene kwazvo. |
|
| 30 |
|
| Zvipiriso zvose zvezvivi, kana rimwe ropa razvo rakaiswa mutende rokusangana kuzoyananisira panzvimbo tsvene, ngazvirege kudyiwa; zvinofanira kupiswa nomoto. |
|
|
|
|