Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, |
| 2 |
| “Tora Aroni, navanakomana vake, nenguo, namafuta okuzodza nawo, nenzombe yechipiriso chezvivi, namakondohwe maviri nedengu rezvingwa zvisina kuviriswa; |
| 3 |
| uunganidze ungano yose pamukova wetende rokusangana.” |
| 4 |
| Mosesi akaita sezvaakarairwa naJehovha, ungano ikaunganidzwa pamukova wetende rokusangana. |
| 5 |
| Zvino Mosesi akati kuungano, “Ndizvo zvakarairwa naJehovha kuti zviitwe.” |
| 6 |
| Mosesi akauya naAroni navanakomana vake, akavashambidza nemvura, |
| 7 |
| akamufukidza jasi, ndokumusunga chiuno nebhanhire, akamufukidza nguo, akamuisa efodhi, nokumusunga chiuno nebhande reefodhi rakarukwa nouchenjeri, ndokurisungira kwaari naro. |
| 8 |
| Akamuisa hombodo yechipfuva, ndokuisa Urimi neTumimi muhombodo yechipfuva. |
| 9 |
| Akaisawo ngowani pamusoro wake; pangowani nechemberi akaisa hwendefa rendarama, ndiyo korona tsvene; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
| 10 |
| Zvino Mosesi akatora mafuta okuzodza nawo, akazodza tabhenakeri, nezvose zvakanga zvirimo, akazvitsaura. |
| 11 |
| Akasasa mamwe kanomwe paatari, nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira, nechigadziko chawo, kuti azvitsaure. |
| 12 |
| Akadirawo mamwe mafuta okuzodza nawo pamusoro waAroni, akamuzodza kuti amutsaure. |
| 13 |
| Ipapo Mosesi akauya navanakomana vaAroni, akavafukidza majasi, akavasunga zviuno namabhanhire, akavaisa ngowani, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
| 14 |
| Akauya nenzombe yechipiriso chezvivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wenzombe yechipiriso chezvivi; |
| 15 |
| akaibaya; Mosesi ndokutora ropa, ndokuriisa panyanga dzeatari kunhivi dzose nomunwe wake, akanatsa atari, ndokudururira ropa mujinga meatari, akaitsaura, kuti aiyananisire. |
| 16 |
| Akatora mafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, Mosesi akazvipisa paatari. |
| 17 |
| Asi nzombe nedehwe rayo, nenyama yayo, namazvizvi ayo, wakazvipisa nomoto kunze kwemisasa, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
| 18 |
| Akauya negondohwe rechipiriso chinopiswa; Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe. |
| 19 |
| Akariuraya; Mosesi akasasa ropa pamusoro peatari kunhivi dzose. |
| 20 |
| Akagura-gura gondohwe, Mosesi akapisa musoro nenhindi namafuta. |
| 21 |
| Akasuka ura namakumbo nemvura, Mosesi akapisa gondohwe rose paatari, chikava chipiriso chinopiswa chainhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
| 22 |
| Zvino akauyawo nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza naro, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wegondohwe. |
| 23 |
| Akaribaya, Mosesi akatora rimwe ropa raro, akariisa pamucheto wezasi wenzeve yaAroni yorudyi, napagunwe roruoko rwake rworudyi, napagunwe rorutsoka rwake rworudyi. |
| 24 |
| Akauyisa vanakomana vaAroni, Mosesi akaisa rimwe ropa pamicheto yezasi yenzeve dzavo dzorudyi, napamagunwe amaoko avo orudyi, napamagunwe etsoka dzavo dzorudyi; Mosesi akasasa ropa pamusoro peatari kunhivi dzose. |
| 25 |
| Akatora mafuta nebhemhe, namafuta ose akanga ari pamusoro poura, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa, netsvo mbiri, namafuta adzo, nebandauko rorudyi; |
| 26 |
| akatora mudengu rezvingwa zvisina kuviriswa, zvaiva pamberi paJehovha, chingwa chimwe chiduku chisina kuviriswa, nechingwa chimwe chiduku chezvingwa zvakazodzwa mafuta, nechingwa chitete chimwe, akazviisa pamusoro pamafuta, napamusoro pebandauko rorudyi; |
| 27 |
| akaisa zvose pamaoko aAroni, napamaoko avanakomana vake, akazvizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa. |
| 28 |
| Ipapo Mosesi akazvitora zvose pamaoko ake, akazvipisa paatari pamusoro pechipiriso chinopiswa; zvikava zvokugadza nazvo, zvikanhuwira zvakanaka; chikava chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto. |
| 29 |
| Zvino Mosesi akatora chityu akachizunguzira pamberi paJehovha, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa; ndiwo waiva mugove waMosesi pagondohwe rokugadza naro; sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
| 30 |
| Ipapo Mosesi akatora mamwe mafuta okuzodza nawo, nerimwe ropa rakanga riri paatari, akarisasa pamusoro paAroni napamusoro penguo dzake, napamusoro pavanakomana vake, napamusoro penguo dzavanakomana vake pamwechete naye; akatsaura Aroni nenguo dzake, navanakomana vake, nenguo dzavanakomana vake pamwechete naye. |
| 31 |
| Mosesi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamukova wetende rokusangana, muidyirepo nechingwa chiri mudengu rokugadza naro, sezvandakaraira ndichiti, Aroni navanakomana vake vanofanira kuzvidya.’ |
| 32 |
| Asi zvakasara zvenyama nechingwa munofanira kuzvipisa nomoto. |
| 33 |
| Musabuda pamukova wetende rokusangana mazuva manomwe, kusvikira mazuva okugadza kwenyu apera; nokuti iye uchakugadzai mazuva manomwe. |
| 34 |
| Sezvakaitwa zuva ranhasi, Jehovha wakaraira kuti zviitwe saizvozvo, kuti muyananisirwe. |
| 35 |
| Garai pamukova wetende rokusangana masikati nousiku mazuva manomwe, muchengete zvamakarairwa naJehovha, kuti urege kufa; nokuti ndizvo zvandakarairwa.” |
| 36 |
| Zvino Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakanga zvarairwa naJehovha nomuromo waMosesi. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/leviticus/008.mp3
27
8