|
| 1 |
|
| Jehovha akati kuna Mozisi, |
|
| 2 |
|
| “Uya naAroni navanakomana vake, nguo dzavo, mafuta okuzodza nawo, hando yechipiriso chechivi, makondohwe maviri nedengu rine chingwa chisina mbiriso, |
|
| 3 |
|
| ugounganidza ungano yose pamusuo weTende Rokusangana.” |
|
| 4 |
|
| Mozisi akaita sezvaakaudzwa naJehovha, uye ungano ikaungana pamusuo weTende Rokusangana. |
|
| 5 |
|
| Mozisi akati kuungano, “Izvi ndizvo zvarayirwa naJehovha kuti zviitwe.” |
|
| 6 |
|
| Ipapo Mozisi akauya naAroni navanakomana vake mberi akavashambidza nemvura. |
|
| 7 |
|
| Akapfekedza Aroni nguo akamusunga bhanire, akamupfekedza jasi, uye akamupfekedza efodhi. Akasungirirawo efodhi paari nebhande rakasonwa nounyanzvi; saka rakasungirirwa paari. |
|
| 8 |
|
| Akaisa chidzitiro chepachipfuva paari uye akaisa Urimi neTumimi pachidzitiro chepachipfuva. |
|
| 9 |
|
| Ipapo akaisa ngowani pamusoro waAroni, nechemberi akaisa hwendefa regoridhe, iyo korona tsvene, sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 10 |
|
| Ipapo Mozisi akatora mafuta okuzodza akazodza tabhenakeri nezvose zvakanga zvirimo, naizvozvo akazvitsaura. |
|
| 11 |
|
| Akasasa mamwe mafuta paaritari kanomwe, achizodza aritari nemidziyo yayo yose nedhishi nechigadziko charo kuti azvitsaure. |
|
| 12 |
|
| Akadurura mamwe mafuta okuzodza pamusoro waAroni, akamuzodza achimutsaura. |
|
| 13 |
|
| Ipapo akauya navanakomana vaAroni mberi, akavapfekedza nguo, akavasunga zviuno namabhanire akavapfekedza ngowani mumusoro sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 14 |
|
| Akazouya nehando yechipiriso chechivi, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro wayo. |
|
| 15 |
|
| Mozisi akabaya hando akatora rimwe ropa rayo, akariisa panyanga dzose dzearitari kuti achenese aritari. Akadurura rimwe ropa rose mujinga mearitari. Naizvozvo akaitsaura kuti aiyananisire. |
|
| 16 |
|
| Mozisi akatora mafuta ose akanga akafukidza nhengo dzomukati, akanga akafukidza chiropa, neitsvo mbiri namafuta adzo, akazvipisa paaritari. |
|
| 17 |
|
| Asi hando nedehwe rayo nenyama nezvomukati akazvipisa kunze kwomusasa sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 18 |
|
| Akauya zvino negondohwe sechipiriso chinopiswa, Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro. |
|
| 19 |
|
| Ipapo Mozisi akauraya gondohwe akasasa ropa raro paaritari kumativi ose. |
|
| 20 |
|
| Akacheka gondohwe kuita zvidimbu uye akapisa musoro, zvidimbu namafuta. |
|
| 21 |
|
| Akasuka ura namakumbo nemvura uye akapisa gondohwe rose paaritari sechipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 22 |
|
| Akauya zvino nerimwe gondohwe, gondohwe rokugadza, uye Aroni navanakomana vake vakaisa maoko avo pamusoro waro. |
|
| 23 |
|
| Mozisi akauraya gondohwe akatora rimwe ropa raro akariisa pamucheto wenzeve yaAroni yokurudyi napamunwe wake woruoko rwokurudyi napagunwe guru retsoka yake yokurudyi. |
|
| 24 |
|
| Mozisi akauyawo navanakomana vaAroni mberi akaisa ropa pamucheto wezasi wenzeve dzavo dzokurudyi, paminwe mikuru yamaoko avo okurudyi napazvigunwe zvikuru zvamakumbo avo okurudyi. Akasasa ropa paaritari kumativi ose. |
|
| 25 |
|
| Akatora mafuta, chimuswe chakakora, mafuta ose akafukidza ura, akafukidza chiropa, itsvo mbiri namafuta adzo nechidya chokurudyi. |
|
| 26 |
|
| Ipapo kubva mudengu rechingwa chisina mbiriso raiva pamberi paJehovha, akatora chingwa, keke rakabikwa namafuta nekeke dete, akaisa izvi panzvimbo dzina mafuta pamusoro pebandauko rokurudyi. |
|
| 27 |
|
| Akaisa zvose mumaoko aAroni neevanakomana vake uye vakazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira. |
|
| 28 |
|
| Ipapo Mozisi akazvitora kubva mumaoko avo akazvipisa paaritari pamusoro pechipiriso chinopiswa sechipiriso chokugadza, chinonhuwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. |
|
| 29 |
|
| Akatorawo chityu, mugove waMozisi pagondohwe rokugadza akazvininira kuna Jehovha sechipiriso chokuninira sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. |
|
| 30 |
|
| Ipapo Mozisi akatora mamwe mafuta okuzodza nerimwe ropa kubva paaritari akarisasa pana Aroni navanakomana vake nenguo dzavo. Saizvozvo, akatsaura Aroni nenguo dzake navanakomana vake nenguo dzavo. |
|
| 31 |
|
| Ipapo Mozisi akati kuna Aroni navanakomana vake, “Bikai nyama pamusuo weTende Rokusangana mugoidyira ipapo nechingwa chomudengu rezvipiriso zvokugadzwa sezvandakarayira ndichiti, ‘Aroni navanakomana vake vanofanira kuchidya.’ |
|
| 32 |
|
| Ipapo mugopisa zvose zvasara panyama nechingwa. |
|
| 33 |
|
| Musabva pamusuo weTende Rokusangana kwamazuva manomwe kusvikira mazuva okugadzwa kwenyu apera, nokuti kugadzwa kwenyu kuchapedza mazuva manomwe. |
|
| 34 |
|
| Zvaitwa nhasi zvakarayirwa naJehovha kuti akuyananisirei. |
|
| 35 |
|
| Munofanira kugara pamusuo weTende Rokusangana usiku namasikati kwamazuva manomwe mugoita zvinoda Jehovha kuti musafe nokuti ndizvo zvandarayirwa.” |
|
| 36 |
|
| Saka Aroni navanakomana vake vakaita zvose zvakarayirwa naJehovha kubudikidza naMozisi. |
|
|
|
|