Shona Bible 2002
|
| 1 |
| Zvino nomusi werusere Mosesi wakadana Aroni navanakomana vake, navakuru vaIsiraeri, |
| 2 |
| akati kuna Aroni, “Tora mukomo wemhuru chive chipiriso chezvivi, negondohwe chive chipiriso chinopiswa, zvisina mhosva, uuye nazvo pamberi paJehovha. |
| 3 |
| Utaure navana vaIsiraeri, uti, ‘Torai nhongo yembudzi chive chipiriso chezvivi, nemhuru, negwayana, zvose zvegore rimwe, zvisina mhosva, chive chipiriso chinopiswa, |
| 4 |
| nenzombe, negondohwe zvive zvipiriso zvokuyananisa, muzvibayire pamberi paJehovha; nechipiriso choupfu hwakakanyiwa namafuta, nokuti nhasi Jehovha unozviratidza kwamuri.’ ” |
| 5 |
| Zvino ivo vakauya nezvakanga zvarairwa naMosesi pamberi pomukova wetende rokusangana, ungano yose ikaswedera, vakamira pamberi paJehovha. |
| 6 |
| Ipapo Mosesi akati, “Ndicho chinhu chakarairwa naJehovha kuti muchiite, kuti kubwinya kwaJehovha kuzviratidze kwamuri.” |
| 7 |
| Mosesi akati kuna Aroni, “Swedera kuatari ubayire chipiriso chako chezvivi, nechipiriso chako chinopiswa, uzviyananisire iwe navanhu; uuyewo nechipo chavanhu, kuti uvayananisire, sezvakarairwa naJehovha.” |
| 8 |
| Ipapo Aroni wakaswedera kuatari, akabaya mhuru yechipiriso chezvivi, chakanga chiri chake. |
| 9 |
| Vanakomana vaAroni vakauya neropa, akariisa panyanga dzeatari, akadurura ropa mujinga meatari; |
| 10 |
| asi mafuta, netsvo, namafuta akanga ari pamusoro pechiropa chechipiriso chezvivi, wakazvipisa pamusoro peatari, sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha. |
| 11 |
| Nyama nedehwe akazvipisa nomoto kunze kwemisasa. |
| 12 |
| Akabaya chipiriso chinopiswa; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, iye akarisasa pamusoro peatari kunhivi dzose. |
| 13 |
| Ipapo vakamugamuchidzawo chipiriso chinopiswa, nhindi imwe neimwe, nomusoro, akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa pamusoro peatari. |
| 14 |
| Akasuka ura namakumbo, akazvipisa pamusoro peatari. |
| 15 |
| Ipapo akauya nechipo chavanhu, akatora mbudzi yechipiriso chezvivi, chaiva chavanhu, akaibaya, akaibayira zvivi, seyokutanga. |
| 16 |
| Ipapo akauya nechipiriso chinopiswa, akachibayira sezvakanga zvarairwa. |
| 17 |
| Akauyawo nechipiriso choupfu, akatsamurapo tsama yake, ndokuchipisira pamusoro peatari, achiwedzera pachipiriso chinopiswa chamangwanani. |
| 18 |
| Akabayawo nzombe negondohwe, kuti chive chibayiro chezvipiriso zvokuyananisira vanhu; vanakomana vaAroni vakamugamuchidza ropa, akarisasa pamusoro peatari kunhivi dzose; |
| 19 |
| namafuta enzombe, neegondohwe, nebhemhe, namafuta anofukidza ura, netsvo, namafuta anofukidza chiropa; |
| 20 |
| akaisa mafuta pamusoro pechityu, akapisa mafuta pamusoro peatari; |
| 21 |
| Aroni akazunguzira zvityu nebandauko rorudyi, kuti chive chipiriso chinozunguzirwa pamberi paJehovha, sezvakanga zvarairwa naMosesi. |
| 22 |
| Zvino Aroni wakasimudzira maoko ake kuvanhu, akavaropafadza; akaburuka, apedza kubayira chipiriso chezvivi, nechipiriso chinopiswa, nezvibayiro zvokuyananisa nazvo. |
| 23 |
| Mosesi naAroni vakapinda mutende rokusangana, vakabudazve, vakaropafadza vanhu; kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. |
| 24 |
| Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta pamusoro peatari; vanhu vose vakati vachizviona vakadanidzira, vakawira pasi nezviso zvavo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona2002/leviticus/009.mp3
27
9