Bhaibheri Dzvene 2005
|
| 1 |
| Pazuva rorusere Mozisi akadana Aroni navanakomana vake navakuru veIsraeri. |
| 2 |
| Akati kuna Aroni, “Tora hando diki yechipiriso chako chechivi negondohwe rechipiriso chako chinopiswa zvose zvisina kuremara ugouya nazvo kuna Jehovha. |
| 3 |
| Uti kuvana veIsraeri, ‘Torai nhongo yembudzi yechipiriso chechivi, mhuru negwayana zvose zvine gore uye zvisina kuremara sechipiriso chinopiswa |
| 4 |
| nehando negondohwe zvechipiriso chokuwadzana kuti mubayire pamberi paJehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo chakasanganiswa namafuta. Nokuti nhasi Jehovha achazviratidza kwamuri.’ ” |
| 5 |
| Vakatora zvinhu zvakarayirwa naMozisi vakaenda nazvo mberi kweTende Rokusangana uye ungano yose ikauya ikamira pamberi paJehovha. |
| 6 |
| Ipapo Mozisi akati, “Izvi ndizvo zvakarayirwa naJehovha kuti muite kuti kubwinya kwaJehovha kugoratidzwa kwamuri.” |
| 7 |
| Mozisi akati kuna Aroni, “Uya kuaritari ugobayira chipiriso chako chechivi nechipiriso chako chinopiswa ugozviyananisira iwe navanhu; bayira chipiriso chavanhu ugovayananisira sezvakarayirwa naJehovha.” |
| 8 |
| Saka Aroni akauya kuaritari akabaya mhuru sechipiriso chechivi chake. |
| 9 |
| Vanakomana vake vakauya neropa kwaari akanyika munwe wake muropa akariisa panyanga dzearitari. Rimwe ropa rose akaridururira mujinga mearitari. |
| 10 |
| Akapisa mafuta, itsvo namafuta akafukidza chiropa kubva pachipiriso chechivi paaritari sezvakarayirwa Mozisi naJehovha. |
| 11 |
| Nyama nedehwe akazvipisa kunze kwomusasa. |
| 12 |
| Ipapo akabaya chipiriso chinopiswa, uye vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose. |
| 13 |
| Vakamutambidza chipiriso chinopiswa chidimbu nechidimbu zvichisanganisira musoro akazvipisa paaritari. |
| 14 |
| Akasuka ura namakumbo akazvipisa pamusoro pechipiriso chinopiswa paaritari. |
| 15 |
| Ipapo Aroni akauya nechipiriso chavanhu, uye akatora mbudzi yechipiriso chavanhu chechivi akaiuraya uye akaipa sechipiriso chechivi sezvaakaita neyokutanga. |
| 16 |
| Akauya nechipiriso chinopiswa akachipa nenzira yakatarwa. |
| 17 |
| Akauyawo nechipiriso chezviyo, akatora tsama yacho akaipisa paaritari achiwedzera pachipiriso chinopiswa mangwanani. |
| 18 |
| Akabaya hando negondohwe sechipiriso chokuwadzana chavanhu. Vanakomana vake vakamutambidza ropa akarisasa paaritari kumativi ose. |
| 19 |
| Asi mafuta ehando neegondohwe, chimuswe chakakora, fukidziro yamafuta, itsvo nezvinofukidza chiropa, |
| 20 |
| izvi vakazviisa pazvityu. Aroni akapisa mafuta paaritari. |
| 21 |
| Aroni akaninira zvityu nebandauko rokurudyi pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira sokurayirwa kwaMozisi. |
| 22 |
| Ipapo Aroni akasimudzira maoko ake kuvanhu akavaropafadza. Apedza kubayira chipiriso chechivi, chipiriso chinopiswa nechipiriso chokuwadzana akaburuka pasi. |
| 23 |
| Mozisi naAroni vakapinda muTende Rokusangana. Pavakabuda vakaropafadza vanhu, uye kubwinya kwaJehovha kukaonekwa navanhu vose. |
| 24 |
| Moto wakabuda kubva pamberi paJehovha ukapisa chipiriso chinopiswa namafuta paaritari. Vanhu vose pavakazviona vakadanidzira nomufaro uye vakawira pasi nezviso zvavo. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shonabdsc/leviticus/009.mp3
27
9