Shona Bible 2009?
|
| 1 |
| Mashoko aAmosi, waiva mumwe wavafudzi veTekoa, aakaona pamusoro paIsiraeri namazuva aUziya mambo waJudha, uye namazuva aJerobhoami mwanakomana waJoashi mambo waIsiraeri, makore maviri achigere okusvika kokudengenyeka kwenyika. |
| 2 |
| Akati, "Jehovha uchaomba ari paZiyoni, achanzwisa izwi rake ari paJerusaremu; mafuro avafudzi achachema, musoro weKarimeri uchaoma." |
| 3 |
| Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Dhamasiko vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakapura Giriyadhi nemipuro yamatare. |
| 4 |
| Asi ndichatuma moto mumba maHazaeri, uchapedza dzimba dzohushe dzaBhenihadhadhi. |
| 5 |
| Ndichavhuna chihuri cheDhamasiko, nokuparadza vagere mumupata weAvheni nowakabata tsvimbo youshe paBhetiedheni; vanhu veSiria vachatapirwa Kiri," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 6 |
| Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Gaza vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwazvo; nokuti vakatapa rudzi rwose, kundovaisa kuna Edhomu. |
| 7 |
| Asi ndichatuma moto kurusvingo rweGaza, uchapedza dzimba dzaro dzoushe. |
| 8 |
| Ndichaparadza vagere Ashidhodhi nowakabata tsvimbo youshe paAshikeroni; ndichatambanudzira ruoko rwangu kurwa naEkironi; vakasara vavaFirisitia vachaparadzwa," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
| 9 |
| Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Tire vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakaisa rudzi rwose kuna Edhomu vakasarangarira sungano yohukama hwavo. |
| 10 |
| Asi ndichatuma moto kurusvingo rweTire, uchapedza dzimba dzaro dzoushe." |
| 11 |
| Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti Edhomu vakadarika, katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakateverera munun'una wavo nomunondo, vakarasha tsitsi dzose, kutsamwa kwake kukaramba kuchingobvambura, akaramba ane hasha nokusingaperi. |
| 12 |
| Asi ndichatuma moto paTemani, uchapedza dzimba dzoushe dzeBhozira." |
| 13 |
| Zvanzi naJehovha, "Nemhaka yokuti vanhu vaAmoni vakadarika katatu, zvimwe kana, handingadzori kurohwa kwavo; nokuti vakatumbura vakadzi vakanga vane mimba veGiriyadhi, kuti vakurise nyika yavo. |
| 14 |
| Asi ndichabatidza moto parusvingo rweRabha, uchapedza dzimba dzaro dzoushe, vachidanidzira nezuva rokurwa, nedutu guru remhepo nezuva rechamupupuri; |
| 15 |
| mambo wavo achatapwa, iye pamwechete namachinda ake," ndizvo zvinotaura Jehovha. |
|
| Sevha Zvinyorwa |
https://beblia.bible:81/BibleAudio/shona/amos/001.mp3
9
1